Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mariko 14:12-26

Mariko 14:12-26 SCLBD

Pazuva rokutanga reChingwa Chisina Mbiriso, musi wavaibaya hwayana yePasika, vadzidzi vake vakati kwaari, “Ndokupi kwamunoda kuti tiende kundokugadzirirai kuti mudyire Pasika?” Akatuma vadzidzi vake vaviri, achiti kwavari, “Endai muguta. Muchasanganidzana nomurume akatakura chirongo chemvura. Muteverei. Maanenge apinda imomo bvunzai muridzi wemba kuti zvanzi nomudzidzisi, ‘Ko imba yavayeni mandichadyira Pasika navadzidzi vangu iripi?’ ” Iye achakuratidzai imba huru yapamusoro makanyatsorongedzwa yakagadzirwa. Tigadzirirei imomo. Vadzidzi vaya vakaenda. Vakasvika muguta vakasvikowana sezvaakanga avataurira, ndokugadzirira Pasika. Ava manheru akauya navane gumi navaviri. Pavakanga vagere pakudya Jesu akati, “Zvechokwadi ndinoti kwamuri mumwe wenyu ari kudya neni, achanditengesa.” Vakatanga kusuruvara. Mumwe nomumwe akati kwaari, “Ndini here?” Iye ndokuti kwavari, “Ndomumwe wavane gumi navaviri wandiri kuseva naye mundiro.” Nokuti, zvechokwadi, Mwanakomana womunhu anoenda sokunyorwa kwazvakaitwa nezvake. Asi zvichamuwana munhu uyo anotengesa Mwanakomana womunhu, zvaitova nani dai munhu iyeyo asina kuzvarwa zvake. Zvino zvavakanga vari pakudya, akatora chingwa akatenda ndokuchimedura akachipa kwavari achiti, “Gamuchirai; uyu muviri wangu.” Akatorawo mukombe akatenda, ndokuupa kwavari, vakanwa vose. Akazoti kwavari, “Iri iropa rangu rechitenderano, rinodeurirwa vazhinji. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, handichazonwizve waini yomugirepisi kusvikira zuva randichanwa yava waini itsva muumambo hwaMwari.” Kuzoti vaimba rumbo vakabuda voenda kugomo reMiorivhi.

Verenga chikamu Mariko 14