Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jona 1

1
Jona unotumŋa Nineve naJehova, asi unotiza.
1Ɀino shoko raJehova rakaȿika kunaJona mŋanakomana waAmitai, riciti: 2Simuka, uende Nineve, riya guta guru, undoriparidzira, nokuti kuipa kwaʋo kwakwira pamberi paŋgu. 3Asi Jona wakasimuka aciɗa kutizira Tarshishi abve pamberi paJehova; akaɓurukira Jopa, akawana cikepe cakaŋga coenda Tarshishi, akaɓuɗisa mari yaco yokufamba, ndokupinda mukati maco, kuti aende naʋo Tarshishi abve pamberi paJehova. 4Asi Jehova wakatuma mhepo inopeŋga paguŋgwa, ɗutu guru rikamuka paguŋgwa, cikepe cikashumba kuputsika. 5Ipapo ʋafambisi ʋecikepe ʋakatya, mumŋe nomumŋe akaɗana kunamŋari wake, ʋakarashira muguŋgwa nhumbi dzakaŋga dziri mucikepe, kuti ʋacireruse. Asi Jona wakaŋga aɓurukira mukati‐kati mecikepe, akaʋata pasi, ndokuɓatwa nehope caidzo. 6Ipapo mŋene wecikepe wakaʋuya kwaari, akati kwaari: Nhai, iwe muʋati, wakaita seiko? Simuka, ɗana kunaMŋari wako, ɀimŋe Mŋari uŋgatiraŋgarira, tikasaparara. 7Ɀino mumŋe nomumŋe wakati kushamŋari yake: Ʋuyai tikande mijenya, tiziʋe kuti njodzi iyi yatiwira nokuɗa kwaani. Ipapo ʋakakanda mijenya, mujenya ukaɓata Jona. 8Ɀino ʋakati kwaari: Citiʋudza hako, kuti njodzi iyi yatiwira nokuɗa kwaani; ɓasa rako ndereiko? wabvepiko? nyika yako ndeipi? uri worudzi rupi? 9Iye akati kwaʋari: Ndiri muHeberu, ndinotya Mŋari wokuɗeŋga, wakaita guŋgwa nenyika yakawoma. 10Ipapo ʋarume ʋakatya kwaɀo‐kwaɀo, ʋakati kwaari: Cinyiko ici cawaita? Nokuti ʋarume ʋakaŋga ʋaciziʋa kuti unotiza pamberi paJehova, nokuti wakaʋaʋudza. 11Ɀino ʋakati kwaari: Ticakuiteiko, kuti guŋgwa ritinyararire? Nokuti guŋgwa rakaramba ricinyanya kupeŋga. 12Iye akati kwaʋari: Ndisimudzei, mundikandire muguŋgwa, ipapo guŋgwa ricakunyararirai; nokuti ndinoziʋa kuti ɗutu iri guru rakakuwirai nokuɗa kwaŋgu. 13Kunyaŋge ɀakaɗaro ʋarume ʋakakwaȿa nesimba ʋaciidza kudzokera kunyika; asi ʋakakoniwa, nokuti guŋgwa rakaramba ricinyanya kuʋapeŋgera. 14Naiɀoɀo ʋakaɗana kunaJehova, ʋakati: Tinokunyeŋgeterai, imi Jehova, tinokunyeŋgeterai, kuti tirege kuparara nokuɗa kwoʋupenyu bgomunhu uyu, murege kutisundira mhoȿa yeropa risinemhaka; nokuti imi Jehova makaita seɀamakaɗa henyu. 15Ipapo ʋakasimudza Jona, ʋakamukandira muguŋgwa, guŋgwa rikanyarara pakupeŋga kwaro. 16Ipapo ʋarume ʋakatya Jehova kwaɀo‐kwaɀo, ʋakaɓayira Jehova ciɓayiro, nokumupikira mhiko. 17Jehova akatuma hoʋe huru kundomedza Jona, Jona akaʋa muɗumbu rehoʋe mazuʋa matatu noʋusiku ʋutatu.

Zvasarudzwa nguva ino

Jona 1: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda