Ɀakazarurwa 1
1
Zita rebuku neroMunyori.
1Ɀakazarurwa ɀaJesu Kristu, ɀaakapiwa naMŋari, kuti aratidze ʋaranda ʋake ɀinhu iɀo ɀinofanira kukurumidza kuitwa; akaɀituma nomutumŋa wake, ndokuziʋisa muranda wake Johane; 2wakapupurira shoko raMŋari, neɀokupupura kwaJesu Kristu, acireʋa ɀose ɀaakaʋona. 3Wakaropafadzwa uyo unoraʋa, naʋanonzwa mashoko okuprofita, ʋaciceŋgeta ɀakanyorwa imomo, nokuti ŋguʋa yaʋa pedyo.
Ʋakanyorerwa: Kereke nomŋe paAsia.
4Johane kukereke nomŋe dziri paAsia: Nyasha ngadziʋe nemi, norugare, ɀinobva kunaiye uri’po, wakaŋga ari’po, noucazoʋa’po; nokunemŋeya minomŋe iri pamberi pecigaro cake coʋushe; 5nokunaJesu Kristu, capupu cakatendeka, ɗaŋgwe kuʋakafa, muɓati wamadzishe enyika. Kunaiye unotiɗa, akatisunuŋgura paɀiʋi ɀeɗu neropa rake, 6akatiita ʋushe, naʋaprista kunaMŋari naƂaɓa ʋake, kwaari ŋgakuʋe kubginya nesimba nokusiŋgaperi‐peri. Ameni. 7Tarirai, unoʋuya namakore, meso ose acamuʋona, naiʋo ʋakamuɓaya; marudzi ose enyika acamucema. Hoŋo, Ameni.
8Ndini Arfa neOmega, ndiɀo ɀinoreʋa Ishe Mŋari, uri’po, wakaŋga ari’po, noucazoʋa’po, wamasimba ose.
Jesu unoɀiratidza kunaJohane paPatmosi.
9Ini Johane, hama yenyu, mugoʋerani pamŋe cete nemi pakutambudzika, noʋushe, nokutsuŋgirira munaJesu, ndakaŋga ndiri paciwi cinonzi Patmosi, nokuɗa kweshoko raMŋari, nokwokupupura kwaJesu. 10Ndakaŋga ndiri muMŋeya nezuʋa raShe, ndikanzwa shure kwaŋgu inzwi guru, rineŋge serehwamanda, 11riciti: Iɀo ɀaunoʋona, ɀinyore mubuku, uɀitumire kereke nomŋe, paEfeso, napaSmirna, napaPergamo, napaTiatira, napaSardisi, napaFiraderfia, napaRaodikia. 12Ndikatendeʋuka kuti ndiʋone inzwi rakataura neni. Ndakati ndatendeʋuka, ndikaʋona ɀigadziko ɀemŋenje ɀinomŋe ɀendarama; 13napakati peɀigadziko ɀemŋenje, mumŋe wakafanana noMŋanakomana womunhu, akafuka ŋguʋo yakaȿikira kutsoka, akaɀisuŋga napacifuʋa nebanhire rendarama. 14Musoro wake nevudzi rake ɀakaŋga ɀiri ɀicena samakushe macena, secando; meso ake akaita somuraɀo womŋoto; 15tsoka dzake dzakaŋga dzakafanana nesafuri inopenya, ineŋge yakanatswa muʋira; inzwi rake rakaŋga rakaita senzwi remvura zhinji. 16Muruʋoko rwake rworudyi wakaŋga akaɓata nyeredzi nomŋe; mumuromo make makaɓuɗa munondo unopinza, unoceka kwose; ciso cake caiʋa sezuʋa rinopenya nesimba raro. 17Ndakati ndicimuʋona, ndikawira pasi patsoka dzake sendineŋge ndafa; akaisa ruʋoko rwake rworudyi pamsoro paŋgu, akati: Usatya, ndini wokutaŋga nowokupedzisira, 18naiye Mupenyu; ndakaŋga ndafa, tarira, ndiri mupenyu nokusiŋgaperi‐peri; ndinekiyi dzorufu neHadesi. 19Naiɀoɀo nyora ɀawaʋona, neɀiri’po, neɀicazoʋa’po shure kwaiɀoɀi; 20ɀakaʋanzika ɀenyeredzi nomŋe dzawaʋona muruʋoko rworudyi rwaŋgu, neɀigadziko ɀemŋenje ɀinomŋe ɀendarama. Nyeredzi nomŋe ndiʋo ʋatumŋa ʋekereke nomŋe; neɀigadziko ɀemŋenje ɀinomŋe ndidzo kereke nomŋe.
Zvasarudzwa nguva ino
Ɀakazarurwa 1: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

: