Marko 1
1
Johane Mubapatidzi.
(Mat 3:1–12; Ruka 3:1–20; Joh 1:6–8, 19–38)
1Kutaŋga kweEvaŋgeri yaJesu Kristu, Mŋanakomana waMŋari.
2Seɀaɀakanyorwa mumuprofita Isaya, ɀicinzi:
Tarira, ndinotuma munyai waŋgu pamberi pako,
Ucakunatsira nzira yako;
3Inzwi rounoɗana murenje,
Gadzirai nzira yaShe,
Ruramisai migwagwa yake.
4Johane wakaʋuya acibapatidza murenje, aciparidza rubapatidzo rwokutendeʋuka ʋakaŋganwirwe ɀiʋi. 5Nyika yose yeJudea, naʋeJerusarema ʋose ʋakaɓuɗira kwaari, ʋakabapatidzwa naye murwizi rwaJoridani, ʋaciɀireʋurura ɀiʋi ɀaʋo. 6Johane wakaŋga akapfeka ŋguʋo yamakushe ekamera, nebanhire reganda muciʋuno cake; waidya mhashu noʋuci bgesaŋgo. 7Akaparidza, aciti: Shure kwaŋgu kunoʋuya mumŋe unesimba kupfuʋureni, wandisino‐kufanira kukotama kuti ndisunuŋgure rukanda rweshaŋgu dzake. 8Ini ndakakubapatidzai nemvura, asi iye ucakubapatidzai noMŋeya Mutȿene.
Kubapatidzwa kwaJesu.
(Mat 3:13–17; Ruka 3:21, 22)
9Namazuʋa iwayo Jesu wakabva Nazareta muGarirea, akabapatidzwa naJohane muJordani. 10Pakarepo aciɓuɗa mumvura, akaʋona ɗeŋga ricizarurwa, noMŋeya uciɓurukira pamsoro pake senjiʋa; 11inzwi rikabva kuɗeŋga, riciti: Ndiwe Mŋanakomana waŋgu unoɗikanwa, ndinokufarira.
Kuidzwa kwaJesu.
(Mat 4:1–11; Ruka 4:1–13)
12Pakarepo Mŋeya wakamuɓuɗisira kurenje; 13akaʋa murenje mazuʋa makumi manna, aciidzwa naSatani; wakaŋga ari kuɀikara, ʋatumŋa ʋakamushumira.
Jesu unoɗana ʋadzidzi ʋokutaŋga.
(Mat 4:12–22; Ruka 5:1–11)
14Johane wakati asuŋgwa, Jesu akaȿika Garirea, aciparidza Evaŋgeri yaMŋari, 15aciti: Ŋguʋa yazad ziswa, ʋushe bgaMŋari bgasweɗera pedyo; tendeʋukai, mutende Evaŋgeri.
16Wakati acifamba paguŋgwa re Garirea, akaʋona Simoni, naAndrea, m unuŋuna waSimoni, ʋacikandira ʋutaʋ muguŋgwa, nokuti ʋakaŋga ʋari ʋaɓati ʋehoʋe. 17Jesu akati kwaʋari: Nditeʋerei, kuti ndikuitei ʋaɓati ʋaʋanhu. 18Ʋakasiya ʋutaʋa bgaʋo pakarepo, ʋakamuteʋera. 19Wakati apfuʋura ɀishoma, akaʋona Jakobo, mŋanakomana waZebedi, naJohane munuŋuna wake, ʋacigadzira ʋutaʋa mugwa. 20Akaʋaɗana pakarepo, ʋakasiya ɓaɓa ʋaʋo Zebedi mugwa naʋaranda, ʋakamuteʋera.
Jesu unoporesa munhu waiʋa nomŋeya wakaipa paKapernaume.
(Ruka 4:31–37)
21Ʋakapinda Kapernaume; pakarepo nomusi wesaɓata akapinda musinagoge, akadzidzisa. 22Ʋakashamiswa nokudzidzisa kwake, nokuti wakaʋadzidzisa somunhu unesimba, asiŋgaiti saʋanyori. 23Ɀino musinagoge raʋo makaŋga munomunhu wakaŋga anomŋeya wetȿina, wakaɗanidzira, 24aciti: Tinemhaka yeiko nemi, Jesu weNazareta? maʋuya kuzotiparadza kanhi? Ndinokuziʋai kuti ndimi ani; muri Mutȿene waMŋari. 25Ɀino Jesu akamuraira, akati: Nyarara, uɓuɗe kwaari! 26Mŋeya wetȿina ukamubvundisa, ndokuɗanidzira nenzwi guru, ndokuɓuɗa kwaari. 27Ʋakatya ɀikuru ʋose, nokuɗaro ʋakaita nyaya, ʋaciti: Cinyiko ici? Kudzidzisa kutȿa kunesimba! Unoraira kunyaŋge nemŋeya yetȿina ikamuterera. 28Pakarepo mukurumbira wake ukanzwika panyika yose yakapoteredza yeGarirea.
Jesu unoporesa mai ʋomukadzi waPetro, naʋamŋe.
(Mat 8:14–17; Ruka 4:38–44)
29Pakarepo ʋakati ʋacibva musinagoge, ʋakapinda mumba maSimoni naAndrea, Jakobo naJohane ʋanaʋo. 30Mai ʋomukadzi waSimoni ʋakaŋga ʋaʋete ʋacirwara nefiviri; pakarepo ʋakamuʋudza iɀoɀo. 31Akaenda, akaʋaɓata noruʋoko, akaʋamutsa; fiviri ikaʋarega, ʋakaʋashandira.
32Maɗekwana, zuʋa raʋira, ʋakaisa kwaari ʋose ʋakaŋga ʋacirwadziwa, naʋakaŋga ʋakaɓatwa nemŋeya yakaipa. 33Guta rose rakaŋga raʋuŋgana pamukoʋa. 34Akaporesa ʋazhinji ʋakaŋga ʋacirwadziwa namarudzi ehosha, akaɓuɗisa mŋeya yakaipa mizhinji; asi wakaŋga asiŋgatenderi mŋeya yakaipa kutaura, nokuti yakaŋga icimuziʋa.
35Maŋgwanani kucinerima, wakamuka akaɓuɗa, akaenda kunɀimbo murenje, akandonyeŋgetera’po. 36Simoni, naʋakaŋga ʋanaye, ʋakamuteʋera. 37Ʋakamuwana, ʋakati kwaari: Ʋose ʋanokutȿakai. 38Akati kwaʋari: Ŋgatiende kumŋe kumisha iri pedyo, kuti ndindoparidza ikoko ʋo, nokuti ndiɀo ɀandakaʋuyira. 39Akaenda, akaparidza mumasinagoge aʋo paGarirea rose aciɓuɗisa mŋeya yakaipa.
Jesu unoporesa munhu unamaperembudzi.
(Mat 8:2–4; Ruka 5:12–14)
40Ɀino munhu unamaperembudzi akaʋuya kwaari, akakumbira ɀikuru kwaari, ndokufugama pamberi pake, akati kwaari: Kana muciɗa, munogona kundinatsa. 41Akamunzwira ŋgoni, akatambanudza ruʋoko rwake, akamuɓata, akati kwaari: Ndinoɗa, cinatswa. 42Pakarepo maperembudzi akabva kwaari, akanatswa. 43Ɀino akamuraira kwaɀo, akamuendisa pakarepo. 44Akati kwaari: Cenjera kuti urege kuʋudza munhu cinhu; asi enda uɀiratidze kumuprista, uɓayire pamsoro pokunatswa kwako ɀakarairwa naMosesi, ciʋe capupu kwaʋari. 45Asi iye wakaɓuɗa, akataŋga kuɀiʋudza ʋanhu ʋazhinji, nokuparidzira shoko iro, nokuɗaro Jesu wakaŋga asiŋgagoni kupinda muguta pacena, asi wakaŋga ari kunze panɀimbo murenje; ʋakaʋuya kwaari ʋacibʋa kumatiʋi ose.
Zvasarudzwa nguva ino
Marko 1: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018