1 VaTesaronika 3
3
1Saka zvatakanga tisingagoni kutsunga, takati zvakanaka kuti tisiyiwe tiri toga paAteni; 2tikatuma Timoti, hama yedu, mushumiri waMwari paVhangeri yaKristu, kuti akusimbisei, nokukutsungisai mwoyo pakutenda kwenyu; 3kuti kurege kuva nomunhu anozununguswa nenhamo idzi, nokuti munoziva mumene kuti takagadzirirwa izvozvo. 4Nokuti tichiri kwamuri takambokuudzai kuti tichatambudzwa; sezvazvakaitika, nemi munoziva. 5Saka iniwo, zvandakanga ndisingachagoni kutsunga, ndakamutuma kuti ndizive kutenda kwenyu, ndichiti zvimwe muedzo wakakuedzai, izvo zvatakabata zvikava pasina.
6Asi zvino Timoti akati asvika kwatiri achangobva kwamuri, akatiudza mashoko akanaka okutenda kwenyu norudo rwenyu, uye kuti munongositifunga nomurangariro wakanaka, muchida kutiona isu sesuo tichida kukuonai imi; 7saka, hama dzangu, takanyaradzwa pamusoro penyu pakutambudzika kwedu kwose nenhamo nokutenda kwenyu; 8nokuti zvino isu tinorarama, kana imi mumire makasimba muna Ishe. 9Nokuti tingavonga Mwari neiko pamusoro penyu nomufaro wose watinofara nawo pamberi paMwari wedu nokuda kwenyu, 10tichingokumbira zvikuru usiku namasikati kuti tione chiso chenyu, kuti tizadzise zvakatairira pakutenda kwenyu?
11Zvino iye Mwari, baba vedu, naIshe wedu Jesu, ngaaruramisire nzira yedu kwamuri; 12ishe akukurisei, akuwanzisirei rudo pakati penyu nokuna vose, sezvatinoita isu kwamuri, 13asimbise mwoyo yenyu kuti ive isina chaingapomerwa pautsvene pamberi paMwari, baba vedu, pakuya kwaIshe wedu Jesu pamwechete navatsvene vake vose.
Zvasarudzwa nguva ino
1 VaTesaronika 3: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002

: