Marko 5
5
Jesu unoɓuɗisa mŋeya yakaipa yaʋaGerasa.
(Mat 8:28–34; Ruka 8:26–39)
1Ʋakaȿika mhiri kweguŋgwa kunyika yaʋaGerasa. 2Ɀino wakati aɓuɗa mugwa, pakarepo akasoŋgana nomunhu waiʋa nomŋeya wetȿina, acibva kumarinda. 3Uyo waigara mumarinda; kwakaŋga kusinomunhu wakaŋga acagona kumusuŋga kunyaŋge neketani. 4Nokuti kazhinji waisuŋgwa neɀisuŋgo ɀamakumbo namaketani, asi waiɗambura maketani, nokuɗashura ɀisuŋgo; kwakaŋga kusinomunhu waigona kumunyoroʋesa. 5Ŋguʋa dzose, ʋusiku namasikati, waigara mumarinda nomumakomo, aciɗanidzira, aciɀiceka namabge. 6Ɀino wakati aciʋona Jesu ari kure, akamhanya, ndokumunamata; 7akaɗanidzira nenzwi guru, akati: Ndinemhaka yeiko nemi Jesu, Mŋanakomana waMŋari Wokumsoro‐soro? Ndinokupikirai naMŋari kuti murege kunditambudza. 8Nokuti wakati kwaari: Ƃuɗa pamunhu, iwe mŋeya wetȿina! 9Akamubvunza, akati: Zita rako ndianiko? Akati kwaari: Regioni ndiro zita raŋgu, nokuti tiri ʋazhinji. 10Akakumbira ɀikuru kwaari kuti arege kuidziŋga panyika iyo. 11Ɀino kwakaŋga kuri’po pagomo ɓoka guru reŋguruʋe dzakaŋga dzicifura. 12Ikakumbira ɀikuru kwaari, iciti: Titumirei kuŋguruʋe, kuti tindopinda madziri. 13Akaitendera. Mŋeya yetȿina ikaɓuɗa, ikapinda muŋguruʋe; ɓoka rikamhanyira kumawere kuguŋgwa, dzineŋge dzaiʋa ɀuru ɀiʋiri, dzikafira muguŋgwa. 14Ʋaidzifudza ʋakatiza, ʋakandoʋudza iɀoɀo muguta naparuwa. Ʋakaʋuya kuzoʋona ɀaitwa. 15Ʋakaʋuya kunaJesu, ʋakaʋona wakaŋga anemŋeya yakaipa agere, apfeka, ari munhu kwaye — iye waiʋa neregioni; ʋakatya. 16Ʋaya ʋakaŋga ʋaɀiʋona, ʋakarondedzera ɀaakaitirwa, iye wakaŋga anemŋeya yakaipa, neŋguruʋe ʋo. 17Ʋakataŋga kukumbira ɀikuru kwaari kuti abve munyika yaʋo. 18Ɀino wakati acipinda mugwa, iye waiʋa nemŋeya yakaipa akakumbira ɀikuru kwaari kuti agare naye. 19Asi haana‐kumutendera, asi wakati kwaari: Enda kumba kwako, kuhama dzako, uʋaʋudze ɀinhu ɀikuru ɀawakaitirwa naShe, napawakaitirwa ŋgoni napo. 20Akaenda, akataŋga kuparidza munyika yeDekapori ɀinhu ɀikuru ɀaakaitirwa naJesu; ʋakashamiswa ʋose.
Jesu unoporesa mukadzi waiɓuɗa ropa, ʋuye unomutsa mŋanasikana waJairosi.
(Mat 9:18–26; Ruka 8:41–56)
21Jesu wakati ayambukira ɀe mhiri negwa, ʋanhu ʋazhinji ʋakaʋuŋganira kwaari; wakaŋga ari paguŋgwa. 22Mumŋe waʋakuru ʋesinagoge, wainzi Jairosi, akaȿika; akati acimuʋona, akaɀiwisira pasi petsoka dzake, 23akakumbira ɀikuru kwaari, aciti: Mukunda waŋgu muɗuku wotandadza, ʋuyai, muise maʋoko enyu pamsoro pake aporeswe, ararame. 24Akaenda naye; ʋanhu ʋazhinji ʋakamuteʋera, ʋacimumanikidza.
25Ɀino mumŋe mukadzi waiʋa nokurwara kwokuɓuɗa ropa makore anegumi namaʋiri, 26wakaŋga aʋoneswa nhamo neŋaŋga zhinji, akapedza ɀose ɀaakaŋga anaɀo asina‐kutoŋgoɓatsirwa, asi kuŋgonyanyiswa, 27wakati anzwa ɀaJesu, akaʋuya pakati paʋanhu ʋazhinji ʋaiʋa mashure, akaɓata ŋguʋo yake. 28Nokuti wakati: Kana ndikaɓata ŋguʋo yake ɓedzi, ndicaponeswa. 29Pakarepo tsime rake reropa rikapxa, akanzwa pamuʋiri wake kuti waporeswa pakurwara kwake. 30Pakarepo Jesu wakati aciziʋa mukati make kuti simba rakaɓuɗa kwaari, akatendeʋuka pakati paʋanhu ʋazhinji, akati: Ndianiko waɓata ŋguʋo dzaŋgu? 31Ʋadzidzi ʋake ʋakati kwaari: Munoʋona ʋanhu ʋazhinji ʋanokumanikidzai, ɀino muŋgati seiko: Ndiani wandiɓata? 32Ɀino akariŋga‐riŋga kuti aʋone wakaita iɀoɀo. 33Mukadzi akatya, akaɗeɗera, aciziʋa ɀaaitirwa, akaʋuya, ndokuɀiwisira pamberi pake, ndokumuʋudza ɀirokwaɀo ɀose. 34Akati kwaari: Mukunda, kutenda kwako kwakuponesa; enda norugare, upore pakurwara kwako. 35Wakati acataura, ʋamŋe ʋeimba yomukuru wesinagoge ʋakaȿika, ʋakati: Mukunda wenyu wafa; mucatambudzireiko Mudzidzisi? 36Jesu wakati acinzwa shoko rataurwa, akati kumukuru wesinagoge: Usatya, tenda ɓedzi. 37Akasatendera munhu kumuteʋera, asi Petro, naJakobo, naJohane munuŋuna waJakobo. 38Ʋakaȿika mumba momukuru wesinagoge; akawana iri mhere‐mhere, naʋanocema ɀikuru, naʋanorira. 39Akapinda, akati kwaʋari: Munoitireiko mhere‐mhere, mucicema? Mŋana haana‐kufa, asi uʋete. 40Ʋakamuseka. Akaʋaɓuɗisa ʋose, akatora ɓaɓa ʋomŋana namai, naʋaakaŋga anaʋo, akapinda kwakaŋga kunomŋana. 41Akaɓata ruʋoko rwomŋana, akati kwaari: Tarita kumi! ndokuti, kana ɀicishandurwa, Musikana, ndinoti kwauri: Muka! 42Pakarepo musikana akasimuka, akafamba; nokuti waiʋa namakore anegumi namaʋiri; ʋakashamiswa nokushama kukuru. 43Akaʋaraira ɀikuru kuti ɀirege kuzikanwa nomunhu; akati, ŋgaapiwe ɀokudya.
Zvasarudzwa nguva ino
Marko 5: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018