Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 86

86
Davidi unoʋimba nenyasha dzaJehova.
Munyeŋgetero waDavidi.
1Rerekai nzeʋe dzenyu, Jehova, ndipindurei;
Nokuti ndiri murombo nomushaiwi.
2Ceŋgetai mŋeya waŋgu; nokuti ndiri muɗikanwa wenyu;
Haiwa Mŋari waŋgu, ponesai muranda wenyu unoʋimba nemi.
3Ndinzwirei ŋgoni, Ishe;
Nokuti ndinoɗana kwamuri zuʋa rose.
4Fadzai mŋeya womuranda wenyu;
Nokuti ndinosimudzira mŋeya waŋgu kwamuri Ishe waŋgu.
5Nokuti imi, Ishe, makanaka, munofarira kukaŋganwira,
Muneŋgoni zhinji kunaʋose ʋanoɗana kwamuri.
6Rerekerai nzeʋe yenyu, Jehova kumunyeŋgetero waŋgu;
Tererai inzwi rokukumbira kwaŋgu.
7Pazuʋa rokutambudzika kwaŋgu ndicaɗana kwamuri,
Nokuti mucandipindura.
8Hapana‐wakafanana nemi pakati paʋamŋari, Ishe,
Ʋuye hapana‐maɓasa akafanana namaɓasa enyu.
9Ndudzi dzose dzamakaita dzicaʋuya kuzonamata pamberi penyu, Ishe,
Dzicarumbidza zita renyu.
10Nokuti imi muri mukuru, munoita ɀinhu ɀinoshamisa;
Ndimi Mŋari woga.
11Ndidzidzisei nzira yenyu, Jehova, ndicafamba muɀokwaɗi yenyu,
Ƃatanidzai mŋoyo waŋgu kuti nditye zita renyu.
12Ndicakurumbidzai, Ishe Mŋari waŋgu, nomŋoyo waŋgu wose,
Ndicarumbidza zita renyu nokusiŋgaperi.
13Nokuti ŋgoni dzenyu ihuru kwandiri;
Makarwira mŋeya waŋgu pagomba rakadzika‐dzika.
14Mŋari, ʋanoɀikudza ʋakandimukira,
Ʋuŋgano yaʋanhu, ʋanomanikidza, ʋakatȿaka mŋeya waŋgu,
Haʋana‐kukuisai pamberi paʋo.
15Asi imi, Ishe, muri Mŋari unetsitsi nenyasha,
Hamukurumidzi kutsamŋa, muneŋgoni zhinji neɀokwaɗi.
16Riŋgirai kwandiri, mundinzwire ŋgoni;
Ipai muranda wenyu simba renyu,
Muponese mŋanakomana womurandakadzi wenyu.
17Ndiratidzei ciratidzo mundiitire ɀakanaka;
Kuti ʋanondiʋeŋga ʋaɀiʋone, ʋanyadziswe;
Nokuti imi Jehova, makandiɓatsira nokundinyaradza.

Zvasarudzwa nguva ino

Mapisarema 86: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda