Mabasa 10
10
Konerio anobhabhatidzwa
1Zvino kwakanga kuno mumwe murume paKesaria, ainzi Konerio, mukuru wezana wehondo yainzi Itaria, 2munhu, ainamata noaitya Mwari, iye naveimba yake yose, aipa vanhu zvipo zvizhinji, nokunyengetera kuna Mwari misi yose. 3Zvino nenguva inenge yepfumbamwe yezuva akaona kwazvo, nezvaakaratidzwa, mutumwa waMwari achipinda kwaari, achiti kwaari, “Konerio!”
4Iye akamutarisisa, akatya, akati, “Chinyiko Ishe?” Akati kwaari, “Minyengetero yako nezvipo zvako zvakwira pamberi paMwari, zvarangarirwa. 5Zvino tuma varume Jopa kundodana Simoni, anotumidzwa Petirosi. 6Anogara nomumwe anonzi Simoni, musuki wamatehwe, imba yake iri pagungwa.” 7Zvino mutumwa, akataura naye, akati abva, akadana varanda vake vaviri nomurwi wakarurama pakati pavaisimushumira, 8akavaudza zvose, ndokuvatumira Jopa.
9Zvino fume mangwana vachiri parwendo, vava pedyo neguta, Petirosi akakwira pamusoro peimba kundonyengetera nenguva inenge yechitanhatu.
10Akaziya kwazvo, akada kudya; zvino vakati vachagadzira, akabatwa mweya; 11akaona denga razarurwa nechimwe chinhu chichiburuka somucheka mukuru unoburusirwa pasi wakasungwa miromo mina. 12Maiva nemhuka dzose dzina makumbo mana nezvinokambaira zvenyika, neshiri dzedenga. 13Izwi rikauya kwaari, richiti, “Simuka Petirosi, baya, udye.” 14Asi Petiro akati, “Kwete, Ishe, nokuti handina kutongodya chinhu chisakanaka, chine tsvina.”
15Ipapo izwi rikauyazve kwaari rwechipiri, richiti, “Chakanatswa naMwari, usati, chine tsvina iwe.” 16Izvozvo zvakaitwa katatu, chinhu chikakwidzwa pakarepo kudenga.
17Zvino Petirosi akati achakanganiswa mumwoyo make, kuti chiratidzo chaakanga aona chairevei, tarira varume vakanga vatumwa naKonerio, vamira pasuo vachibvunza imba yaSimoni; 18vakadana, vakabvunza kana Simoni, anonzi Petirosi, agerepo.
19Zvino Petirosi, achafunga chiratidzo, Mweya akati kwaari, “Tarira, varume vatatu vanokutsvaka. 20Zvino simuka, uburuke, uende navo, usinganyunyuti, nokuti ndini ndavatuma.” 21Ipapo Petirosi akaburukira kuvarume avo, akati kwavari, “Tarirai, ndini wamunotsvaka; shoko ramauyira ndereiko?”
22Vakati, “Konerio, mukuru wezana, murume akarurama, anotya Mwari, anorumbidzwa norudzi rwose rwavaJudha, akarayirwa naMwari nomutumwa mutsvene, kuti akudanei kuzouya kumba kwake, kuti anzwe mashoko kwamuri.” 23Ipapo akavadana mumba, akati vagarepo.
Fume mangwana akasimuka akaenda navo; nedzimwe hama dzapaJopa dzikamuperekedza. 24Fumezve mangwana akapinda Kesaria. Zvino Konerio akanga akavamirira, akakokera hama dzake neshamwari dzake dzaidikanwa.
25Zvino Petirosi akati achipinda, Konerio akamuchingamidza, akawira pasi petsoka dzake, akamupfugamira. 26Asi Petirosi akamusimudza, akati, “Simuka, neni ndiri munhuwo.” 27Zvino akati achataura naye, akapinda, akawana vazhinji vakaungana, 28akati kwavari, “Imi munoziva kuti hazvina kufanira kuti muJudha afambidzane nomunhu worumwe rudzi, kana kuuya kwaari. Asi Mwari akandiratidza, kuti ndirege kuti munhu haana kunaka, kana kuti ane tsvina; 29naizvozvo ndauya, ndisingaramba, zvandadanwa; zvino ndinobvunza kuti mandidanireiko.”
30Konerio akati, “Ava mazuva mana kusvikira nguva ino, ini ndakanga ndichinyengetera mumba mangu nenguva yepfumbamwe; ipapo ndikaona murume amire pamberi pangu, ane nguo dzinopenya, 31akati, ‘Konerio, kunyengetera kwako kwanzwikwa, nezvipo zvako zvarangarirwa naMwari. 32Naizvozvo chitumira vanhu Jopa, udane Simoni, anonzi Petirosi; anogara mumba maSimoni musuki wamatehwe, pagungwa.’ 33Naizvozvo ndakakurumidza kutuma kwamuri; zvino maita zvakanaka, zvamauya. Zvino isu tose tiri pano pamberi paMwari kuti tinzwe zvose zvamarayirwa naIshe.”
34Ipapo Petirosi akashamisa muromo wake akati,
“Zvirokwazvo, ndinoona kuti Mwari haazi mutsauri wavanhu; 35asi parudzi rupi norupi, munhu, anomutya, achiita zvakarurama, anogamuchirwa naye.
36“Ndiro shoko, raakatuma kuvana vaIsiraeri, achiparidza mashoko akanaka orugare naJesu Kristu (ndiye Ishe wavose). 37Imi munoziva shoko iro rakaparidzwa paJudhea rose, rakatanga paGariria, shure kwokubhabhatidza kwakaparidzwa naJohani; 38raJesu weNazareta, kuti Mwari akamuzodza naMweya Mutsvene nesimba; iye aipota nyika, achiita zvakanaka, achiporesa vose vakamanikidzwa naDhiabhori; nokuti Mwari aiva naye. 39Nesu tiri zvapupu zvazvose, zvaakaita munyika yavaJudha nomuJerusaremu; ndiye wavakauraya, vachimuturika pamuti.
40“Ndiye akamutswa naMwari nezuva retatu, akamupa simba kuti aonekwe pachena; 41akasaonekwa navanhu vose, asi nezvapupu zvakagara zvatsaurwa naMwari, iyesu, taidya nokunwa naye, amuka kuvakafa. 42Akatirayira kuti tiparidzire vanhu, nokupupura kwazvo kuti ndiye akagadzwa naMwari, kuti ave Mutongi wavapenyu navakafa.
43“Vaporofita vose vanomupupurira kuti nezita rake mumwe nomumwe anotenda kwaari achapiwa ruregerero rwezvivi.”
44Petirosi akati achataura mashoko awa, Mweya Mutsvene akaburuka pamusoro pavose, vakanzwa shoko.
45Zvino vatendi vokudzingisa, vakanga vauya naPetirosi, vakashamiswa, kuti chipo chaMweya Mutsvene chakanga chadururwa pamusoro pavahedheniwo; 46nokuti vakavanzwa vachitaura nedzimwe ndimi, vachirumbidza Mwari. Ipapo Petirosi akapindura, akati, 47“Kuno munhu here angadzivisa mvura, kuti ava, vakapiwa Mweya Mutsvene sesu, varege kubhabhatidzwa?” 48Zvino akarayira kuti vabhabhatidzwe muzita raJesu Kristu. Ipapo vakakumbira kwaari, kuti ambogara mamwe mazuva.
Zvasarudzwa nguva ino
Mabasa 10: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002

: