Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ɀakazarurwa 2

2
Ŋwadi kukereke iri paEfeso.
1Nyorera mutumŋa wekereke iri paEfeso, uti:
Ɀanzi naiye wakaɓata nyeredzi nomŋe muruʋoko rwake rworudyi, unofamba pakati peɀigadziko ɀemŋenje ɀinomŋe ɀendarama: 2Ndinoziʋa maɓasa ako, nokutambudzika kwako, nokutsuŋgirira kwako, ʋuye kuti hauɗi kuʋonana naʋanhu ʋakaipa; wakaʋaidza iʋo ʋanoti, tiri ʋaapostora, ʋasi iʋo caiʋo, ukaʋawana ʋari ʋenhema; 3ukatsuŋgirira nokuʋa nomŋoyo murefu nokuɗa kwezita raŋgu, ukasaneta. 4Asi handifari necinhu ici kwauri, kuti wakasiya ruɗo rwako rwokutaŋga. 5Naiɀoɀo raŋgarira pawakawa, utendeʋuke, ugoita maɓasa ako okutaŋga; kana usiŋgaiti saiɀoɀo, ndicaʋuya kwauri, ndikabvisa cigadziko cako comŋenje panɀimbo yaco, kana usiŋgatendeʋuki. 6Asi cinhu ici unaco, kuti unoʋeŋga maɓasa aʋaNikoraiti, andinoʋeŋga neni ʋo. 7Unenzeʋe, ŋgaanzwe ɀinoreʋa Mŋeya kukereke; unokunda, ndicamutendera kuti adye muti woʋupenyu, uri muParadiso yaMŋari.
Ŋwadi kukereke iri paSmirna.
8Nyorera mutumŋa wekereke iri paSmirna, uti:
Ɀanzi naiye wokutaŋga nowokupedzisira, wakaŋga afa, akararama ɀe: 9Ndinoziʋa kutambudzika kwako noʋurombo bgako, (asi uri mufumi), nokutuka kwaiʋo ʋanoti, tiri ʋaJuda, ʋasi iʋo caiʋo, asi isinagoge raSatani, 10usatya iɀo ɀaucatambudzika naɀo. Tarira, Diaborosi woɗo‐kuisa ʋamŋe ʋenyu mutoroŋgo, kuti muidzwe; mucatambudzika mazuʋa anegumi. Uʋe wakatendeka kuȿikira parufu, ndigokupa korona yoʋupenyu. 11Unenzeʋe, ŋgaanzwe ɀinoreʋa Mŋeya kukereke; unokunda, haaŋgakuʋadzwi norufu rwecipiri.
Ŋwadi kukereke iri paPergamo.
12Nyorera mutumŋa wekereke iri paPergamo, uti:
Ɀanzi naiye unomunondo, unopinza, unoceka kwose: 13Ndinoziʋa paunogara, ndi’po panecigaro coʋushe caSatani; wakaɓatisisa zita raŋgu, ukasaramba kutenda kwaŋgu, kunyaŋge napamazuʋa aAntipasi, capupu caŋgu, munhu waŋgu wakatendeka, wakaʋurawa pakati penyu, apo panogara Satani. 14Asi handifari neɀimŋe ɀinhu ɀishoma kwauri, nokuti unaʋamŋe’po ʋanoɓatisisa dzidziso yaBarami, wakadzidzisa Baraki kuisa cigumbuso pamberi paʋana ʋaIsraeri, cokuti ʋadye ɀakaɓayirwa ɀifananidzo, nokuita ʋupombge. 15Nokuɗaro unaʋamŋe ʋo ʋanoɓatisisa saiɀoɀo dzidziso yaʋaNikoraiti. 16Naiɀoɀo tendeʋuka; kana usiŋgaiti saiɀoɀo, ndicakurumidza kuʋuya kwauri, ndigorwa naʋo nomunondo womuromo waŋgu. 17Unenzeʋe, ŋgaanzwe ɀinoreʋa Mŋeya kukereke. Unokunda, ndicamupa mana yakaʋanzika, ʋuye ndicamupa ibge jena, napabge iro zita idɀa rakanyorwa’po, risiŋgazikanwi nomunhu, asi naiye unoripiwa.
Ŋwadi kukereke iri paTiatira.
18Nyorera mutumŋa wekereke iri paTiatira, uti:
Ɀanzi noMŋanakomana waMŋari, unameso akafanana nomuraɀo womŋoto, netsoka dzake dzakaita sesafuri inopenya: 19Ndinoziʋa maɓasa ako, noruɗo, nokutenda, nokushumira, nokutsuŋgirira kwako, ʋuye kuti maɓasa ako okupedzisira anopfuʋura okutaŋga. 20Asi handifari necinhu ici kwauri, kuti unotendera uya mukadzi Jesaberi, unoɀiidza muprofitakadzi, ʋuye unodzidzisa nokutsausa ʋaranda ʋaŋgu, kuti ʋaite ʋupombge, nokudya ɀakaɓayirwa ɀifananidzo. 21Ndakamupa ŋguʋa kuti atendeʋuke; akaramba kutendeʋuka pakufeʋa kwake. 22Tarira, ndoɗa kumukandira panhoʋo, naʋanoita ʋupombge naye panhamo huru, kana ʋasiŋgatendeʋuki pamaɓasa ake. 23Naʋana ʋake ndicaʋaʋuraya norufu; nekereke dzose dzicaziʋa kuti ndini ndinonɀera itȿo nemŋoyo; ndicapa mumŋe nomumŋe wenyu paakaɓata napo. 24Asi kwamuri, imi makasara paTiatira, ʋose ʋasinedzidziso iyi, ʋasiŋgaziʋi iɀo ɀaʋanoti ɀakadzika ɀaSatani, ndinoti kwamuri: Handiŋgakutakudziyi mumŋe mutoro. 25Asi ɓatisai iɀo ɀamunaɀo kuȿikira ndiciʋuya. 26Unokunda aciceŋgeta maɓasa aŋgu kuȿikira pakupedzisira, ndicamupa simba pamsoro pamarudzi; 27ucaafudza netȿimbo yeɗare, sehari dzomuʋumbi dzinoputsanyiwa; seɀandakapiwa ʋo naƂaɓa ʋaŋgu. 28Ʋuye ndicamupa nyamasase. 29Unenzeʋe, ŋgaanzwe ɀinoreʋa Mŋeya kukereke.

Zvasarudzwa nguva ino

Ɀakazarurwa 2: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda