Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Marko 4

4
Mufananidzo womukushi.
(Mat 13:1–23; Ruka 8:4–15)
1Ɀino wakataŋga ɀe kudzidzisa paguŋgwa; ʋanhu ʋazhinji‐zhinji ʋakaʋuŋganira kwaari, nokuɗaro wakapinda mugwa, akagara’mo muguŋgwa; ʋazhinji ʋose ʋakaŋga ʋari pedyo neguŋgwa pamhenderekedzo. 2Akaʋadzidzisa ɀizhinji nemifananidzo, akati kwaʋari pakudzidzisa kwake: 3Tererai: Mukushi wakaɓuɗa kundokusha. 4Wakati acikusha, dzimŋe mbeu dzakawira panzira; shiri dzikaʋuya dzikadzidya. 5Dzimŋe dzakawira parukaŋgarabge, padzakaŋga dzisinevu zhinji; dzikamera pakarepo, nokuti dzakaŋga dzisinevu rakadzika; 6asi zuʋa rakati raɓuɗa, dzikapiswa; dzikawoma, nokuti dzakaŋga dzisinomudzi. 7Dzimŋe dzakawira muminzwa; minzwa ikamera, ikadzivuŋga, dzikasaɓereka ɀiɓereko. 8Dzimŋe dzakawira muvu rakanaka, dzikaɓereka ɀiɓereko, nokuti dzakakura, dzikawanza; dzikaɓereka makumi matatu, namakumi matanhatu, nezana. 9Akati: Unenzeʋe dzokunzwa, ŋgaanzwe.
10Wakati ari oga, ʋakaŋga ʋanaye naʋanegumi naʋaʋiri ʋakamubvunza ɀemifananidzo. 11Akati kwaʋari: Imi makapiwa ɀakaʋanzika ɀoʋushe bgaMŋari, asi kunaaʋa, ʋari kunze, ɀose ɀinoitwa nemifananidzo. 12Kuti kuʋona ʋaʋone, asi ʋarege kuʋonesesa, nokunzwa ʋanzwe, asi ʋarege kunzwisisa, kuti ɀimŋe ʋarege kutendeʋuka, ʋakaŋganwirwe. 13Ɀino akati kwaʋari: Hamuziʋi here mufananidzo uyu? Mucaziʋa seiko mifananidzo yose? 14Mukushi unokusha shoko. 15Ʋari munzira panokushwa shoko ndiʋo ʋanoti kana ʋanzwa, pakarepo Satani unoʋuya, ndokubvisa shoko rakakushwa mukati maʋo. 16Naʋakakushwa parukaŋgarabge ʋakaita saiɀoɀo, ndiʋo ʋanoti kana ʋanzwa shoko rakakushwa, ʋanorigamucira pakarepo nomufaro, 17asi haʋanomudzi maʋari, asi ndiʋo ʋeciŋguʋa ciɗuku; pashure kana kutambudzika nokuʋeŋgwa ɀiciʋuya nokuɗa kweshoko, pakarepo ʋanogumburwa. 18Ʋamŋe ʋanokushwa muminzwa, ndiʋo ʋanonzwa shoko, 19asi kufuŋganya kwenyika, nokunyeŋgera kwefuma, nokuciʋa ɀimŋe, ɀinopinda, ɀicivuŋga shoko, rikashaiwa ɀiɓereko. 20Ʋakakushwa muvu rakanaka, ndiʋo ʋanonzwa shoko, ʋakarigamucira, ʋakaɓereka, mumŋe makumi matatu, mumŋe makumi matanhatu, mumŋe zana.
Mufananidzo womŋenje.
(Mat 5:15, 16; Ruka 8:16–18; 11:33–36)
21Ɀino wakati kwaʋari: Mŋenje uri’po kuti uiswe pasi peɗeŋgu, kana pasi pomubeda here? Hauzi’po kuti uiswe pacigadziko here? 22Nokuti hapanecinhu cakaʋanzika cisiŋgazoʋoneswi, hapana‐cakaʋigwa cisiŋgazoɓuɗi pacena. 23Kana munhu anenzeʋe dzokunzwa, ŋgaanzwe. 24Ɀino akati kwaʋari: Cenjerai ɀamunonzwa. Ciyero camunoyera naco, nemi mucayerwa naco; mukawedzerwa. 25Nokuti unaco ucapiwa, asi usina, ucatorerwa necaanaco.
Kukura kwoʋushe bgokuɗeŋga.
26Ɀino akati: Ʋushe bgaMŋari bgakafanana nomunhu unodɀara mbeu muvu, 27akaʋata, akamuka, ʋusiku namasikati; mbeu inomera, icikura, iye asiŋgaziʋi kuti ɀinoitika sei; 28ivu rinoŋgoɓereka haro, pakutaŋga cipande, pashure hura, pashure ɀiyo ɀakakora pahura. 29Kana ɀiɓereko ɀaibva, pakarepo unoceka neɓaŋga, nokuti kuceka kwaȿika.
Mufananidzo wembeu yemastarda.
(Mat 13:31, 32; Ruka 13:18, 19)
30Ɀino akati: Ʋushe bgaMŋari ticabgufananidza neiko? Ticabguenzanisira nomufananidzo upiko? 31Bgakafanana netsaŋga yemastarda, iyo kana icidɀarwa muvu iɗuku kumbeu dzose dzapanyika; 32asi kana yadɀarwa, inomera, iciʋa huru kumiriʋo yose iciita mataʋi makuru, akaɗaro kuti shiri dzokuɗeŋga dzinogara pamumvuri wayo.
33Akasireʋa shoko kwaʋari nemifananidzo mizhinji yakaɗaro, paʋaigona kunzwa napo. 34Haana‐kutaura naʋo kunze kwemifananidzo, asi waiɗudzira ʋadzidzi ʋake ɀose ʋari ʋoga.
Jesu unonyaradza ɗutu remhepo.
(Mat 8:23–27; Ruka 8:22–25)
35Ɀino nezuʋa iro, aʋa maɗekwana, wakati kwaʋari: Ŋgatiyambukire mhiri. 36Ʋakasiya ʋanhu ʋazhinji, ʋakaenda naye mugwa akaŋgoɗaro; mamŋe magwa akaŋga aiʋa naye. 37Ɀino ɗutu guru remhepo rakamuka, mafuŋgu emvura akaroʋa mugwa, rikaŋga roɗo‐kuzara. 38Asi iye wakaŋga ari mushure megwa aʋete pamutsago; ʋakamumutsa, ʋakati kwaari: Mudzidzisi, hamunehanya kunyaŋge tofa here? 39Akamuka, akaraira mhepo, akati kuguŋgwa: Nyarara, ugadzikane! Mhepo ikanyarara, kudzikama kukuru kukaʋa’po. 40Ɀino akati kwaʋari: Munotyireiko kuɗaro? Hamunokutenda here? 41Ʋakatya nokutya kukuru, ʋakataurirana ʋaciti: Ndianiko uyu, nokuti mhepo kunyaŋge neguŋgwa ɀinomuterera?

Zvasarudzwa nguva ino

Marko 4: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda