Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Marko 14:12-26

Marko 14:12-26 SUB1949

Nezuʋa rokutaŋga reɀiŋgwa ɀisinembiriso, musi waʋaiɓayira paseka nawo, ʋadzidzi ʋakati kwaari: Munoɗa kuti tikugadzirirepiko pamuŋgadya paseka? Akatuma ʋadzidzi ʋake ʋaʋiri, akati kwaʋari: Endai muguta, ipapo mucasoŋgana nomunhu akatakura ciroŋgo cemvura; mumuteʋere iye. Paaneŋge acipinda, muti kumŋene weimba: Ɀanzi nomudzidzisi: Imba yaŋgu yaʋaeni iripiko, mandiŋgadyira paseka naʋadzidzi ʋaŋgu? Ipapo iye amene ucakutaridzai imba huru yokumsoro, yakaroŋgedzwa, yakagadzirwa; mutigadzirire’po. Ʋadzidzi ʋake ʋakaɓuɗa, ʋakaȿika muguta, ʋakandowana seɀaʋakaŋga ʋaʋudzwa naye; ʋakagadzira paseka. Aʋa maɗekwana, akaʋuya naʋanegumi naʋaʋiri. Ɀino ʋakati ʋagere pakudya, Jesu akati: Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri: Mumŋe wenyu ucandipandukira, iye unodya neni. Ipapo ʋakataŋga kuʋa neshuŋgu, mumŋe nomumŋe akati kwaari: Ndini here? Akati kwaʋari: Ndomumŋe waʋanegumi naʋaʋiri, unoisa ruʋoko neni mundiro. Nokuti Mŋanakomana womunhu unoenda hake, seɀaɀakanyorwa pamsoro pake; asi unenhamo munhu uyo, Mŋanakomana womunhu waanopandukirwa naye; kwaiʋa nani kumunhu uyu kana asina‐kuɓerekwa. Ɀino ʋakati ʋacidya, Jesu akatora ciŋgwa, akaciropafadza, akacimeɗura, ndokuʋapa, aciti: Torai, ici ndiwo muʋiri waŋgu. Akatora mukombe, akaʋoŋga, akaʋapa, ʋakanwa ʋose pauri. Akati kwaʋari: Ici iropa raŋgu resuŋgano itȿa, rinoɗururirwa ʋazhinji. Ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Handicazonwi ɀe ɀiɓereko ɀomuzambiriŋga, kuȿikira zuʋa iro randicazonwa naro, ɀaʋa ɀitȿa, muʋushe bgaMŋari. Ɀino ʋakati ʋaimba rwiyo, ʋakaɓuɗa, ʋakaenda kugomo reMiorivi.

Verenga chikamu Marko 14