Nehemia 11
11
Ʋanhu ʋanoratidzwa paʋaŋgagara.
1Ɀino macinda aʋanhu akagara Jerusarema; ʋamŋe ʋanhu ʋakakanda mijenya ʋo kuti mumŋe pagumi rimŋe nerimŋe agare Jerusarema, iro guta dɀene, asi ʋamŋe ʋapfumbamŋe panamamŋe maguta. 2Ʋanhu ʋakarumbidza ʋarume ʋose ʋakatenda nomŋoyo waʋo kugara Jerusarema. 3Ɀino ndiʋo ʋakuru ʋorutiʋi rwenyika ʋakaŋga ʋagere Jerusarema; asi pamaguta aJuda mumŋe nomumŋe wakagara panɀimbo yake pamaguta aʋo, iʋo ʋaIsraeri, naʋaprista, naʋaRevi, naʋaNetinimi, naʋana ʋaʋaranda ʋaSoromoni. 4PaJerusarema ndipo pakagara ʋamŋe ʋaʋana ʋaJuda, naʋaʋana ʋaBenjamini. Ʋana ʋaJuda aʋa: Ataya mŋanakomana waUzia, mŋanakomana waZekariya, mŋanakomana waAmaria, mŋanakomana waShefatia, mŋanakomana waMaharareri waʋana ʋaPerezi; 5naMaaseya mŋanakomana waBaruki, mŋanakomana waKori‐hoze, mŋanakomana waHazaya, mŋanakomana waAdaya, mŋanakomana waJoyaribi, mŋanakomana waZekaria, mŋanakomana womuShironi. 6Ʋanakomana ʋose ʋaPerezi ʋakaŋga ʋagere Jerusarema ʋakaȿika mazana manna namakumi matanhatu naʋasere, ʋarume ʋoʋumhare. 7Aʋa ndiʋo ʋanakomana ʋaBenjamini: Saru mŋanakomana waMeshurami, mŋanakomana waJoedi, mŋanakomana waPedaya, mŋanakomana waKoraya, mŋanakomana waMaaseya, mŋanakomana waItieri, mŋanakomana waJeshaya. 8Teʋere Gabai, naSarai, mazana mapfumbamŋe namakumi maʋiri naʋasere; 9naJoeri mŋanakomana waZikri wakaŋga ari mutariri waʋo, naJuda mŋanakomana waHasenua, mutariri wecipiri paguta. 10Ʋaʋaprista: Jedaya mŋanakomana waJoyaribi, naJakini, 11Seraya mŋanakomana waHirkia, mŋanakomana waMeshurami, mŋanakomana waZadoki, mŋanakomana waMerayoti, mŋanakomana waAhitubi, muɓati weimba yaMŋari, 12nehama dzaʋo dzaiɓata maɓasa paimba iyo, ʋakaȿika mazana masere namakumi maʋiri naʋaʋiri; naAdaya mŋanakomana waJerohami, mŋanakomana waPeraria, mŋanakomana waAmzi, mŋanakomana waZekaria, mŋanakomana waPashuri, mŋanakomana waMarkija, 13nehama dzake, ʋakuru ʋedzimba dzamadziɓaɓa, mazana maʋiri namakumi manna naʋaʋiri; naAmashai mŋanakomana waAzareri, mŋanakomana waAzai, mŋanakomana waMeshiremoti, mŋanakomana waImeri, 14nehama dzaʋo, ʋarume ʋanesimba noʋumhare, zana namakumi maʋiri naʋasere; mutariri waʋo wakaŋga ari Zabdieri mŋanakomana waHagedorimi. 15Ʋuye ʋaRevi: Shemaya mŋanakomana waHashubi, mŋanakomana waAzrikami, mŋanakomana waHashabia, mŋanakomana waBuni; 16naShabetai naJozabadi, ʋaʋakuru ʋaʋaRevi, ʋaitarira maɓasa okunze eimba yaMŋari; 17naMatania mŋanakomana waMika, mŋanakomana waZabdi, mŋanakomana waAsafi, iye mukuru wakataŋga kuʋoŋga pakunyeŋgetera, naBakbukia mukuru wecipiri pakati pehama dzake; naAbda mŋanakomana waShamua, mŋanakomana waGarari, mŋanakomana waJedutuni. 18ƲaRevi ʋose paguta dɀene ʋakaŋga ʋanamazana maʋiri namakumi masere naʋanna. 19Ʋuye ʋarindi ʋemikoʋa, Akubi, naTarmoni, nehama dzaʋo, ʋairinda pamikoʋa, ʋakaŋga ʋanezana rimŋe namakumi manomŋe naʋaʋiri. 20Ʋamŋe ʋakasara ʋaʋaIsraeri, ʋaʋaprista naʋaRevi ʋakagara pamaguta ose aJuda; mumŋe nomumŋe panhaka yake. 21Asi ʋaNetinimi ʋakagara paOferi; Ziha naGishpa ʋakaŋga ʋari ʋatariri ʋaʋaNetinimi. 22Mutariri ʋo waʋaRevi paJerusarema wakaŋga ari Uzi mŋanakomana waBani, mŋanakomana waHashabia, mŋanakomana waMatania, mŋanakomana waMika, ʋaʋanakomana ʋaAsafi, iʋo ʋaimbi ʋaitarira ɓasa reimba yaMŋari. 23Nokuti mambo wakaŋga araira pamsoro paʋo, naʋaimbi ʋaipiwa muɓairo wakatarwa zuʋa rimŋe nerimŋe. 24Petahia mŋanakomana waMeshezaberi, waʋana ʋaZera mŋanakomana waJuda, ndiye wakaŋga ari paruʋoko rwamambo pamashoko ose aʋanhu. 25Kana iri misha nokuruwa rwayo, ʋamŋe ʋaʋana ʋaJuda ʋakagara paKiriati‐araba nemisha yaro, napaDiboni nemisha yaro, napaJekabzeeri nemisha yaro; 26napaJeshua, napaMorada, napaBeti‐pereti; 27napaHazari‐shuari, napaBeeri‐sheba nemisha yawo; 28napaZikragi, napaMekona nemisha yawo; 29napaEni‐rimoni, napaZora, napaJarmuti; 30neZanoa, neAdurami, nemisha yawo, neRakishi noruwa rwaro, neAzeka nemisha yaro. Naiɀoɀo ʋakaʋaka misasa yaʋo kubva paBeeri‐sheba kuȿikira pamupata weHinomi. 31Ʋana ʋaBenjamini ʋakagara kubva paGeba, paMikmashi, neAya, napaBeti‐eri nemisha yawo; 32neAnatoti, neNobi, neAnania; 33neHazori, neRama, neGitaimi; 34neHadidi, neZeboimi, neNebarati; 35neRodi, neOno, neGehaharashimi. 36Ʋamŋe ʋaRevi ʋamapoka aJuda ʋakagara pakati paʋaBenjamini.
Zvasarudzwa nguva ino
Nehemia 11: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018