Mapisarema 52
52
Wakaipa ŋgaarege kuʋa namanyawi nokuti Jehova unoceŋgeta ʋanhu ʋake ʋakarurama.
Kumutuŋgamiriri wokuimba. Rwiyo rweMashiri rwaDavidi; paŋguʋa yakaȿika Doegi muEdomi akaʋudza Sauro, aciti: Davidi waȿika paimba yaAhimereki.
1Unoɀirumbidzireiko neɀakashata, iwe mhare?
Tsitsi dzaMŋari dziri’po misi yose.
2Rurimi rwako runofuŋga kutaura ɀakaipa;
Rwakafanana neciȿo cinopinza, ruciita ɀinonyeŋgera.
3Unoɗa ɀakaipa kupfuʋura ɀakanaka;
Nokureʋa nhema kupfuʋura kutaura ɀakarurama.
4Unoɗa mashoko ose okuparadza,
Iwe rurimi runonyeŋgera.
5Mŋari ucakuparadza ʋo saiɀoɀo nokusiŋgaperi,
Ucakuɓata akakubvisa patente rako,
Nokukudzura panyika yaʋapenyu.
6Ʋakarurama ʋacaɀiʋona ʋakatya,
Ʋacamuseka, ʋaciti:
7Tarirai, hoyu munhu usina‐kuita Mŋari nhare yake,
Asi wakaʋimba nokuwanda kwefuma yake,
Akaɀisimbisa paɀakaipa ɀake.
8Asi kana ndiri’ni, ndakafanana nomuorivi munyoro muimba yaMŋari;
Ndinoʋimba netsitsi dzaMŋari nokusiŋgaperi‐peri.
9Ndicakuʋoŋgai nokusiŋgaperi, nokuti ndi’mi makaɀiita;
Ndicamirira zita renyu pamberi paʋatȿene ʋenyu nokuti rakanaka.
Zvasarudzwa nguva ino
Mapisarema 52: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
![None](/_next/image?url=https%3A%2F%2Fimageproxy.youversionapistaging.com%2F58%2Fhttps%3A%2F%2Fweb-assets.youversion.com%2Fapp-icons%2Fsn.png&w=128&q=75)
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018