Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 23

23
1Zvino Pauro akati achitarisisa kumakurukota, akati, “Varume, hama, ini ndakafamba pamberi paMwari nehana yakarurama kusvikira zuva ranhasi.” 2Ipapo Ananiasi, mupristi mukuru, akarayira vakanga vamire naye, kuti vamurove muromo. 3Ipapo Pauro akati kwaari, “Mwari achakurova iwe, rusvingo rwakacheneswa; ugerepo kuti unditonge nomurayiro, zvino worayira kuti ndirohwe, uchidarika murayiro here?”
4Vakanga vamirepo vakati, “Ko unotuka mupristi mukuru waMwari here?”
5Pauro akati, “Hama dzangu, ndakanga ndisingazivi kuti ndiye mupristi mukuru; nokuti kwakanyorwa, kuchinzi, ‘Usataura zvakaipa pamusoro pomubati wavanhu vako.’ ”
6Zvino Pauro akati achiona kuti vamwe ndivaSadhusi navamwe vaFarisi, akadanidzira mumakurukota, akati, “Varume, hama, ini ndiri muFarisi, mwanakomana wavaFarisi, ndinotongwa pamusoro petariro nokumuka kwavakafa.”
7Akati adaro, kupesana kukavapo pakati pavaFarisi navaSadhusi; ungano ikaparadzana.
8Nokuti vaSadhusi vaiti hapana kumuka kwavakafa, kana mutumwa, kana mweya; asi vaFarisi vaitenda izvozvo zvose. 9Zvino bope guru rikavapo; vamwe vanyori vokuvaFarisi vakasimuka vakaita nharo, vachiti, “Hationi chinhu chakaipa kumunhu uyu; zvimwe mweya akataura naye, kana mutumwa.”
10Zvino kupesana kukuru kuchida kumuka, mukuru wechiuru chamazana akatya kuti Pauro angabvamburwa navo, akarayira varwi kuti vaburuke, vamubvute pakati pavo, vamuise muimba yavarwi.
11Usiku hwakatevera, Ishe akamira naye, akati, “Tsunga mwoyo, sezvawakandipupurira kwazvo paJerusaremu, unofanira kupupura paRomawo.”
Vamwe vaJudha vanozvisunga kuuraya Pauro; anoiswa Kesaria
12Zvino kwakati kwaedza, vaJudha vakaita rangano, vakazvisunga nokupika, vachiti, havangadyi kana kunwa kusvikira vauraya Pauro. 13Vakanga vaita rangano iyo, vakapfuura makumi mana. 14Ava vakaenda kuvapristi vakuru navakuru, vakati, “Tazvisunga nokupika kukuru, kuti hatingadyi chinhu, kusvikira tauraya Pauro.
15“Naizvozvo zvino imi, namakurukota, muzivise mukuru wechiuru chamazana, kuti amuburusire kwamuri, muchiita somunoda kunatsobvunzisisa mhosva yake; isu tazvigadzira kuti timuuraye, asati aswedera.”
16Zvino mwanakomana wehanzvadzi yaPauro akanzwa zvokuvandira kwavo, akaenda, akapinda mumba mavarwi, akaudza Pauro.
17Ipapo Pauro akadana mumwe wavakuru vezana, akati, “Isa jaya iri kumukuru wechiuru chamazana; nokuti ane shoko raanoda kumuudza.” 18Naizvozvo akamutora, akaenda naye kumukuru wechiuru chamazana, akati, “Pauro musungwa, akandidana, akakumbira, kuti ndiuye nejaya iri kwamuri; ane shoko raanoda kukuudzai.”
19Mukuru wechiuru chamazana akabata ruoko rwake, akaenda naye vari voga, akamubvunza vari voga, akati, “Une shoko reiko, raunoda kundiudza?”
20Iye akati, “VaJudha vakatenderana kukumbira kwamuri, kuti muburuse Pauro kumakurukota mangwana, muchiita somunoda kunatsobvunzisisa mhosva yake. 21Naizvozvo musavatenda; nokuti pakati pavo kuna varume vanopfuura makumi mana vanomuvandira vakazvisunga nokupika, kuti havangadyi, kana kunwa, kusvikira vamuuraya; zvino vakazvigadzira, vakatarira tendere inobva kwamuri.”
22Naizvozvo mukuru wechiuru chamazana akaendesa jaya, akamurayira, achiti, “Usaudza munhu, kuti wandizivisa izvozvo.”
23Zvino akadana vakuru vezana vaviri, akati, “Gadzirai varwi vana mazana maviri, navanotasva mabhiza vana makumi manomwe, navana mapfumo vana mazana maviri, vaende Kesaria nenguva yechitatu yousiku; 24muvatsvakire zvipfuo, kuti vatasvise Pauro, vagonatsomuisa kumubati Ferikisi.” 25Akanyora tsamba yakanga ichiti,
26“Kiraudhio Risiya, kuna Ferikisi, mubati wakakurumbira kwazvo, kwaziwai! 27Uyu munhu akabatwa navaJudha, akanga oda kuurawa navo, ini ndikasvika navarwi, ndikamurwira, zvandakanzwa kuti muRoma. 28Zvino ndakati ndichida kuziva mhosva yavakamukwirira nayo, ndikamuburusira kumakurukota avo; 29ndikawana kuti wakwirirwa pamusoro pamashoko omurayiro wavo, asi asina mhosva yechinhu chingafanira rufu kana kusungwa.
30“Zvino ndakati ndaudzwa, kuti voda kuvandira munhu uyu, ndikamutumira kwamuri pakarepo, ndikarayira vanomukwirira kuti vataure pamberi penyu mhosva yake.”
31Zvino varwi vakatora Pauro sezvavakarayirwa, vakamuisa Andipatisi usiku. 32Fume mangwana vakarega vatasvi vamabhiza, kuti vaende naye, ivo vakadzokera kuimba yavarwi.
33Vaya vakati vasvika Kesaria, vakapa mubati tsamba, vakaisawo Pauro pamberi pake. 34Akati arava, akabvunza kuti ndowenyika ipi; zvino akati anzwa kuti ndoweKirikia, 35akati, “Ndichakunzwa kwazvo, kana vanokukwirira vasvikawo;” akarayira kuti achengetwe mumba maHerodhi.

Zvasarudzwa nguva ino

Mabasa 23: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda