Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Genesi 42

42
Jakobho anotuma vanakomana vake kundotenga zviyo Ijipiti
1Zvino Jakobho akaona kuti zviyo zviripo muIjipiti, Jakobho akati kuvanakomana vake, “Munotarirana neiko?” 2Akati, “Ndanzwa kuti zviyo zviripo muIjipiti; burukiraiko, mundotitengerako, tipone, tirege kufa.” 3Ipapo vakoma vaJosefa vane gumi vakaburuka kundotenga zviyo Ijipiti. 4Asi Bhenjamini, mun'una waJosefa, Jakobho haana kumutuma navakoma vake; nokuti akati, “Zvimwe angawirwa nenjodzi.” 5Zvino vanakomana vaIsiraeri vakauya kuzotenga pakati pavamwe vaiuya, nokuti nzara yakanga iripo panyika yeKenani. 6Zvino Josefa akanga ari mubati wenyika; ndiye aitengesera vanhu vose venyika; vakoma vaJosefa vakauya, vakamupfugamira, zviso zvavo zvakatarira pasi. 7Josefa akaona vakoma vake, akavaziva, asi akaita saasingavazivi, akataura nehasha navo, akati kwavari, “Mabvepiko?” Ivo vakati, “Tabva kunyika yeKenani kuzotenga zvokudya.”
8Josefa akaziva vakoma vake, asi ivo havana kumuziva. 9Ipapo Josefa akarangarira kurota kwake kwaakadeya kurota pamusoro pavo, akati kwavari, “Muri vashori, mauya kuzoona kuti nyika yakashama papi.”
10Ivo vakati kwaari, “Kwete, ishe wedu, asi varanda venyu vauya kuzotenga zvokudya. 11Tiri vanakomana vomunhu mumwe chete tose; tiri vanhu vakatendeka, varanda venyu havazi vashori”; 12iye akati kwavari, “Kwete, mauya kuzoona nyika kuti yakashama papi.”
13Ivo vakati, “Isu varanda venyu, tiri vanakomana vane gumi navaviri vomunhu mumwe chete panyika yeKenani; zvino worugotwe ari kuna baba vedu nhasi; mumwe haachisipo.”
14Josefa akati kwavari, “Ndizvo zvandanga ndichitaura kwamuri, ndichiti muri vashori; 15hechi chinhu chamuchaedzwa nacho. Noupenyu hwaFarao, hamungabudi pano kana mun'una wenyu worugotwe asina kuuya pano. 16Tumai mumwe wenyu kuti andotora mun'una wenyu, asi imi muchafanira kugara makasungwa, kuti mashoko enyu aedzwe, kana makatendeka; kana zvisina kudaro, zvirokwazvo, noupenyu hwaFarao muri vashori.” 17Ipapo akavaisa pamwechete vose mutorongo, kuti vachengetwe mazuva matatu.
18Josefa akati kwavari nezuva retatu, “Itai chinhu ichi, mupone; ini ndinotya Mwari; 19kana muri vanhu vakatendeka, mumwe wavanunguna venyu ngaagare akasungwa mutorongo yenyu; asi imi endai makatakura zviyo kundopa mhuri dzenyu dzine nzara. 20Mugouya nomun'una wenyu worugotwe kwandiri; naizvozvo mashoko enyu achasimbiswa, murege kufa.” Vakaita saizvozvo. 21Vakataurirana vachiti, “Zvirokwazvo tine mhosva nokuda kwomun'una wedu, nokuti takaona kutambudzika kwomweya wake musi uya waakatinyengetera, tikaramba kumuteerera; naizvozvo tawirwa nokutambudzika.”
22Ipapo Rubheni akapindura, akati, “Handina kukuudzai here, ndichiti, ‘Regai kutadzira mwana,’ mukaramba kunditeerera? Naizvozvo tarirai, ropa rake rotsvakwa.” 23Zvino vakanga vasingazivi kuti Josefa anonzwisisa, nokuti kwanga kuine mupinduri pakati pavo. 24Ipapo Josefa akabva kwavari, akachema; akadzokerazve kwavari, akataura navo, akatora Simeoni pakati pavo, akamusunga vachizviona. 25Josefa akaraira kuti midziyo yavo izadzwe nezviyo, uye kuti mumwe nomumwe adzoserwe mari yake muhomwe yake, uye kuti vapiwewo mbuva yokufamba nayo; vakaitirwa saizvozvo. 26Ipapo vakatakudza mbongoro dzavo zviyo zvavo, vakaenda. 27Zvino mumwe wavo akati achisunungura homwe yake, kuti ape mbongoro yake zvokudya pavakavata usiku, akawana mari yake; heyo yakanga iri mumuromo wehomwe yake. 28Akati kuhama dzake, “Mari yangu yadzoswa; heyi iri muhomwe yangu; ipapo vakaora mwoyo, vakatarirana, vachibvunda, vakati, ‘Chinyiko ichi chataitirwa naMwari?’ ”
29Vakasvika kuna baba vavo panyika yeKenani, vakavaudza zvose zvakanga zvavawira; 30vakati, “Murume uya, ishe wenyika iyoyo, akataura nesu nehasha, akati, tiri vashori venyika. 31Tikati kwaari, ‘Tiri vanhu vakatendeka, hatizi vashori; 32tiri vanakomana vane gumi navaviri vomunhu mumwe chete, vanakomana vababa vedu; mumwe haachipo, worugotwe ari kuna baba vedu nhasi panyika yeKenani.’ ” 33Zvino murume uya, ishe wenyika, akati kwatiri, “Hechi chinhu chandichaziva nacho kuti muri vakatendeka, ‘Siyai mumwe wenyu kwandiri, mutore zviyo, mundopa mhuri dzenyu dzine nzara, muende.’ 34Mugouyazve kwandiri nomun'una wenyu worugotwe; ipapo ndichaziva kuti hamuzi vashori, asi kuti muri vanhu vakatendeka; ipapo ndichakupai mun'una wenyu, mugotenga panyika ino.”
35Zvino vakati vachidurura homwe dzavo, tarira chiputu chemari yomumwe nomumwe chakanga chiri muhomwe yake; vakati vachiona zviputu zvemari yavo, vakatya ivo nababa vavo. 36Zvino Jakobho akati kwavari, “Manditorera vana; Josefa haachipo, naSimeoni haachipo, zvino moda kutora naBhenjaminiwo; zvinhu zvose izvi zvandiwira.”
37Ipapo Rubheni akataura nababa vake, akati, “Mungauraya henyu vanakomana vangu vaviri, kana ndisingadzoki naye kwamuri; chimuisai henyu mumaoko angu, ini ndichauya nayezve kwamuri.”
38Vakati, “Mwanakomana wangu haangaburuki nemi, nokuti mukoma wake wafa, iye asiyiwa ari oga; kana akawirwa nenjodzi parwendo rwamunofamba, muchaburutsira vhudzi rangu jena kuhwiro nokuchema.”

Zvasarudzwa nguva ino

Genesi 42: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda