Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Nahumi 2

2
Nineve ricaparadzwa naJehova.
1Muputsanyi waʋuya kuzorwa nemi; rindirai nhare, tarirai nzira, simbisai ɀiʋuno ɀenyu, itai nesimba renyu kwaɀo. 2Nokuti Jehova unodzosa kurumbidzwa kukuru kwaJakobo sokurumbidzwa kukuru kwaIsraeri; nokuti ʋaɗururi ʋakaʋaɗurura, ʋakaparadza mataʋi emizambiriŋga yaʋo. 3Nhoʋo dzemhare dzake dzakatȿukiswa, ʋarume ʋakatsuŋga ʋakapfeka ŋguʋo tȿuku; matare eŋgoro anopenya nezuʋa rokuɀigadzira kwake, mapfumo ake emisipresi anosimudzwa. 4Ŋgoro dzinoʋirima munzira dzomumusha, dzinoɓonderana pamapani, dzakafanana namazhenje, dzinomhanya semheni. 5Unoraŋgarira ʋakuru ʋake, ʋanogumburwa pakufamba kwaʋo, ʋanomhanyira kuruȿiŋgo rwaro pakagadzirwa citaʋiridzo. 6Masuʋo enzizi akazarurwa, imba yamambo yakanyauka. 7Shoko ratemŋa, rokuti, rakafukurwa, rakatapxa, ʋashandiri ʋaro ʋanocema namanzwi akaita seenjiʋa, ʋaciɀiroʋa ɀifuʋa ɀaʋo. 8Asi kubva kare Nineve rakaŋga rakaita sedziʋa remvura; kunyaŋge ɀakaɗaro ʋanotiza. Ʋanoɗana ʋaciti: Mirai, mirai! asi hakunaunoceuka. 9Pambai sirveri, pambai ndarama; nokuti kuwanda kwaɀo hakuperi, iyo fuma yenhumbi dzakaiȿo‐naka. 10Harinecinhu, rinoshaiwa ɀose, raʋa ɗoŋgo; mŋoyo unonyauka, mabvi anoɓonderana, kurwadziwa kuri’po paɀiʋuno ɀose, ɀiso ɀaʋose ɀaceneruka. 11Nɀimba yeshumba iripi? Panodyira shumba ɗuku ndapapi? Ndapapi panofamba shumba nehadzi yayo nomŋana weshumba, kusina‐unodzikarudza? 12Shumba yaibvamburanya ɀakariŋgana ʋana ʋayo, yaidzipira hadzi dzayo, yaizadza mapako ayo neɀayairuma, nenɀimba dzayo neɀayaiɓata. 13Tarirai, ndinemhaka nemi — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo — ndicapisa ŋgoro dzaro dziite ʋutsi, munondo ucapedza shumba dzenyu ɗuku; ndicabvisa ɀawakapamba panyika, inzwi renhume dzako hariŋgatoŋgonzwiki ɀe.

Zvasarudzwa nguva ino

Nahumi 2: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda