Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ɀakazarurwa 8

8
Cisimbiso cecinomŋe cinozarurwa. Hwamanda inna dzokutaŋga.
1Wakati azarura cisimbiso cecinomŋe, kunyarara kukaʋa’po kuɗeŋga kuneŋge sehafu yeŋguʋa. 2Ipapo ndakaʋona ʋatumŋa ʋanomŋe ʋamire pamberi paMŋari; ʋakapiwa hwamanda nomŋe.
3Ɀino mumŋe mutumŋa wakaʋuya, akamira paartari, anomudziyo wendarama weɀinonhuwira; akapiwa ɀinouhuwira ziɀhinji kuti aɀiise pamŋe cete neminyeŋgetero yaʋatȿene ʋose pamsoro peartari yendarama, yakaŋga iri pamberi pecigaro coʋushe. 4Ʋutsi bgeɀinonhuwira bgukakwira pamberi paMŋari bgucibva muruʋoko rwomutumŋa pamŋe cete neminyeŋgetero yaʋatȿene. 5Mutumŋa akatora mudziyo weɀinonhuwira, akauzadza nomŋoto weartari, akaukandira panyika; ipapo kwakaʋuya kutinhira, namanzwi, nemheni, nokuɗeŋgenyika kwenyika.
6Ipapo ʋatumŋa ʋanomŋe, ʋakaŋga ʋanehwamanda nomŋe, ʋakaɀigadzira kuti ʋaridze.
7Wokutaŋga wakaridza, kukaʋuya cimvuramabge nomŋoto ɀakaveŋganiswa neropa, ɀikakandirwa panyika; ipapo cetatu cenyika cikatȿa, necetatu cemiti cikatȿa, noʋuswa bgutema bgose bgakatȿa.
8Ɀino mutumŋa wecipiri wakaridza, cimŋe cakaita segomo guru rinopfuta nomŋoto cikakandwa muguŋgwa; ipapo cetatu ceguŋgwa cikashanduka ropa; 9cetatu ceɀisikwa ɀakaŋga ɀiri muguŋgwa ɀikafa, iɀo, ɀakaŋga ɀinoʋupenyu; necetatu ceɀikepe cikaparadzwa.
10Ɀino mutumŋa wecitatu wakaridza, nyeredzi huru, yakapfuta sezhenje, ikawa kuɗeŋga, ikawira pamsoro pecetatu cenzizi napamatsime emvura; 11zita renyeredzi rakaŋga ricinzi, Cinoʋaʋa; ipapo cetatu cemvura cikaʋaʋiswa, ʋanhu ʋazhinji ʋakafa nemvura, nokuti yakaŋga yaʋaʋiswa.
12Ɀino mutumŋa wecinna wakaridza, cetatu cezuʋa cikarobga, necetatu comŋedzi, necetatu cenyeredzi, kuti cetatu caɀo ciȿiɓiswe, ʋuye kuti cetatu camasikati cirege kuvenekera, noʋusiku saiɀoɀo.
13Ipapo ndakatarira, ndikanzwa gondo rimŋe ricibururuka pakati peɗeŋga, riciti nenzwi guru: Nhamo, nhamo, nhamo, kunaʋanogara panyika, nokuɗa kwamanzwi mamŋe ehwamanda aʋatumŋa ʋatatu ʋacazoridza.

Zvasarudzwa nguva ino

Ɀakazarurwa 8: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda