Marko 6
6
Jesu unoshoʋorwa paNazareta.
(Mat 13:53–58; Ruka 4:16–32)
1Wakabva’po, akaȿika kunyika yake, ʋadzidzi ʋake ʋakamuteʋera. 2Musi wesaɓata wakati waȿika, akataŋga kudzidzisa musinagoge; ʋanhu ʋazhinji ʋakati ʋacimunzwa, ʋakashamiswa, ʋaciti: Munhu uyu wawanepiko iɀoɀi? Kucenjera kwakapiwa munhu uyu ndokweiko? Namaɓasa esimba akaɗai anoitwa namaʋoko ake? 3Ko uyu haazi muʋezi here, mŋanakomana waMaria, nomukoma waJakobo, naJose, naJuda, naSimoni? Nehanɀadzi dzake hadzizi pano pakati patiri here? Ʋakagumburwa naye. 4Jesu akati kwaʋari: Muprofita haaŋgashaiwi kukudzwa, asi munyika yake, nokuhama dzake, nomumba make. 5Akasagona kuɓate‐ɓasa resimba ipapo, asi wakaisa maʋoko ake pamsoro paʋairwara ʋashoma, akaʋaporesa. 6Akashamiswa nokusatenda kwaʋo.
Ipapo wakapota nemisha, acidzidzisa.
Ʋanegumi naʋaʋiri ʋanotumŋa kuparidza nokuporesa.
(Mat 10:1–42; Mar 3:13–19; Ruka 6:12–16; 9:1–6)
7Ɀino wakaɗanira kwaari ʋanegumi naʋaʋiri, akataŋga kuʋatuma ʋaʋiri ʋaʋiri, akaʋapa simba pamsoro pemŋeya yetȿina; 8akaʋaraira kuti ʋarege kutoŋgotora ɀomunzira, asi muɗonɀo ɓedzi; ʋarege kutora ciŋgwa, nehomboɗo, nemari mucikwama. 9Asi ʋafuke shaŋgu, ʋarege kupfeka ŋguʋo mbiri. 10Akati kwaʋari: Pose pamunopinda mumba, mugare’mo, kuȿikira mucibva’po. 11Pose paʋasiŋgakugamuciriyi nokukunzwai, kana mucibva’po, muzuze guruʋa riri patsoka dzenyu, ciʋe capupu kwaʋari. 12Ʋakaɓuɗa, ʋakaparidza kuti ʋanhu ʋatendeʋuke. 13Ʋakaɓuɗisa mŋeya yakaipa mizhinji, ʋakazodza ʋazhinji ʋairwara mafuta, ʋaciʋaporesa.
Kuʋurawa kwaJohane Mubapatidzi.
(Mat 14:1–12; Ruka 9:7–9)
14Ɀino mambo Herode wakaɀinzwa, nokuti zita rake rakaŋga rakurumbira, akati: Johane Mubapatidzi wakamuka kuʋakafa, saka masimba awa anoɓata maari. 15Ʋamŋe ʋakati: NdiEria; ʋamŋe ʋakati: Muprofita wakafanana nomumŋe waʋaprofita. 16Asi Herode wakati aciɀinzwa, akati: NdiJohane wakamuka, uya wandakagura musoro. 17Nokuti Herode wakaŋga atuma ʋanhu, akaɓata Johane, akamusuŋga mutoroŋgo nokuɗa kwaHerodiasi, mukadzi waFiripo, munuŋuna wake, nokuti wakaŋga amuwana. 18Nokuti Johane wakaŋga ati kunaHerode: Haunakutenderwa kuti uʋe nomukadzi womunuŋuna wako. 19Herodiasi akamuʋeŋga, akaɗa kumuʋuraya, akasagona; 20nokuti Herode wakaŋga acitya Johane, aciziʋa kuti munhu wakarurama, mutȿene, akamuceŋgeta ɀakanaka. Wakati amunzwa, akakaŋganiswa kwaɀo, akasifara kumunzwa. 21Asi zuʋa rakafanira rakati raȿika, Herode nezuʋa rokuɓerekwa kwake akaitira madzishe ake naʋakuru ʋeɀuru ɀamazana naʋaɓati ʋakuru ʋeGarirea mutambo mukuru; 22ɀino mŋanasikana waHerodiasi amene wakapinda, akatamba, akafadza Herode naʋakaŋga ʋagere pakudya naye; mambo akati kumŋanasikana: Kumbira kwandiri caunoɗa, ndikupe. 23Akamupikira, aciti: Caunokumbira kwandiri ndicakupa, kuȿikira pahafu yoʋushe bgaŋgu. 24Akaɓuɗa, akati kunamai ʋake: Ndicakumbireiko? Ʋakati: Musoro waJohane Mubapatidzi. 25Pakarepo akakurumidza kupinda kunamambo, akakumbira aciti: Ndinoɗa kuti mundipe mundiro ikoɀino musoro waJohane Mubapatidzi. 26Ipapo mambo akaɀidya mŋoyo kwaɀo, asi wakaŋga asiŋgaɗi kumurambira nokuɗa kwokupika kwake, ʋuye nokuɗa kwaʋakaŋga ʋagere naye pakudya. 27Pakarepo mambo akatuma murwi, akaraira kuti aʋuye nomusoro wake. 28Akaenda, akamugura musoro mutoroŋgo, akaʋuya nomusoro wake mundiro, akaupa musikana, musikana ndokuupa mai ʋake. 29Ʋadzidzi ʋake ʋakati ʋaciɀinzwa, ʋakaʋuya ʋakatora mutumbu wake, ʋakauʋiga mubgiro.
Ʋaneɀuru ɀishanu ʋanopiwa ɀokudya naJesu.
(Mat 14:13–21; Ruka 9:10–17; Joh 6:1–14)
30Ɀino ʋaapostora ʋakaʋuŋganira kunaJesu, ʋakamuʋudza ɀose ɀaʋakaŋga ʋaita, neɀaʋakaŋga ʋadzidzisa. 31Akati kwaʋari: Ʋuyai imi muri moga kunɀimbo murenje, muzorore ɀishoma; nokuti kwakaŋga kunaʋazhinji ʋaiʋuy naʋaienda, ʋakasaʋa neŋguʋa kunyaŋge yokudya. 32Ʋakaenda negwa kunɀimbo murenje ʋari ʋoga. 33Ʋanhu ʋakaʋaʋona ʋacienda, ʋazhinji ʋakamuziʋa, ʋakamhanyira ʋose ikoko, ʋacibva pamaguta ose, ʋakaʋataŋgira kuȿika. 34Ɀino wakati aciɓuɗa mugwa, akaʋona ʋazhinji‐zhinji, akaʋanzwira tsitsi, nokuti ʋakaŋga ʋakafanana namakwai asinomufudzi; akataŋga kuʋadzidzisa ɀizhinji. 35Ɀino zuʋa roɗo‐kuʋira, ʋadzidzi ʋake ʋakaʋuya kwaari, ʋakati: Pano inɀimbo murenje, zuʋa roɗo‐kuʋira; 36ʋaendisei, kuti ʋaende kuruwa nemisha yakapoteredza, ʋandoɀiteŋgera ɀokudya. 37Akapindura, akati kwaʋari: Imi muʋapei ɀaʋaŋgadya. Ʋakati kwaari: Tiŋgaenda kundoteŋga ɀiŋgwa namadenari anamazana maʋiri,#6:37 Mari ineŋge pondo nomŋe necumi. tiʋape ʋadye here? 38Akati kwaʋari: Muneɀiŋgwa ɀiŋganiko? Endai mutarire. Ʋakati ʋaziʋa, ʋakati: Ɀishanu, nehoʋe mbiri. 39Ɀino akaʋaraira kuti ʋagarise ʋose pasi paʋuswa bgunyoro ʋakaita mapoka‐mapoka. 40Ʋakagara pasi ʋakaita mapoka‐mapoka anezana naanamakumi mashanu. 41Ɀino akatora ɀiŋgwa ɀishanu nehoʋe mbiri, akatarira kuɗeŋga, akaʋoŋga, akameɗura ɀiŋgwa, akapa ʋadzidzi ʋake, kuti ʋaɀiise pamberi paʋo; nehoʋe mbiri akadzigoʋera ʋose. 42Ʋakadya ʋose, ʋakaguta. 43Ʋakaʋuŋganidza ɀimeɗu, mateŋgu anegumi namaʋiri akazadzwa, neɀehoʋe ʋo. 44Ʋakaŋga ʋadya ɀiŋgwa ʋaiʋa ʋarume ʋaneɀuru ɀishanu.
Jesu unofamba pamsoro pemʋura.
(Mat 14:22–33; Joh 6:15–21)
45Pakarepo akagombedzera ʋadzidzi ʋake kuti ʋapinde mugwa, ʋamutuŋgamirire kuyambukira mhiri Betsaida, iye aciendisa ʋanhu ʋazhinji. 46Akati awonekana naʋo, akaenda mugomo kundonyeŋgetera. 47Aʋa maɗekwana igwa rakaŋga riri pakati peguŋgwa, iye ari oga panyika. 48Ɀino wakati aciʋona kuti ʋanotambudzika nokukwaȿa, nokuti mhepo yakaŋga iciʋadziʋisa, neŋguʋa ineŋge seyecinna yoʋusiku, akaʋuya kwaʋari acifamba pamsoro peguŋgwa; akaɗa kupfuʋura. 49Ɀino ʋakati ʋacimuʋona acifamba pamsoro peguŋgwa, ʋakati madzimudzaŋgara, ʋakaridza mhere. 50Nokuti ʋose ʋakamuʋona, ʋakamanikidzwa; akataura naʋo, akati kwaʋari: Tsuŋgai mŋoyo, ndini, musatya. 51Akakwira kwaʋari mugwa, mhepo ikanyarara; ʋakashamiswa kwaɀo‐kwaɀo mumŋoyo yaʋo. 52Nokuti ʋakaŋga ʋasati ʋanzwisisa shoko reɀiŋgwa, nokuti mŋoyo yaʋo yakaŋga iri mikukutu.
Jesu unoporesa ʋanhu paGenesareti.
(Mat 14:34–36)
53Ʋakati ʋayambukira mhiri, ʋakaȿika kunyika yeGenesareti, ʋakasuŋgira igwa pamhenderekedzo. 54Ʋakati ʋaɓuɗa mugwa, pakarepo ʋanhu ʋakamuziʋa, 55ʋakamhanyira munyika yose iyo, ʋakataŋga kutakura ʋairwara panhoʋo dzaʋo, ʋakaʋaisa paʋainzwa kuti ndiko kwaari. 56Pose paakapinda pamisha napamaguta, naparuwa, ʋakaradzika ʋairwara paɗare, ʋakakumbira ɀikuru kwaari kuti ʋaɓate kunyaŋge mupendero weŋguʋo dzake cete; ʋose ʋakamuɓata ʋakaporeswa.
Zvasarudzwa nguva ino
Marko 6: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018