Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

ƲaRoma 2

2
Ʋanhu ʋose ʋakatadza, ʋanofanira kutoŋgwa.
1Saka haunepembedzo iwe munhu, upi noupi, unotoŋga ʋamŋe; nokuti pacinhu ico caunotoŋga mumŋe naco, unoɀipa mhoȿa iwe, nokuti iwe, unotoŋga, unoita ɀinhu iɀoɀo. 2Tinoziʋa kuti kutoŋga kwaMŋari ndokwaɀokwaɗi kunaʋanoita ɀinhu ɀakaɗai. 3Iwe munhu, unotoŋga ʋamŋe ʋanoita ɀinhu ɀakaɗai, iwe uciɀiita ʋo, ko unoti uŋgatiza kutoŋga kwaMŋari here? 4Unoɀidza kanhi fuma yoʋunyoro bgake, nomŋoyo wake munyoro, nomŋoyo wake murefu, usiŋgaziʋi here kuti ʋunyoro bgaMŋari bgunokuisa pakutendeʋuka? 5Asi noʋukukutu bgako, nomŋoyo usiŋgaɗi kutendeʋuka, unoɀiʋuŋganidzira kutsamŋa nezuʋa rokutsamŋa, nokuratidzwa kwokutoŋga kwakarurama kwaMŋari; 6iye ucapa mumŋe nomumŋe paakaita napo: 7Ʋanotȿaka kubginya, nokukudzwa, nokusafa, ʋacitsuŋgirira pakuita ɀakanaka, ucaʋapa ʋupenyu bgusiŋgaperi. 8Asi kunaʋanenharo, ʋasiŋgatereri ɀokwaɗi, ʋanoterera ɀisakarurama, kucaʋa’po kutsamŋa nehasha, 9nokutambudzika nenhamo kumŋeya mumŋe nomumŋe womunhu unoita ɀakaipa, pakutaŋga womuJuda, nowomuGiriki; 10asi kubginya, nokukudzwa, norugare kunomumŋe nomumŋe unoita ɀakanaka, kumuJuda pakutaŋga, nomuGiriki ʋo. 11Nokuti Mŋari haatendi ɀinoʋonekwa ɀomunhu. 12Nokuti ʋose ʋakatadza ʋasinomurairo, ʋacaparadzwa ʋo ʋasinomurairo; ʋose ʋakatadza ʋanomurairo, ʋacatoŋgwa nomurairo; 13nokuti ʋanzwi ʋomurairo haʋazi iʋo ʋakarurama pamberi paMŋari, asi ʋaiti ʋomurairo ndiʋo ʋanoruramiswa; 14(nokuti kana ʋahedeni ʋasinomurairo ʋaciita pacaʋo ɀinhu ɀomurairo, ʋaʋa murairo waʋo ʋamene; 15nokuti ʋanoratidza ɓasa romurairo wakanyorwa mumŋoyo yaʋo, hana yaʋo icipupura pamŋe cete naɀo, neɀaʋanofuŋga pakati paʋo ɀiciʋapa mhoȿa kana kuʋapembedza;) 16nezuʋa iro, Mŋari raanozotoŋga naro ɀakaʋanzika ɀaʋanhu, naJesu Kristu, seɀinoreʋa Evaŋgeri yaŋgu.
ƲaJuda haʋanepembedzo.
17Ɀino kana iwe unonzi muJuda, unoʋimba nomurairo, unoɀirumbidza munaMŋari, 18unoziʋa kuɗa kwake, nokutsaura kuti ɀakanaka ndeɀipi, ucidzidziswa nomurairo, 19unoɀiti iwe uri mutuŋgamiriri wamapofu, neciedza caʋari murima, 20nomurairi wamapenzi, nomudzidzisi waʋacece, ɀaunomufananidzo wokuziʋa noweɀokwaɗi pamurairo; 21ɀino iwe unodzidzisa mumŋe, unoregereiko kuɀidzidzisa? Iwe unoparidza kuti munhu arege kuɓa, unoɓireiko iwe? 22Iwe unoti munhu arege kuita ʋupombge, unoitireiko ʋupombge iwe? Iwe unosema ɀifananidzo, unoɓireiko iwe tembere dzaʋo? 23Iwe unoɀirumbidza nomurairo, unoshoʋora Mŋari nokuɗarika murairo neiko? 24Nokuti, seɀaɀakanyorwa, zita raMŋari rinomhurwa pakati paʋahedeni nokuɗa kwenyu. 25Nokuti kudziŋgiswa kunoɓatsira, kana iwe uri muiti womurairo; asi kana uri muɗariki womurairo, kudziŋgiswa kwako kwaʋa kusadziŋgiswa. 26Ɀino, kana iye usina‐kudziŋgiswa aciceŋgeta ɀireʋo ɀomurairo, ko kusadziŋgiswa kwake hakuŋganzi kudziŋgiswa here? 27Nousina‐kudziŋgiswa kubva pakuɀarwa kwake, kana aciceŋgeta murairo, haaŋgakutoŋgi here iwe unoɗarika murairo, iwe unomurairo wakanyorwa, ʋuye ʋo kudziŋgiswa? 28Nokuti uyo haazi muJuda, uri muJuda pakuʋonekwa cete; nokudziŋgiswa hakuzi iko kunoʋonekwa, kuri panyama; 29asi muJuda ndiye uri muJuda necomukati; nokudziŋgiswa ndiko kwomŋoyo, mumŋeya, kusati kuri kweɀakanyorwa; iye haarumbidzwi naʋanhu, asi naMŋari.

Zvasarudzwa nguva ino

ƲaRoma 2: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda