Obadia 1
1
Edomi ʋacarobga, asi Israeri ʋacaponeswa.
1Ɀakaʋonekwa naObadia.
Ɀanzi naShe Jehova pamsoro paEdomi: Takanzwa mashoko akabva kunaJehova, nhume yatumŋa pakati pamarudzi, iciti: Simukai, ŋgatiʋamukire kuzorwa naʋo. 2Tarirai, ndakakuitai ʋaɗuku pakati pamarudzi, makaɀidzwa kwaɀo. 3Kuɀikudza kwemŋoyo yenyu kwakakunyeŋgerai, iyemi, mugere mumikaha yamatombo, munoʋugaro bgakakwirira, ʋanoti mumŋoyo yaʋo: Ndianiko uŋgatiwisira pasi? 4Kunyaŋge mukabururukira kumsoro segondo, ʋuye kunyaŋge ɗendere renyu rakaiswa pakati penyeredzi, ndicakuwisirai’po pasi — ndiɀo ɀinotaura Jehova. 5Ƌai mbava dzaiȿika kwamuri, kana makororo ʋusiku (haiwa, makaparadzwa sei!) haʋazaiɓa kuȿikira ʋariŋganiswa here? Ƌai ʋatanhi ʋamazambiriŋga ʋaiȿika kwamuri, haʋazaisiya mamŋe mazambiriŋga ari’po here? 6Ɀinhu ɀaEsau ɀakanɀerwa sei! Fuma yaʋo, yakaʋanzwa, yakafukunurwa sei! 7Ʋanhu ʋose ʋaiʋa nesuŋgano nemi, ʋakakuperekedzai kuȿikira kumuganho; ʋanhu, ʋaigara norugare nemi, ʋakakunyeŋgerai, ʋakakukundai; ʋanodya ɀokudya ɀenyu, ʋanokuteyerai musuŋgo pasi penyu, haʋanenjere mukati maʋo. 8Ko handiŋgaparadzi nezuʋa iro ʋacenjeri pakati paEdomi, nenjere pagomo raEsau here? — ndiɀo ɀinotaura Jehova. 9Mhare dzako, iwe Temani, dzicavunduka, kuti ʋose ʋapere nokuʋurawa pagomo raEsau. 10Ucafukidzwa nokunyara nemhaka yokuti wakamukira munuŋuna wako simba, ucaparadzwa nokusiŋgaperi. 11Nezuʋa ramakaŋga mumire’po makatarisana naʋo, nezuʋa raʋakatorerwa fuma yaʋo naʋatorwa, ʋasi ʋenyika iyo ʋacipinda masuʋo aʋo, ʋacikanda mijenya pamsoro peJerusarema, nemi ʋo makaŋga makaita somumŋe waʋo. 12Asi regai kutarira zuʋa romunuŋuna wenyu, mucifarira zuʋa renjodzi yaʋo, murege kufara pamsoro paʋana ʋaJuda nezuʋa rokuparadzwa kwaʋo; ʋuye regai kutaura muciɀikudza nezuʋa rokumanikidzwa kwaʋo. 13Regai kupinda pasuʋo raʋanhu ʋaŋgu nezuʋa renhamo yaʋo; regai kutarira njodzi yaʋo nezuʋa renhamo yaʋo, regai kuʋatorera fuma yaʋo nezuʋa renhamo yaʋo. 14Regai kumira pamharadzano, kuti muparadze ʋanhu ʋaʋo ʋanopukunyuka; regai kuisa kuʋaʋeŋgi ʋaʋo ʋanhu ʋaʋo ʋakasara nezuʋa rokumanikidzwa kwaʋo. 15Nokuti zuʋa raJehova rasweɗera kumarudzi ose; seɀamakaitira ʋamŋe, mucaitirwa ʋo saiɀoɀo; ɀamakaita ɀicadzokera pamisoro yenyu. 16Nokuti seɀamakanwa pagomo raŋgu dɀene, saiɀoɀo marudzi ose acaramba acinwa; ɀirokwaɀo, ʋacanwa, nokumedza, ʋacaita saʋasina‐kumboʋa’po. 17Asi pagomo reZioni ndi’po pacaʋa naʋakapukunyuka, ricaʋa gomo dɀene; imba yaJakobo icadzoserwa nhaka yayo. 18Imba yaJakobo icaʋa mŋoto, imba yaJosefa muraɀo womŋoto, ʋuye imba yaEsau mashaŋga; ʋacapisa ʋamŋe pakati paʋo, nokuʋapedza; hakucinaʋacasarira imba yaEsau, nokuti Jehova wakataura iɀoɀo. 19Ʋokurutiʋi rwezasi ʋacatora gomo raEsau, ʋokumapani ʋacatora nyika yaʋaFiristia; ʋacatora nyika yaEfraimi nenyika yeSamaria; Benjamini ʋacatora nyika yeGireadi. 20Ʋatapxa ʋehondo iyi yaʋana ʋaIsraeri, ʋagere pakati paʋaKanani, ʋacatora nyika kuȿikira Zarefati; ʋatapxa ʋeJerusarema, ʋari Sefaradi, ʋacatora maguta okurutiʋi rwezasi. 21Ʋaponesi ʋacakwira pagomo reZioni kuzotoŋga gomo raEsau; ʋushe ʋucaʋa bgaJehova.
Zvasarudzwa nguva ino
Obadia 1: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018