Mapisarema 51
51
Rwiyo rwokucema ɀiʋi.
Kumutuŋgamiriri wokuimba. Pisarema raDavidi, paŋguʋa yakaȿika muprofita Natani kwaari, iye apinda kunaBati‐sheba.
1Ndinzwirei tsitsi, Mŋari, nokuɗa kwoʋunyoro bgenyu;
Dzimai kuɗarika kwaŋgu nokuɗa kweŋgoni dzenyu zhinji.
2Ndisukei ɀakaipa ɀaŋgu cose,
Ndinatsei ciʋi caŋgu.
3Nokuti ndinoziʋa kuɗarika kwaŋgu;
Ciʋi caŋgu cinogara ciri pamberi paŋgu.
4Ndakakutadzirai imi, iyemi moga,
Ndakaita cinhu cakaipa pamberi penyu;
Kuti munzi makarurama pakutaura kwenyu,
Muʋe usinemhoȿa pakutoŋga kwenyu.
5Tarirai, ndakaɓerekerwa muɀakaipa;
Mai ʋaŋgu ʋakandigamucira muɀiʋi.
6Tarirai, munoɗa ɀokwaɗi pamŋoyo;
Munoɗa kundidzidzisa ʋucenjeri mukati makaʋanda.
7Ndinatsei nehisopi, ndiʋe wakanaka,
Ndishambidzei, ndicene kupfuʋura mazaya ecando.
8Ndinzwisei mufaro ndiʋe nomŋoyo mucena;
Kuti mafupa amakavuna afare.
9Ʋanzirai ɀiʋi ɀaŋgu ciso cenyu,
Dzimai ɀakaipa ɀaŋgu ɀose.
10Sikai mukati maŋgu mŋoyo wakacena, Mŋari;
Ʋandudzai mukati maŋgu mŋeya wakarurama.
11Regai kundirasha pamberi penyu;
Musabvisa mŋeya wenyu mutȿene kwandiri.
12Dzoserai ɀe kwandiri mufaro wokuponesa kwenyu;
Nditsigirei nomŋeya, unoɗa.
13Ipapo ndicadzidzisa ʋaɗariki nzira dzenyu;
Ʋuye ʋatadzi ʋacatendeʋukira kwamuri.
14Ndirwirei pamhoȿa yeropa, Mŋari, imi Mŋari muponesi waŋgu;
Ipapo rurimi rwaŋgu rucaimbira kururama kwenyu kwaɀo.
15Ishe, zarurai miromo yaŋgu;
Ipapo muromo waŋgu ucaparidza kurumbidzwa kwenyu.
16Nokuti imi hamufariri ɀiɓayiro; ndiŋgaɗai ndaikupai iɀo;
Hamufadzwi necipiriso cinopiswa.
17Ɀiɓayiro ɀaMŋari mŋeya wakaputsika;
Mŋoyo wakaputsika nowakapxanyika, imi Mŋari hamuŋgaushoʋori.
18Itirai Zioni ɀakanaka nokuɗa kwenyu;
Ʋakai maȿiŋgo eJerusarema.
19Ipapo mucafarira ɀiɓayiro ɀakarurama, necipiriso cinopiswa necipiriso cinopiswa cose;
Ipapo ʋacaɓayira nzombe paartari yenyu.
Zvasarudzwa nguva ino
Mapisarema 51: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

:
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018