1 VaTesaronika 4
4
Unovarayira kuti vave vatsvene, vadane, vashingaire pabasa
1Naizvozvo pakupedzisira, hama dzangu, tinokumbira kwamuri, nokukurayirai muna Ishe Jesu, kuti, sezvamadzidza kwatiri mutoo wamunofanira kufamba nokufadza Mwari nawo, sezvamunofambawo, kuti muwanze nokunzwisisa panaizvozvo. 2Nokuti munoziva mirayiro yatakakupai naIshe Jesu. 3Nokuti kuda kwaMwari ndihwo utsvene hwenyu, murege upombwe; 4kuti mumwe nomumwe wenyu azive kuzviwanira mudziyo wake noutsvene nokukudzwa, 5asingaiti nokukara kwokuchiva, savahedheni, vasingazivi Mwari; 6munhu ngaarege kuitira hama yake zvakaipa kana kumunyengera pachinhu ichi, nokuti Ishe ndiye mutsivi wezvinhu izvozvo zvose, sezvatakakuudzaiwo nokukupupurirai kwazvo. 7Nokuti Mwari haana kutidanira tsvina, asi utsvene. 8Naizvozvo anoramba izvozvo, haarambi munhu, asi Mwari, anokupai Mweya wake, iwo Mutsvene.
9Zvino, kana ruri rudo pakati pehama, hamufaniri kuti munyorerwe, nokuti imi mumene makadzidziswa naMwari kuti mudane; 10nokuti ndizvo zvamunoitira hama dzose dzeMakedhonia yose, asi tinokurayirai, hama dzangu, kuti muwanze nokuwanzisisa panaizvozvi; 11shingairirai kuva norugare, mumwe nomumwe abate zvake, muchibata basa namaoko enyu, sezvatakakurairai; 12kuti mufambe nomutoo wakafanira kuna vari kunze, musingashayiwi chinhu.
Kumuka kwavakafa nokudzoka kwaKristu
13Zvino, hama dzangu, hatidi kuti mushayiwe kuziva pamusoro pavavete, kuti murege kuchema savamwe vasina tariro. 14Nokuti kana tichitenda kuti Jesu akafa, akamukazve, saizvozvowo avo vakavata muna Jesu, Mwari achavauyisa pamwechete naye. 15Nokuti tinokuudzai neshoko raIshe, kuti isu vapenyu, vakasara kusvikira pakuuya kwaIshe, hatingatongotangiri vakavata.
16Nokuti Ishe amene achaburuka kudenga nokudanidzira, nezwi romutumwa mukuru, nehwamanda yaMwari; vakafa muna Kristu vachatanga kumuka; 17zvino isu vapenyu, vakasara, tichatorwa pamwechete navo mumakore, kuti tichingamidze Ishe mudenga; naizvozvo tichava naIshe nguva dzose. 18Naizvozvo nyaradzanai namashoko awa.
Zvasarudzwa nguva ino
1 VaTesaronika 4: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002

: