Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 46

46
Mŋari ʋutiziro bgeɗu.
Kumutuŋgamiriri wokuimba; Pisarema raʋanakomana ʋaKora; nomuimbirwe weAramoti. Rwiyo.
1Mŋari ndiye ʋutiziro bgeɗu nesimba reɗu,
Ndiye muɓatsiri uri pedyo‐pedyo paŋguʋa dzokumanikidzwa.
2Saka hatiŋgatyi, kunyaŋge nyika ikashanduka,
Ʋuye kunyaŋge makomo akabviswa akaiswa mukati mamakuŋgwa;
3Kunyaŋge mvura zhinji yawo ikatinhira nokumutswa,
Kunyaŋge makomo akaɗeɗera nokupupuma kwawo.
4Rwizi ruri’po, runehoʋa dzinofadza guta raMŋari,
Iyo nɀimbo tȿene yetabernakeri dzoWokumsoro‐soro.
5Mŋari uri mukati maro; hariŋgazunuŋguswi;
Mŋari ucariɓatsira kana ʋutoŋga bgotȿuka.
6Ʋahedeni ʋakaita ɓope, ʋushe bgakazunuŋguswa;
Wakataura nenzwi rake, nyika ikanyauka.
7Jehova wehondo une’su;
Mŋari waJakobo inhare yeɗu.
8Ʋuyai muʋone maɓasa aJehova,
Ɀishamiso ɀaakaita panyika.
9Unogumisa kurwa kuȿikira pakuguma kwenyika;
Unovuna ʋuta, nokuvuna‐vuna pfumo;
Unopisa ŋgoro dzokurwa nomŋoto.
10Nyararai, muziʋe kuti ndini Mŋari;
Ndicaʋa mukuru pakati paʋahedeni, ndicaʋa mukuru panyika.
11Jehova wehondo une’su;
Mŋari waJakobo inhare yeɗu.

Zvasarudzwa nguva ino

Mapisarema 46: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda