Genesi 47
47
Jakobho anokwazisana naFarao
1Zvino Josefa akaenda, akandoudza Farao, akati, “Baba vangu navana vababa vangu vasvika, vachibva kunyika yeKenani, vane makwai avo, nemombe dzavo, nezvose zvavanazvo; zvino, tarirai vari munyika yeGosheni.” 2Akatora varume vashanu kuvana vababa vake, akavaisa pamberi paFarao. 3Farao akati kuvakoma vake, “Basa renyu ndereiko?”
Vakati kuna Farao, “Varanda venyu vafudzi, isu namadzibaba edu tose.” 4Vakati kuna Farao, “Tauya kuzogara tiri vatorwa munyika ino; nokuti hakuna mafuro amakwai avaranda venyu, nokuti kune nzara kunyika yeKenani; zvino tinokumbira kuti varanda venyu vagare munyika yeGosheni.” 5Ipapo Farao akataura naJosefa, akati, “Baba vako navana vababa vako vauya kwauri; 6nyika yeIjipiti iri pamberi pako; baba vako navana vababa vako ngavagare panzvimbo yakaisvonaka panyika ino, ngavagare panyika yeGosheni; kana uchiziva kuti pakati pavo pana varume vakangwara, uvaite vatariri vemombe dzangu.”
7Josefa akapinda naJakobho, baba vake, akavaisa pamberi paFarao; Jakobho akaropafadza Farao. 8Farao akati kuna Jakobho, “Manganiko mazuva amakore oupenyu hwenyu?”
9Jakobho akati kuna Farao, “Mazuva amakore outorwa hwangu makore ane zana namakumi matatu; mazuva amakore oupenyu hwangu akanga ari mashoma hawo, akaipa, haana kusvikira pamazuva amakore oupenyu hwamadzibaba angu pamazuva outorwa hwavo.” 10Jakobho akaropafadza Farao, akabuda pamberi paFarao. 11Zvino Josefa akapa baba vake navana vababa vake pokugara, akavapa nzvimbo panyika yeIjipiti, kuti ive yavo, pakaisvonaka panyika iyo, panyika yeRamesesi, sezvaakarairwa naFarao. 12Josefa akachengeta baba vake, navana vababa vake, navose veimba yababa vake, akavapa zvokudya achiverenga navana vavowo.
Josefa anotengera Farao nyika yose nezvokudya
13Zvino pakanga pasina zvokudya panyika yose, nokuti nzara yakanga iri huru, nyika yeIjipiti nenyika yeKenani dzikaziya nenzara. 14Josefa akaunganidza mari yose yakanga iri panyika yeIjipiti, napanyika yeKenani, yavakatenga zviyo nayo, Josefa akaisa mari iyo mumba maFarao. 15Mari yose yakati yapera munyika yeIjipiti, napanyika yeKenani, vaIjipiti vose vakauya kuna Josefa, vakati, “Tipei zvokudya, nokuti tingafa seiko pamberi penyu? Nokuti mari yapera.”
16Josefa akati, “Uyai nemombe dzenyu, ndikupei zvokudya pamusoro pezvipfuwo zvenyu, kana mari yapera.” 17Zvino vakauya kuna Josefa nezvipfuwo zvavo; Josefa akavapa zvokudya, vachitsinhanha namabhiza, namakwai, nemombe, nembongoro; akavararamisa nezvokudya, vachitsinhanha nezvipfuwo zvavo zvose gore iroro.
18Gore iroro rakati rapera, vakauya kwaari negore rechipiri, vakati kwaari, “Hatingavanziri ishe wedu kuti mari yedu yose yapera, mapoka ezvipfuwo ava ashe wedu; hakuchina chakasara pamberi pashe wedu, asi miviri yedu neminda yedu; 19zvino tingafa seiko pamberi penyu, isu nenyika yedu? Titengei henyu, isu nenyika yedu, tive varanda vaFarao; tipeiwo mbeu, tirarame, tirege kufa, nenyika irege kushanduka iite sango.”
20Zvino Josefa akatengera Farao nyika yose yeIjipiti, nokuti vaIjipiti vakatengesa mumwe nomumwe munda wake, nokuti nzara yakanga iri huru pamusoro pavo, nyika ikava yaFarao. 21Kana vari vanhu akavatamisa kumaguta, kubva kumuganhu mumwe weIjipiti kusvikira kuno mumwe muganhu wayo. 22Asi nyika yavapristi yoga haana kuitenga, nokuti vapristi vakanga vaganhurirwa mugove wavo naFarao; vaidya mugove wavo wavaipiwa naFarao. Naizvozvo havana kutengesa nyika yavo. 23Zvino Josefa akati kuvanhu, “Tarirai, ndakatengera Farao imi nenyika yenyu nhasi, hedzi mbeu, mudyare panyika. 24Nenguva yokukohwa munofanira kupa Farao cheshanu, zvina zvichava zvenyu, zvive mbeu dzeminda, nezvokudya zvenyu, nezvavari mudzimba dzenyu, nezvokudya zvepwere dzenyu.”
25Ivo vakati, “Ndimi makatichengeta; ngatiwane hedu nyasha panashe wedu, tive varanda vaFarao.” 26Josefa akatema mutemo panyika yeIjipiti, uripo nanhasi, kuti Farao apiwe cheshanu; asi nyika yavapristi yoga haina kuva yaFarao. 27Zvino vaIsiraeri vakagara panyika yeIjipiti, panyika yeGosheni, vakazviwanira pfuma imomo, vakabereka vana, vakawanda kwazvo.
Mazuva okupedzisira aJakobho
28Jakobho akagara panyika yeIjipiti makore ane gumi namanomwe; naizvozvo mazuva aJakobho makore oupenyu hwake, akanga ari makore ane zana namakumi mana namanomwe. 29Zvino nguva yokufa kwaIsiraeri yakanga yaswedera, iye akadana mwanakomana wake Josefa, akati kwaari, “Kana ndawana nyasha kwauri, chiisa hako ruoko rwako pasi pechidya changu, undiitire ngoni nezvokwadi; rega hako kundiviga paIjipiti; 30asi kana ndavata namadzibaba angu, undibvise paIjipiti, unondiviga muhwiro hwavo.” Iye akati, “Ndichaita sezvamataura.”
31Vakati, “Ndipikire;” iye akavapikira. Ipapo Isiraeri akakotamira pamusoro wouvato hwake.
Zvasarudzwa nguva ino
Genesi 47: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002