Nehemia 10
10
Ʋanhu ʋanoita suŋgano naMŋari.
1Ɀino ʋakasimbisa suŋgano ndiʋaʋa: Nehemia, muɓati, mŋanakomana waHakaria, naZedekia; 2neSeraya, naAzaria, naJeremia; 3naPashuri, naAmaria, naMarkija; 4naHatushi, naShebania, naMaruki; 5naHarimi, naMeremoti, naObadia; 6naDanieri, naGinetoni, naBaruki; 7naMeshurami, naAbija, naMijamini; 8naMaazia, naBirgai, naShemaya; ndiʋo ʋaiʋa ʋaprista. 9Ʋuye ʋaRevi aʋa: Jeshua, mŋanakomana waAzania, naBinui waʋanakomana ʋaHenadadi, naKadmieri; 10nehama dzaʋo: Shebania, naHodia, naKerita, naPeraya, naHanani; 11naMika, naRehobi, naHashabia; 12naZakuri, naSherebia, naShebania; 13naHodia, naBani, naBeninu; 14ʋuye ʋakuru ʋaʋanhu aʋa: Paroshi, naPahati‐moabi, naErami, naZatu, naBani; 15naBuni, naAzgadi, naBebai; 16naAdonija, naBigvai, naAdini; 17naAteri, naHezekia, naAzuri; 18naHodia, naHashumi, naBezai; 19naHarifi, naAnatoti, naNobai; 20naMagpiashi, naMeshurami, naHezeri; 21naMeshezaberi, naZadoki, naJadua; 22naPeratia, naHanani, naAnaya; 23naHoshea, naHanania, naHashubi; 24naHaroheshi, naPirha, naShobeki; 25naRehumi, naHashabna, naMaaseya; 26naAhiya, naHanani, naAnani; 27naMaruki, naHarimi, naBaana. 28Asi ʋamŋe ʋanhu, iʋo ʋaprista, naʋaRevi, naʋarindi ʋemikoʋa, naʋaimbi, naʋaNetinimi, naʋose ʋakaŋga ʋaɀiraʋura paʋanhu ʋenyika iyo kuceŋgeta murau waMŋari, naʋakadzi ʋaʋo, naʋanakomana ʋaʋo, naʋakunda ʋaʋo, mumŋe nomumŋe wakaŋga aciziʋa nokunzwisisa, 29ʋakanamatira hama dzaʋo, iʋo ʋakuru, ʋakaɀisuŋga nokutukwa nokupika kuti ʋacafamba nomurau waMŋari, waʋakapiwa naMosesi muranda waMŋari, nokuraŋgarira nokuita mirairo yose yaJehova Ishe weɗu, neɀaakatoŋga neɀaakatema; 30ʋuye kuti hatiŋgapi ʋanhu ʋenyika ʋakunda ʋeɗu, kana kutorera ʋanakomana ʋeɗu ʋakunda ʋaʋo; 31ʋuye kuti kana ʋanhu ʋenyika ʋakaʋuya neɀinhu ɀaʋo, kana ɀokudya ɀipi neɀipi, kuzoteŋgesa nezuʋa resaɓata, isu hatiŋgaʋateŋgeri nesaɓata, kana panerimŋe zuʋa dɀene; ʋuye kuti ticaregera nyika pagore recinomŋe nokusareʋa ɀikwerete ɀose. 32Takaɀiitira ʋo mutemo kuti ticaripira ɓasa reimba yaMŋari weɗu cetatu ceshekeri#10:32 Mari ineŋge shereni rimŋe. pagore rimŋe nerimŋe; 33ɓasa reɀiŋgwa ɀokuratidza, necipiriso coʋupfu ceŋguʋa dzose, necipiriso cinopiswa ŋguʋa dzose, rapamasaɓata, napakugara kwemŋedzi, napanemimŋe mitambo yakatarwa, nereɀimŋe ɀinhu ɀitȿene, nereɀipiriso ɀeɀiʋi ɀokuyananisira ʋaIsraeri naɀo, neramaɓasa ose muimba yaMŋari weɗu. 34Tikakanda mijenya, isu ʋaprista naʋaRevi naʋanhu, pamsoro peɀipo ɀehuni, kuti tiʋuye nadzo mumba maMŋari weɗu, namadzoro edzimba dzamadziɓaɓa eɗu, paŋguʋa dzakatarwa gore rimŋe nerimŋe, kuti dziʋeserwe paartari yaJehova Mŋari weɗu, seɀakanyorwa pamurairo; 35tikaɀisuŋga kuti ticaʋuya neɀitȿa ɀeminda yeɗu, neɀitȿa ɀeɀiɓereko ɀose ɀemiti yamarudzi ose, gore rimŋe nerimŋe kumba kwaJehova; 36namataŋgwe aʋanakomana ʋeɗu naʋana ʋemhoŋgora dzeɀipfuwo ɀeɗu, seɀakanyorwa pamurau, naʋana ʋemhoŋgora dzeŋombe dzeɗu namakwai eɗu, kuti tiʋuye naɀo kumba kwaMŋari weɗu, nokuʋaprista ʋanoɓata mumba maMŋari weɗu; 37ʋuye kuti ticaʋuya neɀitȿa ɀoʋupfu, neɀeɀipiriso ɀinotsaurwa, neɀiɓereko ɀemiti yamarudzi ose, ɀewaini neɀamafuta, kuʋaprista, kumakamuri eimba yaMŋari weɗu, neɀegumi ɀeminda yeɗu kuʋaRevi, nokuti ʋaRevi ndiʋo ʋanopiwa ɀegumi ɀeɀinorimŋa nesu pamaguta ose. 38Muprista mŋanakomana waAroni unofanira kuʋa naʋaRevi kana ʋaRevi ʋacitora ɀegumi; ɀino ʋaRevi ʋanofanira kuʋuya necegumi ceɀegumi kuimba yaMŋari weɗu kumakamuri eimba yefuma. 39Nokuti ʋana ʋaIsraeri naʋana ʋaRevi ʋanofanira kuʋuya necipiriso cinotsaurwa ceɀiyo, newaini, namafuta, kumakamuri munemidziyo yeimba tȿene nokuʋaprista ʋanoɓata’mo, naʋarindi ʋemikoʋa, naʋaimbi; hatiŋgarashi imba yaMŋari weɗu.
Zvasarudzwa nguva ino
Nehemia 10: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018