Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mako 14:12-26

Mako 14:12-26 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Nezuva rokutanga rezvingwa zvisina mbiriso, musi wavaibayira Pasika nawo, vadzidzi vakati kwaari, “Munoda kuti tikugadzirirepiko pamungadya Pasika?” Akatuma vadzidzi vake vaviri, akati kwavari, “Endai muguta, ipapo muchasangana nomunhu akatakura chirongo chemvura; mumutevere iye. “Paanenge achipinda, muti kumuridzi weimba, ‘Zvanzi nomudzidzisi, imba yangu yavaeni iripiko, mandingadyire Pasika navadzidzi vangu?’ Ipapo iye achakutaridzai imba huru yokumusoro, yakarongedzwa, yakagadzirwa; mutigadzirirepo.” Vadzidzi vake vakabuda, vakasvika muguta, vakandowana sezvavakanga vaudzwa naye; vakagadzira Pasika. Ava madekwana, akauya navane gumi navaviri. Zvino vakati vagere pakudya, Jesu akati, “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, mumwe wenyu achandipandukira, iye anodya neni.” Ipapo vakatanga kuva neshungu, mumwe nomumwe akati kwaari, “Ndini here?” Akati kwavari, “Ndomumwe wavane gumi navaviri, anoisa ruoko neni mundiro. Nokuti Mwanakomana womunhu anoenda hake, sezvazvakanyorwa pamusoro pake; asi ane nhamo munhu uyo, Mwanakomana womunhu waanopandukirwa naye; kwaiva nani kumunhu uyu dai asina kuberekwa.” Zvino vakati vachidya, Jesu akatora chingwa, akavonga, akachimedura, ndokuvapa, achiti, “Gamuchirai, ichi uyu muviri wangu.” Akatora mukombe, akavonga, akavapa, vakanwa vose pauri. Akati kwavari, “Ichi iropa rangu rechitenderano itsva, rinodururirwa vazhinji. “Zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, handichazonwizve muchero womudzambiringa, kusvikira zuva iro randichazonwa naro, zvava zvitsva, muushe hwaMwari.” Zvino vakati vaimba rwiyo, vakabuda, vakaenda kugomo reMiorivhi.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mako 14

Mako 14:12-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Pazuva rokutanga roMutambo weChingwa Chisina Mbiriso, zvayakanga iri tsika yavo yokubayira gwayana rePasika, vadzidzi vaJesu vakamubvunza vakati, “Munoda kuti tiende kupi kwatingandokugadzirirai Pasika kuti mudye?” Saka akatuma vadzidzi vake vaviri akati kwavari, “Endai muguta, uye muchasangana nomurume akatakura chirongo chemvura. Mumutevere. Muti kumwene weimba yaanopinda mairi, ‘Mudzidzisi anobvunza kuti: Imba yangu yavaeni, mandingadyira Pasika navadzidzi vangu ndeipiko?’ Achakuratidzai imba huru yapamusoro, yakatorongedzwa uye yakagadzirwa. Mutigadzirire imomo.” Vadzidzi vakabva, vakapinda muguta vakawana zvinhu zvakaita sezvavakanga vaudzwa naJesu. Saka vakagadzira Pasika. Ava madekwana, Jesu akasvika navane gumi navaviri. Vakati vagere pakudya, akati, “Ndinokuudzai chokwadi, mumwe wenyu achandipandukira, mumwe ari kudya neni.” Vakasuwiswa nazvo, mumwe nomumwe akati kwaari, “Zvirokwazvo, kwete ini?” Iye akapindura akati, “Ndomumwe wavane gumi navaviri, iye anoseva chingwa chake mundiro neni. Mwanakomana woMunhu achaenda hake sezvazvakanyorwa pamusoro pake. Asi ane nhamo munhu uyo anopandukira Mwanakomana woMunhu! Zvaiva nani kwaari dai akanga asina kuzvarwa.” Vakati vari pakudya, Jesu akatora chingwa, akavonga uye akachimedura, akapa vadzidzi vake achiti, “Torai mudye, uyu ndiwo muviri wangu.” Ipapo akatora mukombe, akavonga akaupa kwavari, uye vose vakanwa pauri. Akati kwavari, “Iri ndiro ropa rangu resungano, rinodururirwa vazhinji. Ndinokuudzai chokwadi kuti handichazonwizve chibereko chomuzambiringa kusvikira pazuva randichazochinwa zvava zvitsva muumambo hwaMwari.” Vakati vaimba rwiyo, vakabuda vakaenda kuGomo reMiorivhi.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mako 14

Mako 14:12-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Pazuva rokutanga reChingwa Chisina Mbiriso, musi wavaibaya hwayana yePasika, vadzidzi vake vakati kwaari, “Ndokupi kwamunoda kuti tiende kundokugadzirirai kuti mudyire Pasika?” Akatuma vadzidzi vake vaviri, achiti kwavari, “Endai muguta. Muchasanganidzana nomurume akatakura chirongo chemvura. Muteverei. Maanenge apinda imomo bvunzai muridzi wemba kuti zvanzi nomudzidzisi, ‘Ko imba yavayeni mandichadyira Pasika navadzidzi vangu iripi?’ ” Iye achakuratidzai imba huru yapamusoro makanyatsorongedzwa yakagadzirwa. Tigadzirirei imomo. Vadzidzi vaya vakaenda. Vakasvika muguta vakasvikowana sezvaakanga avataurira, ndokugadzirira Pasika. Ava manheru akauya navane gumi navaviri. Pavakanga vagere pakudya Jesu akati, “Zvechokwadi ndinoti kwamuri mumwe wenyu ari kudya neni, achanditengesa.” Vakatanga kusuruvara. Mumwe nomumwe akati kwaari, “Ndini here?” Iye ndokuti kwavari, “Ndomumwe wavane gumi navaviri wandiri kuseva naye mundiro.” Nokuti, zvechokwadi, Mwanakomana womunhu anoenda sokunyorwa kwazvakaitwa nezvake. Asi zvichamuwana munhu uyo anotengesa Mwanakomana womunhu, zvaitova nani dai munhu iyeyo asina kuzvarwa zvake. Zvino zvavakanga vari pakudya, akatora chingwa akatenda ndokuchimedura akachipa kwavari achiti, “Gamuchirai; uyu muviri wangu.” Akatorawo mukombe akatenda, ndokuupa kwavari, vakanwa vose. Akazoti kwavari, “Iri iropa rangu rechitenderano, rinodeurirwa vazhinji. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, handichazonwizve waini yomugirepisi kusvikira zuva randichanwa yava waini itsva muumambo hwaMwari.” Kuzoti vaimba rumbo vakabuda voenda kugomo reMiorivhi.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mako 14

Mako 14:12-26 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Nezuʋa rokutaŋga reɀiŋgwa ɀisinembiriso, musi waʋaiɓayira paseka nawo, ʋadzidzi ʋakati kwaari: Munoɗa kuti tikugadzirirepiko pamuŋgadya paseka? Akatuma ʋadzidzi ʋake ʋaʋiri, akati kwaʋari: Endai muguta, ipapo mucasoŋgana nomunhu akatakura ciroŋgo cemvura; mumuteʋere iye. Paaneŋge acipinda, muti kumŋene weimba: Ɀanzi nomudzidzisi: Imba yaŋgu yaʋaeni iripiko, mandiŋgadyira paseka naʋadzidzi ʋaŋgu? Ipapo iye amene ucakutaridzai imba huru yokumsoro, yakaroŋgedzwa, yakagadzirwa; mutigadzirire’po. Ʋadzidzi ʋake ʋakaɓuɗa, ʋakaȿika muguta, ʋakandowana seɀaʋakaŋga ʋaʋudzwa naye; ʋakagadzira paseka. Aʋa maɗekwana, akaʋuya naʋanegumi naʋaʋiri. Ɀino ʋakati ʋagere pakudya, Jesu akati: Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri: Mumŋe wenyu ucandipandukira, iye unodya neni. Ipapo ʋakataŋga kuʋa neshuŋgu, mumŋe nomumŋe akati kwaari: Ndini here? Akati kwaʋari: Ndomumŋe waʋanegumi naʋaʋiri, unoisa ruʋoko neni mundiro. Nokuti Mŋanakomana womunhu unoenda hake, seɀaɀakanyorwa pamsoro pake; asi unenhamo munhu uyo, Mŋanakomana womunhu waanopandukirwa naye; kwaiʋa nani kumunhu uyu kana asina‐kuɓerekwa. Ɀino ʋakati ʋacidya, Jesu akatora ciŋgwa, akaciropafadza, akacimeɗura, ndokuʋapa, aciti: Torai, ici ndiwo muʋiri waŋgu. Akatora mukombe, akaʋoŋga, akaʋapa, ʋakanwa ʋose pauri. Akati kwaʋari: Ici iropa raŋgu resuŋgano itȿa, rinoɗururirwa ʋazhinji. Ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Handicazonwi ɀe ɀiɓereko ɀomuzambiriŋga, kuȿikira zuʋa iro randicazonwa naro, ɀaʋa ɀitȿa, muʋushe bgaMŋari. Ɀino ʋakati ʋaimba rwiyo, ʋakaɓuɗa, ʋakaenda kugomo reMiorivi.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mako 14

Mako 14:12-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)