Kwakati mazuʋa apfuʋura, akapinda ɀe Kapernaume; ʋanhu ʋakanzwa kuti uri mumba. Ʋazhinji ʋakaʋuŋgana nokuɗaro ʋakashaiwa nɀimbo, kunyaŋge pamukoʋa; akaʋataurira shoko. Ʋakaʋuya ʋakaisa kwaari munhu wakaŋga akafa mitezo, akatakurwa na ʋanhu ʋanna. Ɀino ʋakati ʋasiŋgagoni kusweɗera kwaari nokuɗa kwaʋazhinji, ʋakazarura ɗeŋga paakaŋga ari; ʋakati ʋariputsa, ʋakaɓurusa nhoʋo, pakaŋga paʋete munhu wakaŋga akafa mitezo; Jesu wakati aciʋona kutenda kwaʋo, akati kunowakaŋga akafa mitezo: Mŋana, wakaŋganwirwa ɀiʋi ɀako. Ɀino ʋamŋe ʋanyori ʋakaŋga ʋagere’mo, ʋakafuŋga mumŋoyo yaʋo, ʋaciti: Uyu unoreʋereiko kuɗaro? Unomhura Mŋari; ndianiko unogona kukaŋganwira ɀiʋi, asi mumŋe cete, ndiye Mŋari? Pakarepo Jesu aciziʋa mumŋeya make kuti ʋanofuŋga kuɗaro mumŋoyo yaʋo, akati kwaʋari: Munofuŋgireiko ɀinhu iɀi mumŋoyo yenyu? Cinyiko cakareruka, kuti kunowakafa mitezo: Wakaŋganwirwa ɀiʋi ɀako, kana kuti: Simuka, tora nhoʋo dzako, ufambe? Asi kuti muziʋe kuti Mŋanakomana womunhu unesimba panyika rokukaŋganwira ɀiʋi, (akati kumunhu wakaŋga akafa mitezo:) Ndinoti kwauri: Simuka, tora nhoʋo dzako, uende kumba kwako! Pakarepo akasimuka, akatora nhoʋo, ndokuɓuɗa pamberi paʋo ʋose; naiɀoɀo ʋose ʋakashamiswa, ʋakarumbidza Mŋari, ʋaciti: Hatina‐kumboʋona ɀakaɗai.
Verenga chikamu Marko 2
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Marko 2:1-12
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo