Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 5

5
Ananiasi naSafira
1Zvino mumwe murume, ainzi Ananiasi, akatengesa pfuma yake, ana Safira mukadzi wake, 2akazvikamurira zvimwe pamutengo, mukadzi wake achizivawo, akauya nomumwe mugove, ndokuuisa pamberi pavapostori. 3Asi Petirosi akati, “Ananiasi, Satani wazadzireiko mwoyo wako, kuti ureve nhema kuMweya Mutsvene, nokuzvikamurira zvimwe pamutengo womunda? 4Iwo uchiripo, wakanga usi wako here? Watengeswa, wakanga usina simba nazvo here? Waita seiko, zvawafunga chinhu ichi mumwoyo mako? Hauna kureva nhema kuvanhu, asi kuna Mwari.” 5Ananiasi, akati achinzwa mashoko iwayo, akawira pasi, akabudisa mweya wake; kutya kukuru kukawira vose vakazvinzwa. 6Majaya akasimuka, akamuputira, ndokumutakurira kunze, ndokumuviga.
7Nguva dzinenge senhatu dzakati dzapfuura, mukadzi wake akapinda, asingazivi zvaitwa. 8Petirosi akapindura kwaari akati, “Ndiudze kana makatengesa munda nemari yakadai?” Iye akati, “Hongu, neyakadai.”
9Petirosi akati kwaari, “Maita seiko zvamarangana kuedza Mweya waIshe? Tarira, tsoka dzavakaviga murume wako, dzichiri pamusuo, vachakutakurirawo kunze.”
10Ipapo akawira pasi pakarepo patsoka dzake, akabudisa mweya wake; majaya akapinda, akamuwana afa, ndokumutakurira kunze, ndokumuviga kumurume wake. 11Kutya kukuru kukawira kereke yose navose vakazvinzwa.
12Zviratidzo nezvinoshamisa zvizhinji zvikaitwa pakati pavanhu namaoko avapostori; vose vaiva nomwoyo mumwe pabiravira raSoromoni. 13Asi pakati pavamwe kwakanga kusina munhu akatsunga kuzviisa kwavari; asi vanhu vaivakudza. 14Vatendi vazhinji kwazvo, varume navakadzi, vairamba vachiwedzerwa kuna Ishe. 15Nokudaro vakatakurira varwere munzira dzomumusha, vakavaradzika pamibhedha napanhoo, kuti kana Petirosi achiswederapo, kunyange nomumvuri wake bedzi udzikatire mumwe wavo. 16Navazhinji vamaguta akapoteredza Jerusaremu vakaungana, vachiuya navarwere, navaitambudzika nemweya yetsvina, vakaporeswa.
Vapostori vanobudiswa mutorongo
17Zvino mupristi mukuru akasimuka, navose vaiva naye (vaiva vedzidziso yavaSadhusi), vane godo kwazvo; 18vakabata vapostori vakavaisa mutorongo maipinzwa vanhu vose. 19Asi mutumwa waIshe wakazarura misuo yetorongo usiku, akavabudisa, akati,
20“Endai, mumire mutemberi muchitaura kuvanhu mashoko ose oupenyu uhwu.” 21Vakati vachizvinzwa, vakapinda mutemberi mangwanani, vakadzidzisa. Zvino mupristi mukuru navaiva naye, vakasvika, vakakokera makurukota neungano yose yavakuru vavana vaIsiraeri; vakatumira vanhu kutorongo kuzouya navo. 22Asi varanda vakati vachisvikapo, vakawana vasimo mutorongo vakadzoka, vakavaudza izvozvo, vachiti, 23“Torongo takaiwana yakazarirwa zvakasimba kwazvo, navarindi vakarindira pamisuo; asi takati tichizarura, tikasawana munhu mukati.”
24Zvino mukuru wetemberi, navapristi vakuru, vakati vachinzwa mashoko iwayo, vakakanganiswa pamusoro pazvo, vasingazivi kuti zvinozodini. 25Ipapo mumwe munhu akasvika, akavaudza, achiti, “Tarirai, varume vamakaisa mutorongo, vava mutemberi, vamire vachidzidzisa vanhu.” 26Zvino mukuru navatariri akaenda, akauya navo, vasingaiti nesimba, nokuti vakanga vachitya vanhu, kuti vangatakwa namabwe.
27Vakati vasvika navo, vakavaisa kumakurukota. Mupristi mukuru akavabvunza, 28achiti, “Takakurayirai zvikuru kuti murege kudzidzisa nezita iri, zvino tarirai, mazadza Jerusaremu nokudzidzisa kwenyu, muchida kuti ropa romunhu uyu riuye pamusoro pedu.”
29Zvino Petirosi navapostori vakapindura, vakati, “Tinofanira kuteerera Mwari kupfuura vanhu. 30Mwari wamadzibaba edu akamutsa Jesu, iye wamakauraya muchimuturika pamuti. 31Mwari akamusimudza iye noruoko rwake rworudyi, ave Mutungamiri noMusununguri, kuti ape vaIsiraeri kutendeuka nekanganwiro yezvivi. 32Isu tiri zvapupu zvamashoko iwayo; naMweya Mutsvenewo, wavakapiwa naMwari ivo vanomuteerera.”
33Zvino ivo vakati vachizvinzwa, vakafa neshungu, vakada kuvauraya. 34Ipapo mumwe muFarisi, ainzi Gamarieri, mudzidzisi womurayiro, aikudzwa navanhu vose, akasimuka pamakurukota, akarayira kuti vanhu vabudiswe chinguva chiduku; 35akati kwavari, “Varume vaIsiraeri, chenjerai zvamunoda kuitira vanhu ava. 36Nokuti kare kwakambomuka Tudhasi, achiti, ndiri munhu mukuru, vanhu vanenge mazana mana vakamutevera; iye akaurawa, navose vaimuteerera vakaparadzirwa, nokuparadzwa. 37Shure kwomunhu uyu Judhasi weGariria akamuka, pamazuva okuverengwa, akatsausa vanhu kuti vamutevere; iye akaparara, navose vakamuteerera, vakaparadzirwa. 38Zvino ndinoti kwamuri, musabata vanhu ava, muvarege, nokuti kana kufunga uku nebasa iri zviri zvavanhu, zvichaparadzwa. 39Asi kana zviri zvaMwari, hamungagoni kuzviparadza; kuti zvimwe mungadai muchirwa naMwariwo.” 40Vakamunzwa; ipapo vakati vadana vapostori, vakavarova, vakavarayira kuti varege kutaura nezita raJesu; vakavaregedza.
41Ipapo vakabuda pamakurukota, vachifara, zvavakanzi vakafanirwa ivo kuzvidzwa nokuda kwezita rake. 42Havana kurega kudzidzisa, nokuparidza mazuva ose zvaKristu Jesu, mutemberi kana kudzimba dzavo.

Zvasarudzwa nguva ino

Mabasa 5: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda