Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 VaKorinde 15

15
Kumuka kwavakafa
1Zvino, hama dzangu, ndinokuzivisai Vhangeri yandakakuparidzirai, iyo yamakagamuchirawo, neyamunomirawo mairi; 2iyo yamunoponeswawo nayo, kana muchiibatisa nomutoo wandakaiparidza kwamuri, kana musina kutenda pasina.
3Nokuti pakutanga ndakakupai izvo zvandakagamuchirawo, kuti Kristu akafira zvivi zvedu, sezvakanyorwa muMagwaro; 4uye kuti akavigwa, akamutswa nezuva retatu, sezvakanyorwa muMagwaro; 5akazviratidza kuna Kefasi, ipapo kuna gane gumi navaviri; 6ipapo akazviratidza kuhama dzinopfuura mazana mashanu kamwe vazhinji vavo vapenyu kusvikira zvino, asi vamwe vakavata. 7Ipapo akazviratidza kuna Jakobho; ipapo kuna vapostori vose; 8pakupedzisira akazviratidza kwandiriwo, sokunoakazvarwa nguva isati yasvika.
9Nokuti ini ndiri muduku kuvapostori vose, handifaniri kuti ndinzi muapostora, nokuti ndakatambudza kereke yaMwari. 10Asi nenyasha dzaMwari ndiri munhu akadai zvino; nenyasha dzake kwandiri hadzina kuva pasina; asi ndakashanda zvikuru kupfuura vose; handizini, asi inyasha dzaMwari dzaiva neni. 11Naizvozvo, kana ndirini, kana vari ivo, tinoparidza kudai, nemi makatenda kudai.
12Zvino kana Kristu achiparidzwa, kuti akamutswa kuvakafa, vamwe pakati penyu vanoreva seiko, kuti hakuna kumuka kwavakafa? 13Zvino, dai pasina kumuka kwavakafa, naKristu angadai asina kumutswawo; 14uye, dai Kristu asina kumutswa, kuparidza kwedu kungadai kuchiva pasina, nokutenda kwenyu kungadai kuchiva pasinawo. 15Nesu taiwanikwa tiri zvapupu zvaMwari zvenhema; nokuti takapupura kuti Mwari akamutsa Kristu, iye waasina kumumutsa, kana zviri izvo kuti vakafa havamutswi. 16Nokuti kana vakafa vasingamutswi, naKristu haana kumutswawo; 17kana Kristu asina kumutswa, kutenda kwenyu hakuna maturo; muchiri muzvivi zvenyu. 18Zvino naivo vakafa muna Kristu vakarasikawo. 19Kana tine tariro kuna Kristu muhupenyu uhwu bedzi, tinonzwisa urombo kukunda vanhu vose.
20Asi zvino Kristu akamutswa kuvakafa, akava chibereko chokutanga chavavata. 21Nokuti rufu zvarwakauya nomunhu, kumuka kwavakafa kwakauya nomunhuwo. 22Nokuti vose sezvavanofa muna Adhamu, saizvozvowo vose vachararamiswa muna Kristu. 23Asi mumwe nomumwe padzoro rake: wokutanga ndiye Kristu chibereko chokutanga; tevere, avo vari vaKristu pakuuya kwake. 24Ipapo kuguma kunosvika, panguva yaachazopa Mwari, Baba, ushe, panguva yaachaparadza kubata kwose, noushe hwose, nesimba.
25Nokuti anofanira kubata ushe, kusvikira aisa vavengi vake vose pasi petsoka dzake. 26Muvengi wokupedzisira, achaparadzwa, ndirwo rufu.
27Nokuti akaisa zvinhu zvose pasi petsoka dzake. Zvino kana achiti, “Zvose zvakaiswa pasi pake, zvinoonekwa pachena kuti iye, akaisa zvose pasi pake, haaiswipo.” 28Zvino kana zvose zvaiswa pasi pake, ipapo noMwanakomanawo amene achaiswa pasi paiye akaisa zvose pasi pake, kuti Mwari ave zvose kuna vose.
29Kana zvisina kudaro, ko avo vanobhabhatidzirwa vakafa, vachagoita seiko? Kana vakafa vasingatongomutswi, vakagobhabhatidzirweiko ivo vakafa?
30Nesu tiri panjodzi nguva dzose neiko? 31Ndinopika, hama dzangu, nokuzvirumbidza kwandinako pamusoro penyu muna Kristu Jesu, Ishe wedu, kuti ndinofa zuva rimwe nerimwe.
32Kana ndakarwa nezvikara paEfeso somunhu zvaindibatsireiko? Kana vakafa vasingamutswi, ngatidye, ngatinwe, nokuti mangwana tinofa. 33Musanyengerwa; ushamwari hwakaipa hunoodza tsika dzakanaka. 34Pengenukai zvakarurama, “Murege kutadza, nokuti vamwe havazivi Mwari; ndinotaura izvi kuti munyadziswe.”
35Asi mumwe angati, “Vakafa vanogomutswa seiko? Vachauya nomuviri wakaita sei?” 36Iwe benzi, icho chaunodyara hachimeri, kana chisingafi. 37Chaunodyara, haudyari muviri uchavapo, asi tsanga bedzi, kana yamapfunde, kana yezvimwe; 38asi Mwari anoipa muviri paanoda napo, nembeu imwe neimwe muviri wayo.
39Nyama yose haizi nyama imwe; asi imwe ndeyavanhu, imwe inyama yemhuka, imwe inyama yeshiri, imwe ndeyehove.
40Kune miviri yokudenga, nemiviri yenyika; asi kubwinya kweyokudenga ndokumwe, nokwenyika ndokumwe. 41Kubwinya kwezuva ndokumwe, nokubwinya kwomwedzi ndokumwe, nokubwinya kwenyeredzi ndokumwe; nokuti nyeredzi imwe haifanani neimwe nyeredzi pakubwinya.
42Ndizvo zvakaitawo kumuka kwavakafa. Muviri unodyarwa pakuora; unomutswa pakusaora; 43unodyarwa pakuzvidzwa, unomutswa pakubwinya; unodyarwa pautera, unomutswa pasimba. 44Unodyarwa uri muviri wokuberekwa, unomutswa uri muviri womweya. Muviri wokuberekwa uripo, nomuviri womweya uripo.
45Zvakanyorwawo saizvozvo, zvichinzi, “Munhu wokutanga, Adhamu, akaitwa munhu mupenyu;” Adhamu wokupedzisira akaitwa mweya, unopa upenyu.
46Asi zvomweya hazvizi zvokutanga, asi zvokuberekwa; tevere zvomweya kudenga. 47Munhu wokutanga ndowenyika, wevhu; munhu wechipiri akabva kudenga.
48Saiye wevhu, ndizvo zvakaitawo avo vevhu; saiye wokudenga, ndizvo zvakaitawo ivo vokudenga. 49Uye, sezvatakanga tinomufananidzo womunhu wevhu, tichavawo nomufananidzo waiye wokudenga.
50Zvino, hama dzangu, ndinoreva ndichiti, nyama neropa hazvingagari nhaka youshe hwaMwari; nokuora hakungagari nhaka yokusaora. 51Tarirai, ndinokuudzai chakavanzika, Hatingavati tose, asi tichashandurwa tose; 52pakarepo, nokubwaira kweziso, nehwamanda yokupedzisira; nokuti hwamanda icharira, ipapo vakafa vachamutswa nokusaora; nesu tichashandurwa; 53nokuti ichi chinoora chinofanira kufuka kusafa. 54Zvino kana ichi chinoora chafuka kusaora, nechichi chinofa chafuka kusafa, ipapo shoko rakanyorwa richaitika, rinoti, “Rufu rwakamedzwa nokukunda.” 55“Iwe rufu, kukunda kwako kuripiko? Iwe rufu, rumborera rwako ruripiko?” 56Rumborera rworufu ndizvo zvivi; nesimba rezvivi ndiwo murayiro. 57Zvino Mwari ngaavongwe, uyo anotipa kukunda naIshe wedu, Jesu Kristu. 58Saka, hama dzangu dzinodikanwa, mirai makasimba, murege kuzununguswa, mushandire Ishe zvikuru nguva dzose, muchiziva kuti kubata basa kwenyu hakungavi pasina muna Ishe.

Zvasarudzwa nguva ino

1 VaKorinde 15: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda