2 VaKorinde 7
7
1Zvino, vadikanwi, zvatine zvipikirwa izvi, ngatizvinatse pamatsvina ose enyama noomweya, tikwanise utsvene pakutya Mwari.
Mufaro waPauro pamusoro pavo kuti vakateerera mashoko etsamba yake
2Mutizarurire mwoyo yenyu; hatina kuitira munhu zvisakarurama, hatina kutadzira munhu, hatina kunyengera munhu. 3Handirevi izvi, kuti ndikupei mhosva; nokuti ndamboreva kuti imi muri mumwoyo medu, kuti tife nokurarama pamwechete nemi. 4Kusatya kwangu kukuru pakutaura kwamuri, nokuzvirumbidza kwangu kukuru pamusoro penyu; ndizere nokunyaradzwa, ndinofara kwazvo pakutambudzika kwedu kwose.
5Nokuti takati tasvika Makedhonia, nyama yedu haina kuzorora, asi takatambudzika pamativi ose; kunze kwaiva nokukakavara, mukati maiva nokutya. 6Asi Mwari, anonyaradza vakaora mwoyo, akatinyaradza nokusvika kwaTito; 7handiti nokusvika kwake bedzi, asiwo nokunyaradzwa, kwaakanyaradzwa nako pamusoro penyu, achitiudza zvechishuo chenyu, nokuchema kwenyu, nokushingaira kwenyu pamusoro pangu; saka ndakanyanya kufara.
8Nokuti kunyange ndakakuchemedzai netsamba yangu, handizvidyi mwoyo; kunyange ndakanga ndichizvidya mwoyo hangu, ndinoona kuti tsamba iyo yakakuchemedzai, asi yakanga iri nguva duku hayo. 9Zvino, handifari kuti makachemedzwa, asi nokuti makachemedzwa mukatendeuka; nokuti makachemedzwa sezvinoda Mwari, kuti murege kurasikirwa nechinhu nokuda kwedu.
10Nokuti kuchema sezvinoda Mwari kunouyisa kutendeuka, kunoisa kukuponwa kusingazvidyi mwoyo; asi kuchema kwenyika kunouyisa rufu.
11Nokuti tarirai kuti chinhu icho chokuti makachemedzwa sezvinoda Mwari, chakauyisa mukati menyu kushingaira kukuru sei, nokuzvidavirira, nokutsamwa, nokutya, nechisuo, nokurwadza mwoyo, nokutsiva. Pazvinhu zvose makazviratidza kuti makachena pachinhu ichi.
12Zvino, kana ndakakunyorerai, handina kuzviita nokuda kwaiye akaita zvisakarurama, kana nokuda kwaiye akaitirwa zvisakarurama, asi kuti kushingaira kwenyu nokuda kwedu kuonekwe nemi mumene pamberi paMwari. 13Nemhaka iyi isu tinonyaradzwa; zvino pakunyaradzwa kwedu takafara zvikuru kwazvo pamusoro pomufaro waTito, nokuti mweya wake wakasimbiswa nemi mose. 14Nokuti kana ndakazvirumbidza nechinhu kwaari pamusoro penyu, handina kunyadziswa; asi sezvatakataura kwamuri zvose nechokwadi, saizvozvowo kuzvirumbidza kwedu pamberi paTito kwakaonekwa kuti ndokwechokwadi. 15Nehanya dzake dzawedzerwa kwamuri, achirangarira kuteerera kwenyu mose, pamakamugamuchira napo nokutya nokudedera.
16Ndinofara kuti pazvinhu zvose ndingakutendai.
Zvasarudzwa nguva ino
2 VaKorinde 7: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002

: