Mapisarema 121
121
Jehova ndiye muperekedzi parwendo.
Rwiyo rworwendo.
[kunobva kunobʋa] 1Ndicasimudzira meso aŋgu kumakomo;
Kuɓatsirwa kwaŋgu kucabvepiko?
2Kuɓatsirwa kwaŋgu kunobva kunaJehova,
Wakaita kuɗeŋga napasi.
3Haaŋgatenderi rutsoka rwako kuti rutedzemuke;
Muceŋgeti wako haaŋgakotsiri.
4Tarirai, muceŋgeti waIsraeri
Haaŋgakotsiri kana kuʋata.
5Jehova ndiye muceŋgeti wako;
Jehova ndiye mumvuri wako paruʋoko rwako rworudyi.
6Zuʋa hariŋgakuɓayi masikati,
Nomŋedzi ʋusiku.
7Jehova ucakuceŋgeta paɀakaipa ɀose;
Ucaceŋgeta mŋeya wako.
8Jehova ucakuceŋgeta pakuɓuɗa kwako napakupinda kwako,
Kubva paŋguʋa ino kuȿikira pakusiŋgaperi.
Zvasarudzwa nguva ino
Mapisarema 121: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
![None](/_next/image?url=https%3A%2F%2Fimageproxy.youversionapistaging.com%2F58%2Fhttps%3A%2F%2Fweb-assets.youversion.com%2Fapp-icons%2Fsn.png&w=128&q=75)
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018