Ɀireʋo 15
15
1Mhinduro nyoro inodzora kutsamŋa;
Asi shoko rinorwadza mŋoyo rinomutsa hasha.
2Rurimi rwowakacenjera runoɓuɗisa ziʋo kwadzo;
Asi muromo wamapenzi unoɗurura ʋupenzi.
3Meso aJehova ari pose‐pose;
Acicerekedza ʋakaipa naʋakanaka.
4Rurimi runyoro muti woʋupenyu;
Asi runenhema runoputsa mŋeya.
5Ƃenzi rinoramba kurairira kwaɓaɓa ʋaro;
Asi unehanya nokurairwa, ndiye unenjere.
6Mumba mowakarurama munefuma zhinji;
Asi kutambudzika kuri muneɀinowanikwa nowakaipa.
7Miromo yaʋakacenjera inokusha ziʋo;
Asi mŋoyo wamapenzi hauɗaro.
8Ciɓayiro caʋakaipa cinonyaŋgadza Jehova;
Asi munyeŋgetero wowakarurama unomufadza.
9Nzira yowakaipa inonyaŋgadza Jehova;
Asi unoɗa munhu unoteʋera kururama.
10Kuraŋgwa kwakaipa kunoʋiŋga munhu unosiya nzira;
Unoʋeŋga kurairwa ucafa.
11Sheori noKuparadza ɀiri pamberi paJehova;
Ndoɗa mŋoyo yaʋana ʋaʋanhu.
12Muɗaɗi haaɗi kurairwa;
Unoramba kuenda kunowakacenjera.
13Mŋoyo, wakafara, unofadza ciso;
Asi mŋeya unoputswa nomŋoyo uneshuŋgu.
14Mŋoyo wounenjere unotȿaka ziʋo;
Asi muromo wamapenzi unogutiswa noʋupenzi.
15Mazuʋa ose omunhu, uri pakutambudzika, akaipa;
Asi unomŋoyo wakafara unomutambo ŋguʋa dzose.
16Ɀirinani kuti munhu aʋe neɀishoma, acitya Jehova,
Pakuti aʋe nefuma yakawanda, acinyunyuta.
17Ɀirinani kuti munhu aʋe neɀokudya ɀemiriʋo, ruɗo ruri’po,
Pakuti aʋe nenzombe yakakodzwa, panembeŋgo.
18Munhu, unehasha, unomutsa kukakaʋara;
Asi unomŋoyo murefu unonyaradza gakaʋa.
19Nzira yesimbe yakaita soruzhowa rweminzwa;
Asi nzira yaʋakarurama yakagadzirwa.
20Mŋanakomana wakacenjera unofadza ɓaɓa;
Asi ɓenzi rinoshoʋora mai ʋaro.
21Ʋupenzi ʋunofadza munhu unoshaiwa ʋucenjeri;
Asi munhu wenjere unofamba acirurama.
22Pasiŋgaraŋganwi mano anokona;
Asi kunaʋarairi ʋazhinji ndokwaanosimbiswa.
23Munhu unofadzwa nemhinduro yakarurama yomuromo wake;
Ʋuye shoko, rinotaurwa neŋguʋa yakafanira, rakanaka sei!
24Nzira yoʋupenyu yowakarurama inokwira kumsoro;
Kuti apukunyuke paSheori pasi.
25Jehova ucaparadza imba yaʋanoɀikudza;
26Asi muganho wecirikadzi unousimbisa.
Mano akashata anonyaŋgadza Jehova;
Asi mashoko anofadza akacena.
27Unokarira fuma, unotambudza imba yake;
Asi unoʋeŋga ɀipo, ucararama.
28Mŋoyo wowakarurama unombofuŋga caaŋgapindura;
Asi muromo wowakaipa unoɗurura ɀakaipa.
29Jehova uri kure naʋakaipa;
Asi unonzwa munyeŋgetero waʋakarurama.
30Meso anobginya anofadza mŋoyo;
Mashoko akanaka, anobva kumŋe, anokodza mafupa.
31Nzeʋe, inoterera kuraira, kunoisa kuʋupenyu,
Icagara pakati paʋakacenjera.
32Unoramba kurairirwa, unoshoʋora mŋeya wake;
Asi unoterera kurairwa, unowana njere.
33Kutya Jehova kunodzidzisa ʋucenjeri;
Ʋuye kuɀininipisa kunotaŋgira kukudzwa.
Zvasarudzwa nguva ino
Ɀireʋo 15: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

:
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018