Mabasa 24
24
Pauro anozvidavirira pamberi paFerikisi
1Zvino mazuva mashanu akati apfuura, Ananiasi, mupristi mukuru, akaburuka navamwe vakuru, nomumwe mureveri, ainzi Terituro; vakamhan'arira Pauro kumubati. 2Iye akati adanwa, Terituro akatanga kumupomera mhosva achiti,
“Zvatinoona rugare rukuru nemi, norudzi urwu zvarunoruramisirwa mhosva nokubata kwenyu kwakanaka; 3tinozvigamuchira nemitoo yose napanzvimbo dzose nokuvonga kukuru, imi, Ferikisi akakurumbira zvikuru. 4Asi, zvandisingadi kukunonotsai, ndinokumbira kwamuri, kuti mutinzwe nengoni dzenyu zvishomanene. 5Nokuti takaona kuti murume uyu wakashata kwazvo, anomutsa bope pavaJudha vose panyika dzose, ari mutungamiriri weboka ravaNazareni. 6Iye akaidzawo kushatisa temberi, tikamubata, [tichida kumutonga nomurayiro wedu. 7Asi Risiya, mukuru wechiuru chamazana, ndokuuya, akamubvisa mumaoko edu nesimba guru, 8akarayira vanomupomera kuti vauye pamberi penyu.] Kana mukamubvunzisisa mumene, muchagona kuziva izvozvo zvose zvatakamukwirira nazvo.” 9NavaJudha vakabvumirawo pakumhan'ara, vakasimbisa kuti zvinhu izvozvo ndizvo.
10Zvino mubati akati amuninira, kuti ataure, Pauro akapindura, akati, “Zvandinoziva kuti mava mutongi wavanhu ava makore mazhinji, ndinozvidavirira nomufaro, 11nokuti munzwe kuti mazuva achigere kupfuura gumi namaviri, kubvira panguva yandakakwira Jerusaremu kundonamata.
12“Havana kundiwana ndichiita nharo mutemberi nomunhu, kana muguta; 13havangagoniwo kusimbisa kwamuri izvo zvavanondipomera nazvo zvino. 14Asi ndinotenda hangu kwamuri, kuti ndinoshumira Mwari wamadzibaba edu neNzira, yavanoti idzidziso yakatsauka, ndichitenda zvose zvomurayiro nezvakanyorwa pavaporofita; 15ndine tariro kuna Mwari, iyo yavanotendawo vamene, kuti kuchavapo kumuka kwavakafa kwavakarurama navasakarurama.
16“Pachinhu ichi ndinoedza zvikuru kuti misi yose ndive nehana isina mhosva kuna Mwari nokuvanhu.
17“Zvino makore mazhinji akati apfuura, ndakauya nezvipo nezvibayiro kuvanhu vangu.
18“Ndizvozvo zvavakandiwana ndichiita mutemberi, ndanatswa, ndisina vanhu vazhinji, kana bopoto; 19asi vamwe vaJudha veAsia vaivapo, ivo vaifanira kuva pano pamberi penyu, kundipomera mhosva, kana vaiva nechinhu neni.
20“Kunyange navava ngavareve vamene chisakarurama chavakawana, musi wandakamira pamberi pamakurukota, 21asi shoko iri bedzi, randakadanidzira, ndimire pakati pavo, ndichiti, ‘Ndinotongwa nhasi pamusoro pokumuka kwavakafa.’ ”
22Asi Ferikisi, zvaakazivisisa zvakanaka Nzira iyo, akavavetsa, achiti, “Kana Risiya, mukuru wechiuru chamazana aburukira pano ndichanatsobvunzisisa mhaka yenyu.” 23Akarayira mukuru wezana kuti Pauro achengetwe, arerusirwe, uye kuti varege kudzivisa mumwe wokwake kumushumira.
24Zvino mamwe mazuva akati apfuura, Ferikisi akasvika, nomukadzi wake Dhurusira, aiva muJudha, akadana Pauro, akamunzwa pamusoro pokutenda kuna Kristu Jesu. 25Zvino akati achitaura zvokururama, nokuzvidzora, nokutonga kunouya, Ferikisi akatya zvikuru, akapindura, akati, “Enda hako zvino; kana ndikazova nenguva yakanaka, ndichakudana.” 26Akatiwo zvimwe achazopiwa mari naPauro; naizvozvo akamudana kazhinji, achitaura naye.
27Asi makore maviri akati apera, Pokio Fesito akapinda panzvimbo yaFerikisi, zvino Ferikisi achida kufadza vaJudha, akasiya Pauro akasungwa.
Zvasarudzwa nguva ino
Mabasa 24: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002

: