1 VaKorinde 14
14
Chipo chokuporofita chakanaka kupfuura chipo chendimi
1Teverai rudo; shingairirai zvipo zvoMweya, asi zvikuru kuti muporofite. 2Nokuti anotaura norumwe rurimi haatauri kuvanhu, asi kuna Mwari; nokuti hakuna anomunzwa; asi anotaura zvakavanzika muMweya. 3Asi anoporofita, anotaura kuvanhu, kuti vasimbiswe nokurayirwa, nokunyaradzwa. 4Anotaura norurimi, anozvisimbisa iye; asi anoporofita, anosimbisa kereke.
5Zvino ndinoda kuti imi mose mutaure nendimi, asi zvikuru kuti muporofite; anoporofita mukuru kunoanotaura nendimi, asi kana achidudzira, kuti kereke isimbiswe. 6Asi zvino, hama dzangu, kana ndichiuya kwamuri, ndichitaura nendimi, ndingakubatsirai neiko, kana ndisingatauri nokuzarurirwa, kana nokuziva, kana nokuporofita, kana nokudzidzisa?
7Kunyange zvinhu zvisina upenyu zvinorira kana iri nyere, kana rudimbwa, kana zvisingasiyani pakurira kwazvo, zvingazikanwa seiko chinoridzwa nenyere kana norudimbwa?
8Nokuti kana hwamanda isingariri kwazvo, ndianiko angazvigadzira kundorwa? 9Zvakadarowo nemi, kana musingatauri mashoko norurimi anonatsozikanwa, zvinotaurwa zvichazikanwa seiko? Nokuti muchangotaura henyu mumhepo. 10Mazwi anamarudzi mazhinji sei panyika, hakuna chinhu chisina izwi racho. 11Zvino kana ndisingazivi kuti izwi rinorevei, ini ndichava somunhu worumwe rurimi kune anotaura, noanotaura achava kwandiri somunhu worumwe rurimi. 12Saizvozvowo imi, zvamunoshingairira zvinhu zvoMweya, tsvakai zvikuru kuti musimbise kereke.
13Saka anotaura norumwe rurimi, ngaanyengetere kuti adudzirewo. 14Nokuti kana ndichinyengetera norumwe rurimi, mweya wangu unonyengetera, asi kufunga kwangu kunoshaiwa zvibereko. 15Zvino chinyiko? Ndichanyengetera nomweya wangu, uye ndichanyengetera nokufunga kwanguo; ndichaimba nomweya wangu, uye ndichaimba nokufunga kwanguo. 16Kana zvisakadaro, kana iwe uchivonga nomweya, ko uyo agere pachigaro chavasina kudzidza, achati Ameni seiko pakuvonga kwako, zvaasingazivi chaunotaura iwe? 17Nokuti iwe unovonga hako zvakanaka, asi mumwe haasimbiswi.
18Ndinovonga Mwari, kuti ini ndinotaura nendimi zhinji kukunda imi mose; 19asi pakereke ndinoda zvikuru kutaura mashoko mashanu nokufunga kwangu, kuti ndidzidzise vamwewo, pakutaura norumwe rurimi mashoko ane zviuru zvine gumi.
20Hama dzangu, musava vana pakuziva, asi muve vacheche pazvakaipa, asi pakuziva muve vakuru. 21Pamurayiro pakanyorwa, pachiti, “Ndichataura kuvanhu ava, ndichireva navanhu vedzimwe ndimi nemimwe miromo; kunyange zvakadaro, havanganditeereri, ndizvo zvinoreva Ishe.”
22Saka ndimi hadzizi chiratidzo kuna vanotenda, asi kuna vasingatendi; nokuporofita hakuzi kuna vasingatendi, asi kuna vanotenda.
23Naizvozvo, kana kereke yose yaungana, vose vakataura nendimi, vasina kudzidza kana vasina kutenda vakapinda, havati munopenga here? 24Asi kana vose vakaporofita, mumwe asingatendi kana asina kudzidza akapinda, achatendiswa navose, achatongwa navose; 25zvakavanzika zvomwoyo wake zvinoratidzwa; naizvozvo achawira pasi nechiso chake, achinamata Ishe nokupupura kuti Mwari ari pakati penyu zvirokwazvo.
Zvose ngazviitwe nomutoo wakanaka mukereke
26Zvino tichatiiko, hama dzangu? Kana muchiungana, mumwe nomumwe ane pisarema, ane chokudzidzisa, ane chakamuzarurirwa, anorumwe rurimi, ane chokududzira. Ngazviitwe zvose, kuti musimbiswe. 27Kana mumwe achitaura norurimi, ngazviitwe navaviri, kana varege kupfuura vatatu, vachiravana; nomumwe ngaadudzire. 28Asi kana pasina anodudzira, ngaanyarare mukereke; ngaazvitaurire iye, nokuna Mwari.
29Vaporofita ngavataure vaviri, kana vatatu, navamwe ngavatsoropodze. 30Zvino kana chimwe chinhu chikazarurirwa mumwe agerepo, wokutanga ngaanyarare. 31Nokuti mungaporofita mose, muchiita mumwe-mumwe, kuti vose vadzidze, vose vanyaradzwe. 32Mweya yavaporofita inozviisa pasi pavaporofita; 33nokuti Mwari haazi Mwari wenyonganiso, asi worugare, sapakereke dzose dzavatsvene.
34Vakadzi ngavanyarare pakereke; nokuti havatenderwi kutaura; asi ngavazviise pasi, sezvinorevawo murayiro.
35Kana vachida kudzidza chinhu, ngavabvunze varume vavo kumusha; nokuti hazvifaniri kuti mukadzi ataure mukereke. 36Ko shoko raMwari rakabva kwamuri here? Kana rakasvika kwamuri moga here?
37Kana munhu achiti, ndiri muporofita, kana ndiri womweya, ngaatende kuti izvo zvandinokunyorerai, murayiro waIshe. 38Asi kana munhu asingazivi, ngaave asingazivi hake.
39Saka, hama dzangu, shingairirai kuporofita, musingadzivisi mumwe kutaura nendimi. 40Asi zvinhu zvose ngazviitwe nomutoo wakafanira zvine mirairo yazvo.
Zvasarudzwa nguva ino
1 VaKorinde 14: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002

: