Zvino vanhu vakati votanga kuwanda panyika, vachiberekerwa vanasikana, vanakomana vaMwari vakaona vakunda vavanhu kuti vakanaka, vakazvisarudzira pakati pavose vavakada kuva vakadzi vavo. Ipapo Jehovha akati, “Mweya wangu haungarambi uchigara mumunhu nokusingaperi, zvaari wenyamawo hake; naizvozvo mazuva ake achava makore ane zana namakumi maviri.” Panguva iyo kwakanga kuna vanhu varefu kwazvo panyika, napashurewo, kana vanakomana vaMwari vakapinda kuvanasikana vavanhu, ivo vakavaberekera vana. Ndivo vaiva vanhu vane simba vakare, vakanga vakakurumbira.
Zvino Jehovha wakaona kuti kuipa kwavanhu kwakanga kuri kukuru panyika, nendangariro dzokufunga kwemwoyo yavo dzakanga dzakaipa bedzi nguva dzose. Jehovha akazvidemba pamusoro pokuita kwake vanhu panyika, akava neshungu pamwoyo pake. Jehovha akati, “Ndichaparadza vanhu vandakasika ndivabvise panyika vanhu, nemhuka, nezvinokambaira, neshiri dzedenga; nokuti ndinozvidemba kuti ndakazviita.” Asi Noa wakawana tsitsi pamberi paJehovha.
Marudzi aNoa ndiwo: Noa wakanga ari munhu wakarurama, asina mhosva mumarudzi ake; Noa wakafamba naMwari. Noa akabereka vanakomana vatatu, vaiti: Shemu, naHamu, naJafeti. Nyika yakanga yakaora pamberi paMwari, nyika yakanga izere nokumanikidzana. Mwari akaona nyika kuti yakaora; nokuti vanhu vose vakanga vaodza mufambiro wavo panyika.
Ipapo Mwari wakati kuna Noa, “Kupera kwavanhu vose kwasvika pamberi pangu; nokuti vakazadza nyika nokumanikidzana; tarira, ndichavauraya pamwechete nenyika. Uzviitire areka nomuti wegoferi; uite makamuri muareka, uinamire nechomukati nechokunze nenamo. Unofanira kuiita kudai: Kureba kweareka ngakuve makubhiti ana mazana matatu, nokufara kwayo makubhiti makumi mashanu, nokukwirira kwayo makubhiti makumi matatu. Usiye buri paareka; uripedze kana kwasara kubiti rimwe kubva kumusoro; nomusuo weareka uuise parutivi rwayo; uiite ine dzimba nhatu, mutsara wokutanga, nowechipiri, nowechitatu. Tarira, ini ndinouyisa panyika mvura zhinji, kuti iparadze zvipenyu zvose, zvinomweya woupenyu, pasi pedenga; zvose zviri panyika zvichafa. Asi ndichaita sungano yangu newe; unofanira kupinda muareka, iwe navanakomana vako, nomukadzi wako, navakadzi vavanakomana vako pamwechete newe. Napazvipenyu zvose zvenyama uise muareka zviviri zviviri zvamarudzi ose, kuti zvirarame pamwechete newe; ngazvive mukono nehadzi. Shiri namarudzi adzo, nezvipfuwo namarudzi azvo, nezvinokambaira pasi zvose namarudzi azvo, zvichauya kwauri zviviri zviviri zvamarudzi ose, kuti zviraramiswe. Iwe utore marudzi ose ezvokudya zvose zvinodyiwa, uzviunganidzire kwauri; kuti zvive zvokudya zvako nezvazvo.” Noa akaita saizvozvo; sezvaakarairwa naMwari, wakaita zvose saizvozvo.