Rute 4
4
Boazi unowana Rute.
1Ɀino Boazi wakakwira kusuʋo, akagara pasi’po; hama yomumba yakaŋga yarebga naBoazi, ndokupfuʋura napo; akati kwaari: Nhai’we, tsaukira ʋuno, ugare pasi. Iye akatsauka, akagara pasi. 2Akatora ʋarume ʋanegumi kuʋakuru ʋeguta, akati: Garai pasi pano. Iʋo ʋakagara pasi. 3Ɀino akati kuhama yomumba: Naome, uya wakadzoka acibva kunyika yaMoabi, unoɗa kuteŋgesa mugoʋe wenyika waiʋa womunuŋuna weɗu Erimereki; 4ndakati ndicakuʋudza iɀoɀo, ndiciti: Ciuteŋga pamberi paʋanhu ʋagere pano, napamberi paʋakuru ʋaʋanhu ʋaŋgu. Kana uciɗa kuudzikinura, ndiʋudze, ciudzikinura hako, asi kana usiŋgaɗi kuudzikinura, ndiʋudze, ndiziʋe, nokuti hakuna‐uŋgaudzikinura asi iwe; unokuteʋera ndini. Akati: Ndicaudzikinura ini. 5Ɀino Boazi akati: Zuʋa iro raunoteŋga munda uyo kunaNaome, unofanira kuuteŋga ʋo kunaRute muMoabi, mukadzi wowakafa, kuti umutse zita rowakafa panhaka yake. 6Hama iyo yomumba ikati: Handigoni kuɀidzikinurira uyo, kuti ndirege kutadzira nhaka yaŋgu; citora hako iwe simba raŋgu rokudzikinura, nokuti ini handigoni kuudzikinura. 7Ɀino iyi ndiyo tsika yakaŋga iri’po kare pakati paʋaIsraeri kana ʋacidzikinura nokutsinhanha, kuti ɀose ɀisimbiswe: Munhu waibvisa shaŋgu yake, ndokuipa hama yake; ndiwo waiʋa mutoʋo wokupupura nawo paʋaIsraeri. 8Ɀino hama iyo yomumba ikati kunaBoazi: Ciɀiteŋgera hako uyo. Akabvisa shaŋgu yake. 9Ɀino Boazi akati kuʋakuru nokuʋanhu ʋose: Imi muri ɀapupu nhasi, kuti ndateŋga kunaNaome ɀose ɀaiʋa ɀaErimereki, neɀose ɀaiʋa ɀaKirioni neɀaMaroni. 10Ndateŋga ʋo Rute muMoabi, mukadzi waMaroni, kuti aʋe mukadzi waŋgu, kuti ndimutse zita rowakafa panhaka yake, zita rowakafa rirege kuroʋa pakati pehama dzake napasuʋo renɀimbo yake; imi muri ɀapupu nhasi. 11Ɀino ʋanhu ʋose ʋakaŋga ʋari pasuʋo naʋakuru ʋakati: Tiri ɀapupu heɗu. Jehova ŋgaaite mukadzi uyu waʋuya kumba kwako saRakeri ʋuye saRea, iʋo ʋaʋiri ʋakaʋaka imba yaIsraeri; newe ʋo uʋe nesimba paEfrata, ukurumbire paBeti‐rehemi; 12imba yako iʋe seimba yaPerezi, wakaɓerekerwa Juda naTamari, naʋana ʋaucapiwa naJehova kumukadzi uyu uciri muɗuku. 13Ipapo Boazi akawana Rute, akaʋa mukadzi wake, akapinda kwaari, Jehova akamutoresa mimba, akapona mŋanakomana. 14Ɀino ʋakadzi ʋakati kunaNaome: Jehova ŋgaakudzwe, usina‐kukushaisa hama yomumba nhasi, zita rake rikurumbire pakati paIsraeri. 15Ucaʋa kwauri muraramisi woʋupenyu, nomuriritiri woʋucembere bgako; nokuti mukadzi womŋana wako uyu, unokuɗa, unopfuʋura ʋanakomana ʋanomŋe kwauri, ndiye wakamuɓereka. 16Ɀino Naome akatora mŋana, akamufuŋgatira pacifuʋa cake, akaʋa mureri wake. 17Ʋakadzi ʋakaŋga ʋagere naye ʋakamutumidza zita, ʋaciti: Naome wakaponerwa mŋanakomana; ʋakamutumidza zita rinonzi Obedi; ndiye wakazoʋa ɓaɓa ʋaJese, ɓaɓa ʋaDavidi.
18Ɀino ndiwo marudzi aPerezi: Perezi wakaɓereka Hezroni; 19Hezroni akaɓereka Rami, Rami akaɓereka Aminadabi; 20Aminadabi akaɓereka Nashoni, Nashoni akaɓereka Sarmoni; 21Sarmoni akaɓereka Boazi, Boazi akaɓereka Obedi; 22Obedi akaɓereka Jese, Jese akaɓereka Davidi.
Zvasarudzwa nguva ino
Rute 4: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018