Kwakati mazuva apfuura, akapindazve Kapenaume; vanhu vakanzwa kuti ari mumba. Vazhinji vakaungana nokudaro vakashaiwa nzvimbo, kunyange pamusuo; akavataurira shoko. Vakauya vakaisa kwaari munhu akanga akafa mitezo, akatakurwa navanhu vana.
Zvino vakati vasingagoni kuswedera kwaari nokuda kwavazhinji, vakazarura denga paakanga ari; vakati variputsa, vakaburusa nhoo, pakanga pavete munhu akanga akafa mitezo; Jesu akati achiona kutenda kwavo, akati kunoakanga akafa mitezo, “Mwana, waregererwa zvivi zvako.”
Zvino vamwe vanyori vakanga vegeremo, vakafunga mumwoyo yavo, vachiti, “Uyu anorevereiko kudaro? Anoshonha Mwari; ndianiko anogona kuregerera zvivi, asi mumwechete, ndiye Mwari?”
Pakarepo Jesu achiziva mumweya make kuti vanofunga kudaro mumwoyo yavo, akati kwavari, “Munofungireiko zvinhu izvi mumwoyo yenyu? Chakareruka ndechipiko, kuti kunowakafa mitezo, ’Waregererwa zvivi zvako,‘ kana kuti, ‘Simuka, tora nhoo dzako, ufambe?’
“Asi kuti muzive kuti Mwanakomana womunhu ane simba panyika rokuregerera zvivi,” (akati kumunhu akanga akafa mitezo), “Ndinoti kwauri, simuka, tora nhoo dzako, uende kumba kwako!”
Pakarepo akasimuka, akatora nhoo, ndokubuda pamberi pavo vose; naizvozvo vose vakashamiswa, vakarumbidza Mwari, vachiti, “Hatina kumboona zvakadai.”