Mabasa 11
11
Petirosi anozvidavirira paJerusaremu
1Zvino vapostori nehama, vaiva paJudhea, vakanzwa kuti vahedheni vakagamuchirawo shoko raMwari. 2Zvino Petirosi akati akwira Jerusaremu, vatendi vokudzingisa vakaita nharo naye, 3vachiti, “Wakapinda iwe kuvarume vasina kudzingiswa, ukadya navo.”
4Zvino Petirosi akatanga kuvarondedzera zvose, zvichitevedzana, achiti, 5“Ndakanga ndiri muguta reJopa, ndichinyengetera; ndikabatwa mweya, ndikaona chiratidzo; chimwe chinhu chakaburuka, chinenge mucheka mukuru unoburuswa kudenga wakasungwa miromo mina, chikasvika pandiri; 6ndakati ndachitarisisa, nokucherekedza, ndikaona mhuka dzenyika dzina makumbo mana nezvikara, nezvinokambaira, neshiri dzedenga, 7ndikanzwawo izwi richiti kwandiri, ‘Simuka Petirosi, baya, udye.’ 8Asi ini ndikati, ‘Kwete Ishe, nokuti mumuromo mangu hamuna kumbopinda chinhu chisakanaka, chine tsvina.’ 9Asi izwi rakapindura rwechipiri, richibva kudenga, richiti, ‘Icho chakanatswa naMwari, iwe usati, hachina kunaka.’
10“Izvozvo zvakaitwa katatu, zvose zvikakwidzwazve kudenga. 11Ipapo, tarira, pakarepo varume vatatu vamira pamberi peimba, matakanga tiri, vakanga vatumirwa kwandiri, vachibva Kesaria.
12“Ipapo Mweya akandiudza, kuti ndiende navo, ndisinganyunyuti. Nehama idzi nhanhatuwo dzakandiperekedza, tikapinda mumba momurume uyu. 13Iye akatiudzawo kuti akaona mutumwa amire mumba make, achiti, ‘Tumira Jopa, udane Simoni, anonzi Petirosi; 14iye achakuudza mashoko auchaponeswa nawo, iwe nemhuri yako yose.’ 15Zvino ndakati ndichatanga kutaura, Mweya Mutsvene akaburuka pamusoro pavo, sapamusoro peduwo pakutanga. 16Ini ndikarangarira shoko raIshe, rokuti, ‘Johani akabhabhatidza nemvura, asi imi muchabhabhatidzwa naMweya Mutsvene.’
17“Zvino kana Mwari akavapa chipo icho chaakatipa isu, pakutenda kwedu kuna Ishe Jesu Kristu, ini ndaigova ani, aigona kudzivisa Mwari?”
18Zino vakati vanzwa izvozvo, vakanyarara, vakakudza Mwari, vachiti, “Zvirokwazvo, Mwari akapa vahedheniwo kutendeuka kwoupenyu.”
Bhanabhasi naSauro vanoparidza muAndioki
19Zvino avo vakaparadzirwa nokutambudzika kwakamuka pamusoro paSitefano, vakaenda kusvikira paFonikia, neSaipurasi, neAndioki, vasingatauri shoko kumunhu, asi kuna vaJudha bedzi.
20Zvino pakati pavo paiva navamwe varume veSaipurasi neKurene; ivo vakati vasvika Andioki, vakataura kuvaGirikiwo, vachiparidza Ishe Jesu. 21Ruoko rwaIshe rukava navo, vazhinji vakatenda, vakatendeukira kuna Ishe.
22Mashoko avo akanzwika nekereke muJerusaremu, vakatuma Bhanabhasi kuti aende Andioki. 23Iye akati asvika, akaona nyasha dzaMwari, akafara; akarayira vose kuti vanamatire Ishe nomwoyo wakasimba; 24nokuti waiva murume akanaka, azere naMweya Mutsvene nokutenda; vazhinji-zhinji vakawedzerwa kuna Ishe.
25Iye akaenda Taso achindotsvaka Sauro. 26Zvino akati amuwana, akauya naye Andioki. Ipapo vakaungana nekereke gore rose, vakadzidzisa vanhu vazhinji-zhinji; pa Andioki vadzidzi vakatanga kunzi Vakristu.
27Namazuva iwayo vaporofita vakaburuka vachibva Jerusaremu, vakaenda Andioki. 28Mumwe wavo ainzi Agabho, akasimuka, ndokuvazivisa naMweya kuti nzara huru ichavapo panyika yose; iyo ikasvika panguva yaKiraudhiyo. 29Ipapo vadzidzi vakatenderana, kuti mumwe nomumwe paaigona napo atume zvingabatsira hama dzigere Judhea. 30Vakaita kudaro, vakazvitumira naBhanabhasi naSauro kuvakuru.
Zvasarudzwa nguva ino
Mabasa 11: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002

: