Mabasa 12
12
Petirosi anosungwa naHerodhi, ndokubudiswa nomutumwa waIshe
1Zvino nenguva inenge iyeyo mambo Herodhi akatambanudza maoko ake kuti atambudze vamwe vekereke; 2akauraya Jakobho, mukuru waJohani, nomunondo.
3Zvino akati achiona kuti zvafadza vaJudha, ndokupfuura akabatawo Petirosi. Aiva mazuva ezvingwa zvisina mbiriso. 4Zvino akati amubata, akamusunga akamuisa mutorongo, kumapoka mana, rimwe nerimwe rina varwi vana, kuti vamurinde, achiti amuise pamberi pavanhu, kana Pasika yapfuura.
5Naizvozvo Petirosi akachengetwa mutorongo; asi akanga achinyengetererwa zvikuru nekereke kuna Mwari.
6Zvino Herodhi akati oda kumubudisa, usiku ihwohwo Petirosi akanga avete pakati pavarwi vaviri, akasungwa namangetani maviri; navarindi vakanga vachirinda torongo pamberi pomusuo. 7Ipapo tarira, mutumwa waIshe akamirapo, chiedza chikapenya mumba; akarova Petirosi parutivi, ndokumumutsa, achiti, “Muka, ukurumidze.” Ipapo ngetani dzakawa pamaoko ake. 8Mutumwa akati kwaari, “Zvisunge chiuno, usungire shangu dzako.” Akaita saizvozvo. Akati kwaari, “Fuka nguo yako, unditevere.” 9Akabuda, akamutevera, asingazivi kuti zvirokwazvo zvinoitwa nomutumwa; asi akati ndinoona chiratidzo.
10Zvino vakati vapfuura murindi wokutanga nowechipiri, vakasvika pasuo ramatare, pavaipinda napo paguta; rikangovazarukira roga; vakabuda, vakapfuura neimwe nzira, mutumwa ndokubva kwaari pakarepo.
11Petirosi akati apengenuka, akati, “Zvino ndinoziva zvirokwazvo kuti Ishe akatuma mutumwa wake, akandirwira paruoko rwaHerodhi napazvose zvakanga zvichifungwa navanhu vavaJudha.”
12Zvino akati arangarira izvozvo, akaenda kumba kwaMaria, mai vaJohani, ainzi Mako; vazhinji vakanga vakaunganapo, vachinyengetera. 13Zvino akati agogodza pagonhi resuo, musikana ainzi Rhoda akauya kuzoteerera.
14Iye akati achinzwa izwi raPetirosi, akasazarura suo nomufaro, asi akamhanhyira mukati akavaudza kuti Petirosi amire pasuo. 15Ivo vakati kwaari, “Unopenga.” Asi iye akasimbisa achiti, “Ndizvozvo.” Ivo vakati, “Mutumwa wake.”
16Asi Petirosi akaramba achigogodza; vakazozarura, vakamuona, vakashamiswa. 17Zvino iye akavaninira noruoko kuti vanyarare, akavarondedzera mutoo waakabudiswa nawo naIshe patorongo. Akati, “Udzai Jakobho nehama zvinhu izvozvi; ndokubva akaenda kumwe.”
18Zvino kwakati kwaedza, bope guru rikavapo pakati pavarwi, vachiti, “Petirosi aitwa sei.”
19Herodhi akati amutsvaka, akamushayiwa, ndokubvunzisisa varindi, akarayira kuti vandourawa. Zvino akaburuka Judhea, akaenda Kesaria, akandogarako.
20Zvino akatsamwira zvikuru vanhu veTire neSidhoni; ivo ndokuuya kwaari vose pamwechete, vakaita ushamwari naBhurasito, mutariri weimba yamambo, vakakaumbira rugare, nokuti nyika yavo yaipiwa zvokudya nenyika yamambo.
21Ipapo nezuva rakanga ratarwa, Herodhi akafuka nguo dzoumambo, akagara pachigaro chake choushe, akataura kwavari. 22Ipapo vanhu vakadanidzira vachiti, “Izwi raMwari, harizi romunhu.” 23Pakarepo mutumwa waIshe akamurova, nokuti akanga asina kukudza Mwari; akadyiwa nehonye, akafa.
24Asi shoko raMwari rakakura, rikawanda.
25Zvino Bhanabhasi naSauro, vakati vapedzisa basa ravo, vakadzokera Jerusaremu, vakaenda naJohani, ainzi Mako.
Zvasarudzwa nguva ino
Mabasa 12: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002

: