2 VaKorinde 8
8
Zvipo zvakaunganidzirwa varombo vapaJerusaremu
1Zvino tinokuzivisai, hama dzangu, nyasha dzaMwari dzakapiwa pakereke dzeMakedhonia; 2kuti pakati pokuedzwa kukuru kwokutambudzika, mufaro wavo mukuru, pamwechete nourombo hwavo hukuru, zvakawanza zvikuru kusanyima kwavo. 3Nokuti ndinopupura, kuti vakapa nokuda kwavo pavakagona napo, kunyange kupfuura pavakagona napo; 4vakakumbira nokunyengetera kukuru kwatiri kuti tivatendere kuita basa iri renyasha nokusangana pakushumira vatsvene; 5havana kuita sezvatakafunga bedzi, asi ivo vakatanga kuzvipa kuna ishe, nokwatiri, nokuda kwaMwari. 6Naizvozvo takakumbira zvikuru kuna Tito, kuti sezvaakanga atanga, apedzise basa iri renyasha pakati penyuwo. 7Zvino sezvamakapfuurira pazvinhu zvose, pakutenda, napakutaura, napakuziva, napakushingaira kwose, naparudo rwenyu kwatiri, tarirai kuti mupfuure pabasa iri renyashawo.
8Handirevi ndichirayira, asi kuti ndiedze ndizive nokushingaira kwavamwe kana rudo rwenyu ndorwachokwadiwo. 9Nokuti munoziva nyasha dzaIshe wedu, Jesu Kristu, kuti kunyange akanga akapfuma, akava murombo nokuda kwenyu, kuti imi nourombo hwake muve vapfumi.
10Pachinhu ichi ndinokuudzai kufunga kwangu; nokuti zvichakubatsirai, nokuti ndimi makatangira vamwe makei, musingaiti bedzi, asi muchidawo. 11Asi zvino pedzisai kuitawo; sezvamakanga muno mwoyo unoda, saizvozvo pedzisaiwo pamunogona napo. 12Nokuti kana mwoyo wokupa uripo, chipo chinofadza paanapo, kusati kuri paanoshaiwa napo. 13Nokuti handirevi kudaro ndichiti vamwe varerukirwe, imi muremerwe; asi kuti muenzane; 14kuti panguva ino kuwanda kwenyu kubatsire kushayiwa kwavo, kuti kuwanda kwavo kubatsire kushayiwa kwenyuwo; kuti kuve nokuenzana; 15sezvazvakanyorwa, zvichinzi, “Wakaunganidza zvizhinji, haana kusarirwa nechinhu; naiye akaunganidza zvishoma, haana kushayiwa.”
16Zvino Mwari ngaavongwe, wakaisa mumwoyo maTito kushingaira kwakadaro kwamuri. 17Nokuti akanzwa hake kurayira kwedu, asi zvaakanga achishingaira zvikuru, akaenda kwamuri, nokuda kwake hake. 18Zvino takatuma pamwechete naye hama iya, ino rumbidzwa paVhangeri pakereke dzose; 19zvisati zviri izvozvo bedzi, asi iye akasanangurwawo nekereke kuti atiperekedze pabasa iri renyasha, rinoitwa nesu, kuti iye Mwari akudzwe; 20tichizvichenjerera, kuti kurege kuva nomunhu angatipa mhosva pamusoro pezvakawanda izvi, zvatinobata nazvo.
21Nokuti hatitsvaki zvinhu zvakanaka pamberi paIshe bedzi, asi pamberi pavanhuwo.
22Takatumawo navo hama yedu, yatakaedza kazhinji tikaona kuti anoshingaira pazvinhu zvizhinji; asi zvino anonyanya kushingaira nokuda kwokutenda kukuru kwaanako kwamuri.
23Kana ari Tito, ndiye shamwari yangu, nomubatsiri wangu kwamuri; kana dziri hama dzedu, ndivo vapostori vekereke, uye kukudzwa kwaKristu. 24Naizvozvo muvaratidze pamberi pekereke chiratidzo chorudo rwenyu, nechokurumbidza kwedu pamusoro penyu.
Zvasarudzwa nguva ino
2 VaKorinde 8: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002

: