Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 20

20
Anomutsa Yutiko paTuroasi
1Bopoto rakati ranyarara, Pauro akadana vadzidzi, akavarayira, ndokuonekana navo, akabva achida kuenda Makedhonia. 2Akagura namativi enyika idzo, akarayira vatendi namashoko mazhinji, ndokusvika panyika yavaGiriki. 3Akati agara mwedzi mitatu, rangano yakaipa ikaitwa navaJudha pamusoro pake, oda kuenda Siria nechikepe, akati ndodzokera napaMakedhonia. 4Akaperekedzwa naSopato weBhereya, mwanakomana waPiro; naArisitakusi naSekundo veTesaronika; naGayo weDhebhe, naTimotio; uye Tikiko naTirofimo veAsia. 5Ivo vakatungamira, vakatimirira paTuroasi.
6Isu tikabva Firipi nechikepe mazuva ezvingwa zvisina mbiriso apfuura; tikasvika kwavari paTuroasi namazuva mashanu; tikagarapo mazuva manomwe.
7Zvino nomusi wokutanga wevhiki, takaungana kuti timedure chingwa, Pauro akataurirana navo, achida kuenda mangwana; akaramba achiparidza shoko kusvikira pakati pousiku. 8Kwakanga kune mwenje mizhinji muimba yokumusoro, matakanga taungana.
9Zvino pawindo pakanga pagere rimwe jaya, rainzi Yutiko, rikabatwa nehope kwazvo; zvino Pauro, akati achingoramba achiparidza, iye akabatwa nehope, akawira pasi, achibva paimba yechitatu yokumusoro, akasimudzwa afa. 10Ipapo Pauro akaburuka, akazviwisira pamusoro pake, akamufungatira, akati, “Musaita bopoto, nokuti mweya wake uchiri maari.” 11Akakwira, akamedura chingwa, akadya, akataura navo nguva refu kusvikira kuchiedza, ndokuenda.
12Vakauya nomukomana ari mupenyu, vakanyaradzwa kwazvo.
13Asi isu takatungamirira kuchikepe, tikaenda Aso, tichida kutora Pauro ipapo, nokuti akanga arayira saizvozvo, iye achida kufamba namakumbo. 14Tikati tasangana naye paAso, tikamutora, tikandosvika Mitirene; 15tikabva ipapo nechikepe, fume mangwana tikasvika pakatarisana neKiyo; fumwe mangwana tikapfuura napaSamo; fumwe mangwanazve tikasvika Mireto. 16Nokuti Pauro akanga ati, ndichapfuura Efeso nechikepe, kuti arege kunonoka paAsia; nokuti akanga achikurumidza kuti kana aizvigona ave Jerusaremu nezuva rePendekositi.
Pauro anorayira vakuru veEfeso
17Zvino iye ari paMireto, akatumira Efeso kundodana vakuru vekereke. 18Vakati vasvika kwaari, akati kwavari, “Imimunoziva mugariro wangu pakati penyu nguva dzose, kubva pazuva rokutanga randakasvika naro paAsia; 19ndichibatira Ishe nokuzvininipisa zvikuru, nemisodzi, namadambudziko akandiwira nerangano dzakaipa dzavaJudha; 20kuti handina kutya kukuparidzirai zvingakubatsirai nokukudzidzisai pachena padzimba dzose; 21ndichipupurira kwazvo vaJudha navaGiriki, kuti vatendeukire kuna Mwari, nokutenda kuna Ishe wedu Jesu.
22“Zvino tarirai, ndinoenda Jerusaremu, ndasungwa mweya wangu, ndisingazivi zvichandiwira ikoko; 23asi kuti Mweya Mutsvene unondipupurira kwazvo muguta rimwe nerimwe, kuti kusungwa nenhamo zvakandigarira. 24Asi handina hanya noupenyu hwangu, handihudi, kuti ndipedze rwendo rwangu nebasa randakapiwa nalshe Jesu, rokupupura kwazvo Vhangeri yenyasha dzaMwari. 25Zvino tarirai, ndinoziva kuti imi mose, vandakafamba pakati penyu, ndichiparidza ushe hwaMwari, hamuchazooni chiso changu. 26Naizvozvo ndinokupupurirai nhasi kuti ndakachena paropa ravanhu vose. 27Nokuti handina kutya kukuparidzirai kuda kwose kwaMwari. 28Zvichenjerei imi, neboka rose ramakaitirwa vatariri varo naMweya Mutsvene, kuti mufudze kereke yaMwari, yaakatenga neropa rake.
29“Ini ndinoziva kuti kana ndaenda, mapere anoparadza achapinda pakati penyu, asingaregi boka. 30Uye, napakati penyu pamene pachamuka varume, vachataura zvinopesanisa, kuti vatsause vadzidzi vavatevere. 31Naizvozvo rindai, murangarire kuti makore matatu handina kurega usiku namasikati kurayira mumwe nomumwe nemisodzi.
32“Zvino ndinokuisai kuna Ishe, neshoko renyasha dzake, iye ane simba rokukuvakisai, nokukupai nhaka pakati pavakaitwa vatsvene vose. 33Handina kuchochora sirivha, kana ndarama, kana nguo dzomunhu mumwe. 34Munoziva imi mumene, kuti maoko awa akabatsira kushayiwa kwangu nokwavanhu vandaiva navo. 35Pazvinhu zvose ndakakuratidzai, kuti muchibata muchidai, munofanira kubatsira vasina simba, nokurangarira mashoko aIshe Jesu, sezvakataura amene achiti, ’Kupa kuno mufaro chaiwo kupfuura kugamuchira.’ ”
36Akati ataura izvozvo, akapfugama, akanyengetera navo vose. 37Vakachema zvikuru vose; vakawira pamutsipa waPauro, vakaonekana naye nokumutsvoda, 38vane shungu kwazvo neshoko raakataura rokuti havachazooni chiso chake. Ipapo vakamuperekedzera kuchikepe.

Zvasarudzwa nguva ino

Mabasa 20: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda