Mabasa 27
27
Pauro anoenda Roma
1Zvino kwakati kwatemwa kuti tiende Itaria nechikepe, vakaisa Pauro navamwe vasungwa kumukuru wezana, ainzi, “Jurio, wehondo yaAugusto.” 2Zvino takati tapinda muchikepe cheAdhiramiteni, chakanga choenda napamisha yemhenderekedzo dzeAsia, tikabva tina Arisitakusi muMakedhonia, aibva Tesaronika. 3Fume mangwana tikasvika Sidhoni, Jurio akaitira Pauro zvakanaka, akamutendera kuti aende kushamwari dzake, achengetwe navo.
4Tikabva ipapo, tikapfuura nenyasi kweSaipurasi, nokuti mhepo yakatidzivisa. 5Zvino tikayambuka gungwa reKirikia nePamufiria, tikasvika Mira, musha weRikiya. 6Mukuru wezana akawanapo chikepe cheArekizandiriya, chaienda Itaria, ndokutipinzamo.
7Zvino takanatsofamba mazuva mazhinji, tikasvika pakatarisana neKinidho tichitambudzika, mhepo zvayakanga isingatitenderi kufamba, tikapfuura nenyasi kweKiriti, pakatarisana neSarimoni. 8Tikapfuura napo tichitambudzika, ndokusvika pamwe painzi Zororo Rakanaka, pedyo neguta reRaseya.
9Zvino nguva huru yakati yapfuura, nokufamba negungwa kwava nenjodzi, nokuti nguva yokuzvinyima zvokudya yakanga yatopfuura, Pauro akavarayira, 10akati kwavari, “Varume, ndinoona kuti rwendo rwedu ruchava nokutambudzika nokurasikirwa kukuru, zvisati zviri zvomutoro nechikepe bedzi, asi nokwoupenyu hweduwo.” 11Asi mukuru wezana akaterera mufambisi wechikepe, nomwene wacho, kupfuura zvakarehwa naPauro, 12nokuti zororo zvarakanga risina kunaka kuti vagarepo chando, vamwe vazhinji vakati zviri nani kuti vabvepo, kuti zvimwe vangasvika Fenika vagarepo chando; ndiro zororo reKiriti, rakanga rakatarira mabvazuva kumusoro nezasi.
13Zvino mhepo yezasi yakati ichirira zvishoma, vakati tawana zvatakanga tichivinga, vakabvapo, vakafamba pedyo neKiriti. 14Zvino gare-gare mhepo ine simba, yainzi, “Yurakuro,” ikaburuka ichibva kwairi, ikatiwira.
15Zvino chikepe chakati chichibatwa, tisingagoni kufamba takatarira mhepo, tikachirega, tikaramba tichingotorwa.
16Zvino tikafamba nyasi kwechimwe chiwi chiduku, chainzi Kiraudha, tikanga tokoniwa kusunga igwa. 17Vakati varisimudza, vakatora zvibatsiro, vakasunga chikepe nenyasi; zvino zvavakatya kuti vachakandirwa pajecha reSiritisi, vakaderedza masaira, ndokungotorwa. 18Fume mangwana, zvakatambura kwazvo nedutu remhepo, vakakandira nhumbi kunze; 19nezuva retatu, vakakandira zvinhu zvechikepe kunze namaoko avo.
20Zvino zvatakanga tisina kubudirwa nezuva kana nyeredzi mazuva mazhinji, nedutu guru remhepo richirambira riripo, takatorerwa kutarira kwose kwokuti tichaponeswa.
21Zvino vakati vagara nguva refu vasingadyi, Pauro akamira pakati pavo, akati, “Varume, maifanira kunditeerera, mukasabva Kiriti, mukasawirwa nokutambudzika nokurasikirwa uku. 22Asi zvino ndinokurayirai kuti mutsunge mwoyo; nokuti hakuna angarasikirwa noupenyu hwake pakati penyu, asi chikepe bedzi. 23Nokuti usiku huno mutumwa waMwari, wandiri wake, nowandinoshumirawo, akamira neni, 24akati, ‘Pauro, usatya; unofanira kumira pamberi paKesari; tarira, Mwari akakupa vose vanofamba newe muchikepe.’ 25Naizvozvo, varume, tsungai mwoyo, nokuti ndinotenda Mwari, kuti zvichaitika sezvandakaudzwa. 26Asi tinofanira kukandirwa pane chimwe chiwi.”
27Zvino usiku hwegumi nouna hwakati hwasvika, tichangotorwa-torwa mugungwa reAdhiria, pakati pousiku vafambisi vechikepe vakati voswedera kuneimwe nyika. 28Vakayera kudzika kwemvura, vakawana pakaita mafadhomi makumi maviri; vakapfuura zvishoma, ndokuyerazve, vakawana pakaita mafadhomi ane gumi namashanu. 29Zvino vakatya kuti zvimwe tichawira pamabwe, vakakanda zvimiso zvina neshure kwechikepe, vakachema vachiti kuedze. 30Zvino vafambisi vakati vachida kutiza muchikepe, vakaburusira igwa mugungwa, vachiita savanenge vokanda zvimiso kumuromo wacho. 31Pauro akati kumukuru wezana navarwi, “Hamungararami kana ava vasingagari muchikepe.” 32Ipapo varwi vakagura mabote egwa, vakarirega, rikawa. 33Zvino kwakati kwoedza, Pauro akakumbira zvikuru kwavari vose kuti vadye, achiti, “Nhasi rava zuva regumi nerechina, ramakagara muchizvinyima kudya, musingadyi chinhu.
34“Saka ndinokumbira zvikuru kuti mudye, nokuti ndizvo zvichakuponesai; nokuti hakuna ruvhudzi rumwe ruchaparadzwa pamusoro womumwe wenyu.”
35Akati areva izvozvo, akatora chingwa, akavonga Mwari pamberi pavo vose, akachimedura, ndokutanga kudya iye. 36Ipapo vakatsunga mwoyo vose, vakadyawo vamene. 37Isu tose taiva muchikepe, taiva mazana maviri namakumi manomwe navatanhatu. 38Zvino vakati vaguta, vakarerusa chikepe, vachikandira zviyo mugungwa.
39Kwakati kwoedza, vakasaziva nyika; asi vakaona zororo raiva nejecha, vakarangana kana zvaibvira kuitika, kuti vaise chikepe pariri. 40Ipapo vakagura zvimiso, vakazvisiya mugungwa, vakasunungura zvisungo zvaisunga zvokudzoresa nazvo, vakasimudzira seiri rapamberi kumhepo, vakaruramira kumhenderekedzo.
41Zvino vakati vachisvika paidira makungwa maviri, vakagumirisa chikepe pasi; muromo wacho ukabatwa kwazvo usingazununguki, asi rutivi rwacho rweshure rukavhunika nesimba remvura.
42Zvino varwi vakati zviri nani kuti vasungwa vaurawe, kuti vamwe varege kutiza vachishambira. 43Asi mukuru wezana akada kuponesa Pauro, akavadzivisa zvavakanga vachida kuita; akarayira kuti vanogona kushambira, vatange kuzviwisira mumvura, vabude kunyika; 44vamwe, vasara, vabude vamwe pamatanda, vamwe panezvimwe zvinhu zvechikepe. Naizvozvo zvakaitika kuti vose vakasvika kunyika vari vapenyu.
Zvasarudzwa nguva ino
Mabasa 27: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002