Mabasa 13
13
Bhanabhasi naSauro vanotumwa kuvahedheni
1Zvino pakereke yapaAndioki paiva navaporofita navadzidzisi, vaiti: Bhanabhasi naSimeoni, ainzi Nigeri, naRukio weKurene, naManaeni akanga arerwa pamwechete naHerodhi mubati, naSauro. 2Vakati vachishumira Ishe, nokuzvinyima zvokudya, Mweya Mutsvene akati, “Nditsaurirei Bhanabhasi naSauro kubata basa randakavadanira.”
3Ipapo vakazvinyima zvokudya, vakanyengetera, vakaisa maoko pamusoro pavo, ndokuvaendesa.
Vanodziviswa naErimasi paPafosi
4Naizvozvo vakati vatumwa noMweya Mutsvene, vakaburukira Serukia; vakabvapo, vakenda Saipurasi nechikepe.
5Vachisvika paSarami, vakaparidza shoko raMwari mumasinagoge avaJudha. Vakanga vana Johaniwo, aiva mubatsiri wavo. 6Vakati vagura chivi chose kusvikira paPafosi, vakawana imwe n'anga, aiva muporofita wenhema, muJudha, zita rake rainzi BhariJesu.
7Aigara pamubati wenyika, ainzi Segio Pauro, munhu akachenjera. Iye ndokudana Bhanabhasi naSauro, achitsvaka kunzwa shoko raMwari. 8Asi n'anga iyo Erimasi (nokuti ndiro zita rake, kana richishandurwa), akavadzivisa, achitsvaka kutsausa mubati pakutenda.
9Asi Sauro (ndiye Paurowo), azere noMweya Mutsvene, akamutarisisa, akati, 10“Iwe, uzere nokunyengera kwose namano akaipa ose, mwanakomana waDhiabhori, muvengi wokururama kwose, hauregi here kutsausa nzira dzakarurama dzaIshe? 11Zvino, tarira, ruoko rwaIshe ruri pamusoro pako; uchava bofu, uchaita nguva usingaoni zuva.” Pakarepo mhute nerima zvikamuwira; akapota-pota, achitsvaka vangamusesedza noruoko. 12Zvino mubati akati achiona zvaitika, akatenda, akashamiswa nedzidziso yaIshe.
Pauro anoparidza muAndioki yomuPisidhia
13Zvino Pauro navaiva naye, vakabva Pafosi, ndokusvika Pega muPamufiria; Johani akabva kwavari, ndokudzokera Jerusaremu. 14Asi ivo vakabva Pega, vakasvika Andioki paPisidhia; vakapinda musinagoge nezuva reSabata, ndokugara pasi. 15Zvino murayiro navaporofita zvakati zvarawa, vabati vesinagoge vakatuma shoko kwavari, vachiti, “Varume, hama, kana mune shoko rokuvaraidza vanhu, taurai henyu.” 16Ipapo Pauro akasimuka, akavaninira noruoko, akati,
“Varume vaIsiraeri, nemi munotya Mwari, teererai, 17Mwari wavanhu ava vaIsiraeri akatsanangura madzibaba edu, akaudza vanhu ava, vachiti vatorwa munyika yeIjipiti; akavabudisa mairi noruoko rune simba, 18akava nomwoyo murefu nemitoo yavo murenje makore anenge makumi mana, 19akaparadza marudzi manomwe munyika yeKanani, akavagovera nyika yavo nemijenya, ive nhaka yavo makore anenge mazana mana namakumi mashanu. 20Shure kwaizvozvo akavapa vatongi kusvikira kumuporofita Samueri. 21Pashure vakakumbira mambo; Mwari akavapa Sauro, mwanakomana waKisi murume worudzi rwaBhenjamini, makore makumi mana.
22“Akamubvisa akamutsa Dhavhidhi, kuti ave mambo wavo, waakapupura, achiti, ‘Ndawana Dhavhidhi, mwanakomana waJese murume womwoyo wangu, achaita kuda kwangu kwose.’ 23Parudzi rwaiyeyo, Mwari akamutsira vaIsiraeri Muponesi Jesu, sezvaakanga avapikira; 24iye asati asvika, Johani akamboparidzira vanhu vaIsiraeri rubhabhatidzo rwokutendeuka. 25Zvino Johani akati opedzisa basa rake, akati, ‘Munoti, ndini aniko? Handizi iye. Asi tarirai, shure kwangu mumwe anouya, wandisakafanira kuti ndisunungure shangu dzetsoka dzake.’
26“Varume, hama, vana vorudzi rwaAbhurahamu, navari pakati penyu vanotya Mwari, shoko roruponeso urwu rakatumirwa isu. 27Nokuti vaigara Jerusaremu navabati vavo, zvavakanga vasingamuzivi iye, kana mazwi avaporofita, anorawa Sabata rimwe nerimwe, vakaazadzisa pakumupa mhaka kwavo.
28“Kunyange vasina kuwana mhosva yorufu kwaari, vakakumbira kuna Pirato kuti aurawe. 29Zvino vakati vapedza zvose zvakanyorwa pamusoro pake, vakamuturura pamuti, vakamuviga mubwiro. 30Asi Mwari wakamumutsa kuvakafa; 31akaonekwa mazuva mazhinji navakanga vakwira naye Jerusaremu, vachibva Gariria, avo vari zvapupu zvake zvino kuvanhu. 32Isu tinokuparidzirai chipikirwa chakaitirwa madzibaba edu. 33Kuti Mwari wakachiita kuvana vedu, achimutsa Jesu; sezvakanyorwawo paPisarema rechipiri, panoti, ‘Ndiwe Mwanakomana wangu, nhasi ndakakubereka.’ 34Uye kuratidza kuti akamumutsa kuvakafa, kuti arege kuzodzokerazve kuora, akareva kudai, ‘Ndichakupai mikomborero mitsvene inotendwa yaDhavhidhi.’
35“Ndokuti anoreva pane rimwe Pisarema, achiti, ‘Hamungaisi Mutsvene wenyu kuti aone kuora.’ 36Nokuti Dhavhidhi akati aita kuda kwaMwari parudzi rwake, akavata rufu, akavigwa kuna madzibaba ake, akaona kuora. 37Asi uyu, akamutswa naMwari haana kuora. 38Naizvozvo varume hama muzive imi, kuti kuregererwa zvivi nouyu, inokuparidzirwai imi. 39Nouyu, mumwe nomumwe anotenda, anoruramiswa pazvose, zvamakanga musingagoni kururamiswa pazviri nomurayiro waMosesi. 40Naizvozvo chenjerai, kuti murege kuwirwa nezvakarehwa navaporofita, zvinoti,
41‘Tarirai, imi vazvidzi, mushamiswe, muparare;
Nokuti ndinobata basa pamazuva enyu,
basa ramucharamba kutongotenda,
kana muchizviudzwa nomunhu.’ ”
42Zvino vakati vachibuda musinagoge, vakakumbira zvikuru kuti vaparidzirwezve mashoko iwayo neSabata rinotevera. 43Zvino vesinagoge vakati vapararira, vaJudha vazhinji navapanduki vainamata Mwari, vakatevera Pauro naBhanabhasi; ivo vakataurirana navo, vakavarayira kuti varambire panyasha dzaMwari.
44NeSabata rakatevera guta rinenge rose rakaungana kuzonzwa shoko raMwari. 45Zvino vaJudha vakati vachiona vanhu vazhinji, vakazara negodo, vakaramba zvakarehwa naPauro, vachimhura Mwari. 46Ipapo Pauro naBhanabhasi vakataura vasingatyi vakati, “Zvakanga zvakafanira kuti shoko raMwari ritange kutaurirwa imi, asi zvamariramba, muchiti, hamufanirwi noupenyu husingaperi, tarirai, zvino toenda kuvahedheni. 47Nokuti Ishe wakatirayira saizvozvo, achiti,
‘Ndakakuisa kuti uve chiedza chavahedheni,
Kuti uve ruponeso kusvikira kumugumo wenyika.’ ”
48Zvino vahedheni vakati vachinzwa izvozvo, vakafara, vakakudza shoko raIshe; navose vakanga vatarirwa upenyu husingaperi vakatenda.
49Shoko raIshe rikaparidzirwa kunyika yose.
50Asi vaJudha vakakurudzira vakadzi vainamata Mwari, vaikudzwa, navakuru veguta; vakamutsira Pauro naBhanabhasi dambudziko, vakavadzinga munyika yavo. 51Asi ivo vakazunza guruva patsoka dzavo, vakaenda Ikonio.
52Vadzidzi vakaramba vachizadzwa nomufaro noMweya Mutsvene.
Zvasarudzwa nguva ino
Mabasa 13: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002

: