Mapisarema 17
17
Davidi unocema kuti arwirwe kuʋaʋeŋgi ʋake.
Munyeŋgetero waDavidi.
1Inzwai ɀakarurama Jehova, muterere kucema kwaŋgu;
Rerekerai nzeʋe dzenyu kumunyeŋgetero waŋgu, unobva pamiromo isiŋganyeŋgeri.
2Kutoŋgwa kwaŋgu ŋgakubve pamberi penyu;
Meso enyu ŋgaatarire ɀakarurama.
3Makaidza mŋoyo waŋgu; makandishanyira ʋusiku;
Makandiidza, mukasawana kufuŋga kwakaipa mandiri;
Ndakaɀisuŋga kuti muromo waŋgu urege kuɗarika.
4Kana ari maɓasa aʋanhu, neshoko remiromo yenyu
Ini ndakanɀeŋga nzira dzomuparadzi.
5Kutsika kwaŋgu kwakarambira panzira dzenyu,
Tsoka dzaŋgu hadzina‐kutedzemuka.
6Ini ndakaɗana kwamuri, nokuti mucandipindura, imi Mŋari;
Rerekerai nzeʋe dzenyu kwandiri, munzwe kutaura kwaŋgu.
7Ratidzai ʋunyoro bgenyu ʋunoshamisa, imi, munoponesa ʋanoʋimba nemi,
Imi munoponesa noruʋoko rwenyu rworudyi, aʋa ʋanoʋimba nemi
Kunaʋanoʋamukira simba.
8Ndiceŋgetei semboni yeziso renyu,
Ndiʋanzei pasi pomumvuri wamapapiro enyu,
9Kunaʋakaipa, ʋanondiparadza,
Iʋo ʋaʋeŋgi ʋaŋgu ʋakaipa, ʋanondikomba.
10Ʋakadziʋira mŋoyo yaʋo;
Ʋanotaura ʋaciɀikudza nemiromo yaʋo.
11Ʋakatikomba ɀino pakufamba kweɗu;
Ʋanocerekedza nameso aʋo kuti ʋatiwisire pasi.
12Wakafanana neshumba inokarira kuparadza,
Uneŋge somŋana weshumba inoʋandira panɀimbo dzakaʋanda.
13Simukai, Jehova,
Mirai pamberi pake, mumuwisire pasi;
Rwirai mŋeya waŋgu nomunondo wenyu kunaʋakaipa;
14Kuʋanhu, noruʋoko rwenyu imi Jehova,
Kuʋanhu ʋenyika, ʋanomugoʋe waʋo paʋupenyu ubgu,
Ʋamunozadza ɗumbu raʋo nefuma yenyu;
Ʋanaʋana ʋazhinji,
Ʋanosiyira ʋacece ʋaʋo ɀakasara ɀefuma yaʋo.
15Ini ndicaʋona ciso cenyu pakururama;
Ndicaguta nomufananidzo wenyu pakumuka kwaŋgu.
Zvasarudzwa nguva ino
Mapisarema 17: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

: