Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Genesi 41

41
Josefa anodudzira kurota kwaFarao
1Makore maviri akati apera, Farao akarota hope; akazviona amire parwizi. 2Akaona mhou nomwe dzichikwira dzichibuda murwizi, dzakanga dzakanaka, dzakakora; dzichifura pakati penhokwe. 3Zvino akaona dzimwe mhou nomwe dzichikwira mashure madzo, dzichibva murwizi, dzakanga dzakaipa, dzakaonda; dzikamira nedzimwe mhou pamhenderekedzo yorwizi. 4Zvino mhou dzakaipa, dzakaonda, dzikadya mhou dziya nomwe dzakanaka, dzakakora. Farao akapepuka. 5Akavatazve, akarota rwechipiri; akaona hura nomwe dzezviyo dzakanga dzatumbuka padzinde rimwe, dzakanga dzakakora, dzakanaka, 6akaona hura nomwe, dzakanga dzakatetepa, dzakanga dzapiswa nemhepo yokumabvazuva, dzichibuda shure kwadzo. 7Zvino hura dzakatetepa dzikamedza hura nomwe dzakakora, dzakanga dzizere. Farao akapepuka, akaona kuti arota. 8Zvino fume mangwana mweya wake ukatambudzika, akatuma vanhu kundodana n'anga dzose dzeIjipiti navakachenjera vose voko; Farao akavaudza kurota kwake; asi kwakanga kusina munhu waigona kuzvidudzira kuna Farao.
9Ipapo mukuru wavadiri akaudza Farao, akati, “Nhasi ndinorangarira kutadza kwangu; 10Farao akanga akatsamwira varanda vake, mukandisunga, ndikachengetwa mumba momukuru wavarindi, ini nomukuru wavabiki; 11tikarota hope nousiku humwe, ini naiye; tikarota mumwe nomumwe hope dzine dudziro yadzo. 12Zvino ipapo pakanga panesu jaya romuHebheru, muranda womukuru wavarindi; tikamuudza, iye akatidudzira kurota kwedu; akadudzira mumwe nomumwe sezvaakarota. 13Zvikazoitika sezvaakatidudzira; ini ndakadzoserwa kubasa rangu, asi iye akasungirirwa.”
14Ipapo Farao akatuma munhu kundodana Josefa, akakurumidza kumubudisa mugomba; vakaveura ndebvu dzake nokumufukidza dzimwe nguo; akapinda kuna Farao. 15Farao akati kuna Josefa, “Ndarota hope, asi hakuna munhu anogona kundidudzira idzo; zvino ndanzwa kuti iwe, kana wanzwa kurota, unogona kuzvidudzira.”
16Josefa akapindura Farao, akati, “Kwete, handizini; Mwari ndiye angapa Farao dudziro yorugare.”
17Farao akarondedzera kuna Josefa akati, “Pakurota kwangu ndakazviona ndimire pamhenderekedzo yorwizi; 18ndikaona murwizi muchibuda mhou nomwe, dzakanga dzakakora, dzakanaka; dzikafura pakati penhokwe; 19ndikaonazve dzimwe mhou nomwe dzichikwira shure kwadzo dzine nzara, dzakaipa kwazvo, dzakaonda, handina kumboona dzakaipa dzakadai panyika yose yeIjipiti. 20Zvino mhou idzodzo dzakaonda, dzakaipa, dzikadya, mhou dziya dzakakora dzokutanga; 21dzakati dzadzidya, hadzina kutongozikanwa kuti dzadzidya; asi dzakanga dzakangoipa sapakutanga. Zvino ndikapepuka. 22Ndikaonazve pakurota kwangu hura nomwe dzakanga dzatumbuka padzinde rimwe, dzizere, dzakanaka; 23ndikaonazve dzimwe hura nomwe, dzakaoma, dzakatetepa, dzakapiswa nemhepo yokumabvazuva, dzichibuda shure kwadzo. 24Hura idzodzo dzakatetepa dzikamedza hura nomwe dzakanaka; ndikaudza n'anga, asi kwakanga kusina munhu akagona kundidudzira izvozvo.”
25Ipapo Josefa akati kuna Farao, “Kurota kwaFarao ndokumwe; izvo Mwari zvaanoda kuita, ndizvo zvaakazivisa Farao. 26Mhou nomwe dzakanaka makore manomwe, nehura nomwe dzakanaka makore manomwewo; kurota ndokumwe. 27Mhou nomwe dzakaonda, dzakaipa, dzakakwira shure kwaidzodzo, makore manomwe, nehura nomwe dzakaputa, dzakapiswa nemhepo yokumabvazuva, achava makore manomwe enzara. 28Ndiro shoko randataura kuna Farao; izvo Mwari zvaanoda kuita, ndizvo zvaakaratidza Farao. 29Tarirai, kunouya makore manomwe amaguta kwazvo panyika yose yeIjipiti; 30shure kwaiwayo kuchatevera makore manomwe enzara; ipapo maguta ose achakanganikwa panyika yeIjipiti; nzara ichapedza nyika; 31maguta haangazozikanwi munyika nokuda kwenzara iyoyo inozotevera, nokuti ichanyanya kwazvo. 32Kurota uku kwakapamhidzwa kuna Farao kaviri, nokuti izvozvo zvakatarwa naMwari, uye Mwari achakurumidza kuzviita.
33“Naizvozvo Farao ngaatsvake munhu akangwara, akachenjera, amuite mubati wenyika yeIjipiti. 34Farao ngaaite izvozvo, ngaaise vatariri panyika yose, atore cheshanu chezviyo zvenyika yeIjipiti pamakore manomwe eguta. 35Ngaaunganidze zvokudya zvose zvamakore iwayo akanaka anouya, avige zviyo nomurayiro waFarao, zvive zvokudya mumaguta; vazvichengete. 36Zvokudya izvozvo zvichachengeterwa nyika makore manomwe enzara, ichazovapo panyika yeIjipiti, kuti nyika irege kuparadzwa nenzara.” 37Chinhu ichi chakanga chakanaka kuna Farao navaranda vake vose. 38Farao akati kuvaranda vake, “Ko tingawana mumwe munhu akafanana nouyu, anomweya waMwari maari here?”
39Farao akati kuna Josefa, “Mwari zvaakakuratidza izvozvo zvose, hapana munhu akangwara, akachenjera sewe; 40ndiwe uchava mubati weimba yangu; vanhu vangu vose vacharairwa neshoko rako; asi pachigarao changu choushe ndipo pandichava mukuru kwauri.” 41Zvino Farao akati kuna Josefa, “Tarira, ndakuita mubati panyika yeIjipiti yose.” 42Farao akabvisa chimhete chake paruoko rwake, akachiisa paruoko rwaJosefa, akamufukidza nguo dzomucheka wakanakisa, akamushongedza chiketani chendarama pamutsipa wake; 43akamufambisa nengoro yechipiri yaakanga anayo; vakadanidzira pamberi pake, vachiti, “Pfugamai!” Akamuita mubati wenyika yose yeIjipiti. 44Farao akati kuna Josefa, “Ndini Farao, asi kunze kwako hapana munhu achasimudza ruoko rwake kana rutsoka rwake panyika yose yeIjipiti.” 45Farao akatumidza Josefa zita rinonzi Zafanatipanea; akamupa Asenati, mukunda waPotifari, mupristi weOni, kuti ave mukadzi wake. Josefa akabuda, akafamba nenyika yose yeIjipiti. 46Zvino Josefa akanga ana makore makumi matatu, nguva yaakamira pamberi paFarao, mambo weIjipiti.
Josefa akabuda pamberi paFarao, akafamba, akapota nenyika yose yeIjipiti. 47Nyika ikabereka zvizhinji-zhinji, namakore manomwe amaguta. 48Akaunganidza zvokudya zvose zvamakore manomwe, akanga aripo panyika yeIjipiti, akaviga zvokudya mumaguta; zvokudya zveminda yakanga yakapoteredza guta rimwe nerimwe, akazvivigamo. 49Josefa akaviga zviyo, zvikaita sejecha regungwa, zvizhinji-zhinji, kusvikira akarega kuzviverenga; nokuti zvakanga zvisingagoni kuverengwa.
50Zvino gore renzara risati rasvika, Josefa akaberekerwa vanakomana vaviri, vaakaberekerwa naAsenati, mukunda waPotifari, mupristi weOni. 51Josefa akatumidza wedangwe zita rinonzi Manase, achiti, “Nokuti Mwari akandikanganwisa kutambudzika kwangu kwose neimba yababa vangu yose.” 52Zita rowechipiri akaritumidza Efuremu, achiti, “Nokuti Mwari akandiberekesa vana panyika yokutambudzika kwangu.”
53Zvino makore manomwe amaguta, akanga avapo panyika yeIjipiti, akapera. 54Makore manomwe enzara akatanga kusvika, sezvakataura Josefa; nzara ikavapo panyika dzose; asi panyika yose yeIjipiti pakanga pane zvokudya. 55Zvino vanhu vose veIjipiti vofa nenzara, vakachemera zvokudya kuna Farao; Farao akati kuna vose veIjipiti, “Endai kuna Josefa; itai zvaanotaura kwamuri.” 56Nzara ikavapo panyika dzose; Josefa akazarura matura ose, akatengesera vaIjipiti; nokuti nzara yakanga yakanyanya panyika yeIjipiti. 57Vanhu venyika dzose vakaenda Ijipiti kuna Josefa kuzotenga zviyo; nokuti nzara yakanga yakanyanya panyika dzose.

Zvasarudzwa nguva ino

Genesi 41: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda