Ɀireʋo 19
19
1Murombo, unofamba muɀokwaɗi yake,
Unopfuʋura unemiromo isakarurama, riri ɓenzi.
2Ʋuye, kushiŋgaira kusineziʋo hakuna‐kunaka;
Unokurumidza namakumbo ake unorasha nzira.
3Ʋupenzi bgomunhu ʋunokaŋganisa nzira yake;
Mŋoyo wake unotsamŋira Jehova.
4Fuma inoʋuyisa shamŋari zhinji;
Asi murombo unosiyiwa neshamŋari yake.
5Capupu cenhema haciŋgakoni kurobga;
Unoreʋa nhema haaŋgapukunyuki.
6Ʋazhinji ʋacatȿaka nyasha yomunhu unopavurira;
Munhu mumŋe nomumŋe ishamŋari younopa ɀipo.
7Hama dzose dzomurombo dzinomuʋeŋga;
Ɀikuru shamŋari dzake dzinoparadzana naye!
Unoʋateʋerera namashoko, asi ʋaenda!
8Unowana ʋucenjeri, unoɗa ʋupenyu bgake;
Unoceŋgeta njere, ucawana ɀakanaka.
9Capupu cenhema haciŋgakoni kurobga;
Unoreʋa nhema ucaparadzwa.
10Kugara pakati peɀakanaka haɀifaniri ɓenzi;
Ndoɗa sei kuti muranda aʋe ishe wamacinda.
11Kuŋgwara kwomunhu kunodzora kutsamŋa kwake;
Kukudzwa kwake ndiko kukaŋganwira kuɗarika kwomumŋe.
12Kutsamŋa kwamambo kwakafanana nokuʋomba kweshumba;
Asi nyasha dzake dzakaita seɗoʋa riri paʋuswa.
13Mŋanakomana ɓenzi inhamo yaɓaɓa ʋake;
Ʋuye kukakaʋara kwomukadzi kuɗonha kusiŋgaperi kwemvura.
14Dzimba nefuma inhaka inobva kunamadziɓaɓa;
Asi mukadzi wakaŋgwara unobva kunaJehova.
15Ʋusimbe ʋunowisira munhu pahope huru;
Munhu usiŋgaɓati ucafa nenzara.
16Unoceŋgeta murairo, unoceŋgeta ʋupenyu bgake;
Asi usinehanya nenzira dzake ucafa.
17Unonzwira ʋarombo tsitsi, unoposana naJehova;
Ucamuripira ɓasa rake rakanaka.
18Raŋga mŋanakomana wako, nokuti tariro ici’po;
Usatȿaka kumuʋuraya.
19Munhu unehasha ɀikuru ucarobga;
Nokuti kana ucimurwira, unoŋgoɀinyanyisa.
20Terera kana ucirairirwa, unzwe kana ucidzidziswa,
Kuti pashure ugoʋa wakacenjera.
21Mumŋoyo womunhu munendaŋgariro zhinji;
Asi kurairira kwaJehova ndiko kucamira.
22Munhu unoɗikanwa nokuɗa kwoʋunyoro bgake;
Murombo kurinani pamureʋi wenhema.
23Kutya Jehova kunoisa kuʋupenyu;
Unako, ucaʋata ɀakanaka,
Haaŋgaʋiŋgiwi neɀakaipa.
24Simbe inopinza ruʋoko rwayo mundiro,
Isiŋgaɗi kutoŋgorudzosera kumuromo wayo ɀe.
25Roʋa muɗaɗi, ipapo usinamano ucaɀiŋgwarira;
Raira unenjere, ipapo ucanzwisisa ziʋo.
26Unoitira ɓaɓa ʋake simba, nokudziŋga mai ʋake,
Mŋanakomana unonyadzisa nokuita ɀinonyadza.
27Mŋanakomana waŋgu, rega kuterera kana ucidzidziswa,
Kana uciɗa hako kutsauka pamashoko eziʋo.
28Capupu cisinamaturo cinoɗaɗa nokururama;
Muromo waʋakaipa unomedza ɀakaipa.
29Kutoŋgwa kwakagadzirirwa ʋaɗaɗi;
Neshamhu misana yamapenzi.
Zvasarudzwa nguva ino
Ɀireʋo 19: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

:
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018