VaHebheru 10
10
1Nokuti murayiro zvauno mumvuri wezvinhu zvakanaka zvinouya usati uri mufananidzo chaiwo wezvinhu izvozvo, haungatongogoni kukwanisa avo vanoswedera gore rimwe nerimwe naizvozvo zvibayiro zvavanoramba vachibayira Mwari. 2Dai zvakanga zvakadaro, zvingadai zvisina kupera kubayirwa here? Nokuti vanonamata, kana vakanga vanatswa kamwechete, vangadai vasina kuzoyeudzwa zvivi zvavo. 3Asi nezvibayiro izvozvi vanoyeudzirwa zvivi gore rimwe nerimwe. 4Nokuti ropa renzombe nerembudzi haritongogoni kubvisa zvivi.
5Saka pakusvika kwake panyika, anoti,
“Chibayiro nechipo makazviramba,
asi makandigadzirira muviri,
6hamuna kuda zvibayiro zvinopiswa,
nezvibayiro zvezvivi;
7Zvino ndikati,
‘Tarirai, ndauya,
(Mubhuku yakapetwa makanyorwa nezvangu)
Kuti ndiite kuda kwenyu, imi Mwari.’ ”
8Zvaanoti pakutanga, “Zvibayiro nezvipo, nezvibayiro zvinopiswa, nezvibayiro zvezvivi hamuna kuzvida; hamuna kufadzwa nazvo,” (zviri izvo zvinobayirwa Mwari sezvinoreva murayiro), 9ndokuzoti, “Tarirai, ndauya kuzoita kuda kwenyu.” Anobvisa chokutanga, kuti aise chechipiri. 10Nokuda ikoku takaitwa vatsvene nechibayiro chomuviri waJesu Kristu, chakabayirwa kamwechete.
11Mupristi mumwe nomumwe anomira zuva rimwe nerimwe achishumira, nokubayira kazhinji zvibayiro izvozvo zvimwe, zvisingagoni kubvisa zvivi; 12asi iye akati abayira chibayiro chimwechete pamusoro pezvivi, akagara nokusingaperi kurudyi rwaMwari; 13kubva zvino achimirira kusvikira vavengi vake vaitwa chitsiko chetsoka dzake. 14Nokuti nechibayiro chimwechete akakwanisa nokusingaperi avo vanoitwa vatsvene.
15NoMweya Mutsvene anotipupurirawo; nokuti akatanga, achiti,
16“Iyi ndiyo sungano yandichaita navo
Shure kwamazuva iwayo, ndizvo zvinotaura Ishe;
Ndichaisa mirayiro yangu pamwoyo yavo,
Nokuinyora pakufunga kwavo.”
Ndokuzoti,
17“Zvivi zvavo nokudarika kwavo handichatongozvirangariri.” 18Zvino, kana zvinhu izvi zvakaregererwa, zvivi hazvichabayirwi.
Ngatiswedere nomwoyo wechokwadi
19Naizvozvo, hama dzangu, zvatingatsunga kupinda panzvimbo tsvene neropa raJesu, 20nenzira itsva mhenyu, yaakativambira iye nokupinda kwake pachidzitiro chetemberi, ndiyo nyama yake; 21uye zvatino mupristi mukuru pamhuri yaMwari, 22ngatiswedere nomwoyo wachokwadi, nokutenda kwakasimba, mwoyo yedu yasaswa kuti inatswe pahana yakaipa, nemiviri yedu yakashambidzwa nemvura yakanaka. 23Ngatichengete kwazvo kupupura kwetariro yedu, kuti irege kuzununguka; nokuti iye, akapikira, akatendeka; 24ngatirangarirane, timutsane mwoyo kuti tive norudo namabasa akanaka, 25tisarega kuungana kwedu, sezvinoita vamwe, asi tirayirane; zvikuru zvamunoona kuti zuva roswedera.
Kutadza tichida
26Nokuti kana tichitadza tichida kana tambogamuchira nezivo zvechokwadi, hakuna chine chibayiro pamusoro pezvivi, 27asi kungomirira tichitya kutongeswa nokutsamwa kunopfuta somoto, kuchapedza vavengi. 28Munhu, akaramba murayiro waMosesi, anofa asinganzwirwi tsitsi, kana pane zvapupu zviviri kana zvitatu; 29hamufungi here kuti munhu, akatsika Mwanakomana waMwari pasi petsoka dzake, akati ropa resungano raakaitwa mutsvene naro harina maturo zvaro, akazvidza Mweya wenyasha, kuti iye haanganzi akafanirwa nokurohwa kunopfuura uku kwazvo here? 30Nokuti tinomuziva iye akati, “Kutsiva ndokwangu, ini ndicharipira.” Uyezve, “Ishe achatonga mhosva dzavanhu vake.”
31Zvinotyisa kuwira pamaoko aMwari mupenyu.
Fungai kutsunga kwenyu kwakare
32Asi rangarirai mazuva okutanga, amakati mavhenekerwa, mukatsunga pakurwa kukuru kwedambudziko; 33pamwe nokuti makaitwa chinhu chinotarirwa nokuzvidzwa nokutambudzwa; pamwe nokuti makagovana naivo vakaitirwa izvozvo. 34Nokuti makanzwira tsitsi avo vakasungwa, mukatendawo nomufaro kuti nhumbi dzenyu dzipambwe, muchiziva kuti imi mumene mune pfuma yakapfuura nokunaka, inogara. 35Naizvozvo regai kurasha kusatya kwenyu kuno mubayiro mukuru.
36Nokuti munofanira kuva nokutsungirira, kuti, kana maita kuda kwaMwari, mugopiwa chipikirwa.
37“Nokuti kanguva kaduku-duku kachiko,
Iye anouya, achauya, asinganonoki.
38Asi wakarurama wangu achaponeswa nokutenda;
Zvino kana akadzokera shure,
mwoyo wangu haungafari naye.”
39Zvino isu hatizi ivo vokudzokera shure, kuti tiparadzwe; asi tiri vokutenda kuti tiponeswe mweya.
Zvasarudzwa nguva ino
VaHebheru 10: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002

: