Mateo 8
8
Jesu unoporesa munhu unamaperembudzi.
(Mar 1:40–45; Ruka 5:12–14)
1Wakati aɓuruka pagomo, ʋanhu ʋazhinji‐zhinji ʋakamuteʋera. 2Tarira, munhu unamaperembudzi akaʋuya kwaari, akamunamata, akati: Ishe, kana muciɗa, munogona kundinatsa. 3Akatambanudza ruʋoko rwake, akamuɓata, akati: Ndinoɗa; cinatswa! Pakarepo maperembudzi ake akanatswa. 4Jesu akati kwaari: Tarira, usaʋudza munhu; asi enda, uɀiratidze kumuprista, uɓayire cipo cakarairwa naMosesi, ciʋe capupu kwaʋari.
Jesu unoporesa muranda womukuru wezana.
(Ruka 7:1–10)
5Wakati apinda Kapernaume, mumŋe mukuru wezana akaʋuya kwaari, akakumbira ɀikuru kwaari, 6aciti: Ishe, muranda waŋgu uʋete kumba, akafa mitezo, asi unotambudzika kwaɀo. 7Akati kwaari: Ndicaʋuya kuzomuporesa. 8Mukuru wezana akapindura, akati: Ishe, handina‐kufanirwa kuti mupinde mumba maŋgu; asi taurai henyu shoko rimŋe cete, muranda waŋgu ucapora. 9Nokuti neni ʋo ndiri munhu unorairwa, ndinaʋarwi pasi paŋgu; ndinoti kunomumŋe: Enda! unoenda; kunomumŋe: Ʋuya! unoʋuya; nokumuranda waŋgu: Ita cici! unoita. 10Jesu, wakati acinzwa iɀoɀo, akashamiswa, akati kunaʋakaŋga ʋaciteʋera: Ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Handina‐kumboʋona kutenda kwakaɗai, kunyaŋge napakati paʋaIsraeri. 11Ndinoti kwamuri, ʋazhinji ʋacaʋuya ʋacibva kumabvazuʋa, nokumaʋirira, ʋacagara naAbrahama, naIsaka, naJakobo, muʋushe bgokuɗeŋga, 12asi ʋanakomana ʋoʋushe ʋacaɓuɗiswa kurima rokunze; apo pacaʋa nokucema nokugeɗa‐geɗa kwameno. 13Ɀino Jesu akati kumukuru wezana: Enda, uitirwe pawakatenda napo. Muranda wake akapora neŋguʋa iyo.
Jesu unoporesa mai ʋomukadzi waPetro.
(Mar 1:29–34; Ruka 4:38–41)
14Jesu, wakati acipinda mumba maPetro, akaʋona mai ʋomukadzi wake ʋaʋete, ʋacinzwa fiviri. 15Akaɓata ruʋoko rwaʋo, fiviri ikabva kwaʋari, ʋakasimuka, ʋakamushandira. 16Aʋa maɗekwana, ʋakaʋuya kwaari naʋazhinji ʋaiʋa nemŋeya yakaipa; akaɓuɗisa mŋeya neshoko, akaporesa ʋose ʋairwara. 17Kuti ɀiitike ɀakarebga nomuprofita Isaya, aciti: Iye wakatora ʋutera bgeɗu, akatakura marwere eɗu.
Kuteʋera Jesu.
(Ruka 9:57–62)
18Jesu, wakati aciʋona ʋanhu ʋazhinji ʋakamukomba, akaraira kuti ʋayambukire mhiri. 19Ɀino mumŋe munyori akaʋuya akati kwaari: Mudzidzisi, ndicakuteʋerai kwose kwamunoenda. 20Jesu akati kwaari: Mhuŋgubge dzinemŋena, neshiri dzokuɗeŋga dzinamatendere: asi Mŋanakomana womunhu haana‐paaŋgatsamidza musoro wake. 21Mumŋe waʋadzidzi akati kwaari: Ishe, nditenderei henyu, ndimbondoʋiga ɓaɓa ʋaŋgu. 22Asi Jesu wakati kwaari: Nditeʋere; rega ʋakafa ʋaʋige ʋakafa ʋaʋo.
Jesu unonyaradza ɗutu remhepo.
(Mar 4:35–41; Ruka 8:22–25)
23Wakati apinda mugwa, ʋadzidzi ʋake ʋakamuteʋera. 24Ipapo ɗutu guru remhepo rikamuka muguŋgwa, nokuɗaro igwa rakafukidzwa namafuŋgu; asi iye wakaŋga aʋete. 25Ɀino ʋadzidzi ʋake ʋakaʋuya, ʋakamumutsa, ʋakati: Ishe, tiponesei, tofa! 26Akati kwaʋari: Munotyireiko, imi ʋokutenda kushoma? Ɀino akamuka, akaraira mitutu neguŋgwa; kudzikama kukuru kukaʋa’po. 27Ʋanhu ʋakashamiswa, ʋakati: Uyu munhu kunyi, ɀaanotererwa nemitutu neguŋgwa?
Jesu unoɓuɗisa mŋeya yakaipa panyika yaʋaGadara.
(Mar 5:1–20; Ruka 8:26–39)
28Wakati aȿika mhiri kunyika yaʋaGadara, ʋanhu ʋaʋiri ʋaiʋa nemŋeya yakaipa ʋakasoŋgana naye, ʋacibva kumarinda; ʋakaŋga ʋanehasha kwaɀo‐kwaɀo, naiɀoɀo kwakaŋga kusinomunhu waigona kupfuʋura nenzira iyo. 29Ɀino ʋakaɗanidzira, ʋaciti: Tinemhaka yeiko nemi, Mŋanakomana waMŋari? Maʋuya pano kuzotirwadzisa, ŋguʋa isati yaȿika here? 30Kwakaŋga kuneɓoka guru reŋguruʋe dzakaŋga dzicifura kure naʋo. 31Mŋeya yakaipa ikakumbira ɀikuru kwaari, iciti: Kana mucitiɓuɗisa, mutitumire kuɓoka reŋguruʋe. 32Akati kwairi: Endai. Ikaɓuɗa, ikapinda muŋguruʋe; ɓoka rose rikamhanyira kumawere kuguŋgwa, dzikafira mumvura. 33Ipapo ʋaidzifudza ʋakatiza, ʋakaenda kuguta, ʋakataura ɀose, neɀakaitirwa ʋakaŋga ʋanemŋeya yakaipa. 34Ɀino guta rose rikaɓuɗa kundosoŋgana naJesu; ʋakati ʋacimuʋona, ʋakakumbira ɀikuru kwaari kuti abve munyika yaʋo.
Zvasarudzwa nguva ino
Mateo 8: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018