VaHebheru 11
11
Kutenda chinyi, vanhu vakakunda nokutenda
1Zvino kutenda ndirwo rusimbiso rwezvinhu zvatinotarira, nechiratidzo chezvinhu zvatisingaoni. 2Nokuti naiko vanhu vakare vakapupurirwa zvakanaka.
3Nokutenda tinonzwisisa kuti nyika dzakanatsorongedzwa nezwi raMwari, naizvozvo zvinhu, zvinoonekwa, hazvina kuitwa nezvinhu zvinoonekwa.
4Nokutenda Abheri akabayira Mwari chibayiro chakanaka kune chaKaini; akapupurirwa nacho kuti akanga akarurama, Mwari achipupurira zvipo zvake; naiko kutenda iye, kunyange afa hake, achangotaura nazvino.
5Nokutenda Enoki akatorwa, kuti arege kuona rufu; akasaonekwa, nokuti Mwari akanga amutora; nokuti asati atorwa akapupurirwa kuti akanga achifadza Mwari. 6Kana kusina kutenda hazvibviri kumufadza; nokuti anouya kuna Mwari, anofanira kutenda kuti iye aripo, uye kuti anopa vanomutsvaka mubayiro wavo.
7Nokutenda Noa akati anyeverwa pamusoro pezvinhu zvichigere kuonekwa, akagadzira areka nokutya Mwari, kuti aponese mhuri yake; akapa nyika mhosva nazvo, akagara nhaka yokururama kunouya nokutenda.
8Nokutenda Abhurahamu, akati adanwa, akateerera, akabuda, akaenda kunzvimbo yaakanzi achaipiwa ive nhaka yake; akabuda akaenda, asingazivi kwaanoenda. 9Nokutenda akandogara somutorwa munyika yechipikirwa, sapanyika yavamwe, akagara mumatende naIsaka naJakobho, vadyi venhaka yechipikirwa chimwe pamwechete naye; 10nokuti akanga achitarira guta rine nheyo, Mwari ari mhizha nomuvaki waro.
11Nokutenda naiye Sara akapiwa simba rokutora mimba, kunyange akanga achembera, nokuti akati iye akamupikira akatendeka.
12Saka kumunhu mumwe, akanga akaita sowafa, kwakabva vana vakaita senyeredzi dzokudenga nokuwanda kwavo, uye sejecha riri pamhenderekedzo yegungwa risingaverengwi.
13Ivava vose vakafa vachitenda, vasina kupiwa zvipikirwa, asi vakazviona zviri kure, vakazvikwazisa, vakatenda kuti ivo vaeni navafambi panyika. 14Nokuti vanotaura zvakadaro, vanoratidza kuti vanotsvaka nyika yavo chaiyo. 15Nokuti kana vairamba vachifunga nyika iyo yavakabva kwairi, vangadai vawana nguva yokudzoka.
16Asi zvino vanoda imwe inopfuura nokunaka, ndiyo yokudenga; naizvozvo Mwari haana nyadzi pamusoro pavo kuti aidzwe Mwari wavo; nokuti wakavagadzirira guta.
17Nokutenda Abhurahamu, achiedzwa, akabayira Isaka; iye akanga agamuchira kwazvo zvipikirwa, akanga achibayira mwana wake wakaberekwa mumwe woga; 18iye akanga audzwa, zvichinzi, “Muna Isaka vana vako vachatumidzwa; 19nokuti wakati Mwari anogona kumutsa munhu kunyange kuvakafa; ndipapowo, kana tichitaura nomufananidzo, paakamudzoserwa.”
20Nokutenda Isaka akaropafadza Jakobho naEsau pamusoro pezvinozoitwa. 21Nokutenda Jakobho pakufa kwake akaropafadza mwanakomana mumwe nomumwe waJosefa; akanamata akasendamira pamusoro pomudonzvo wake. 22Nokutenda Josefa, ofa, akataura zvokubuda kwavana vaIsiraeri, akavarayira pamusoro pamapfupa ake.
23Nokutenda Mosesi pakuberekwa kwake akavanzwa navabereki vake mwedzi mitatu, nokuti vakaona kuti akanga ari mwana wakanaka; havana kutya murayiro wamambo.
24Nokutenda Mosesi akura, akaramba kunzi mwanakomana womukunda waFarao, 25akati zviri nani kuitirwa zvakaipa pamwechete navanhu vaMwari pakufarira zvivi nguva duku; 26akati kuzvidzwa kwaKristu ipfuma huru kupfuma kwose kweIjipiti; nokuti akatarira mubayiro.
27Nokutenda akabva Ijipiti, asingatyi kutsamwa kwamambo; nokuti akatsungirira somunhu anoona iye asingaonekwi. 28Nokutenda, akavamba Pasika nokusasa ropa, kuti muurayi wamatangwe avarege ivo.
29Nokutenda, vakayambuka Gungwa Dzvuku, sapanyika yakaoma; vaIjipiti vachiedza izvozvo, vakabitirirwa.
30Nokutenda, masvingo eJeriko akawira pasi, apoteredzwa mazuva manomwe. 31Nokutenda, Rakabhi chifeve, haana kufa pamwechete navasina kuteerera, nokuti akanga agamuchira vashori norugare.
32Ndichataurireiko zvimwe? Nokuti ndichapererwa nenguva, kana ndikataura zvaGidheoni, naBharaki, naSamisoni, naJefita, naDhavhidhi, naSamueri, navaporofita; 33avo vakakunda ushe nokutenda kwavo vakaita zvakarurama, vakapiwa zvipikirwa, vakadzivira miromo yeshumba. 34Vakadzima simba romoto, vakatiza minondo inopinza, vakasimbiswa muutera, vakava nesimba pakurwa, vakadzinga hondo dzamamwe marudzi. 35Vakadzi vakapiwazve vakafa vavo, vamutswa; vamwe vakapurwa, vakaramba kusunungurwa, kuti vawane kumuka kwakapfuura nokunaka; 36vamwe vakaedzwa, vachisekwa, vachirohwa zvikuru, uyezve vachisungwa, vachiiswa mutorongo; 37vakatakwa namabwe, vakaedzwa, vakaurawa nomunondo; vakafamba vakafuka matehwe amakwai, nenguo dzembudzi; vasina chinhu, vachitambudzika, vachiitirwa zvakaipa; 38(nyika haina kufanirwa navo), vachidzungaira mumarenje, nomumakomo, nomumapako, nomumakomba enyika.
39Ava vose vakanga vapupurirwa nokutenda kwavo, asi havana kupiwa zvipikirwa, 40nokuti Mwari akanga atigadzirirwa, chimwe chinhu chinopfuura nokunaka, kuti ivo varege kukwaniswa kunze kwedu.
Zvasarudzwa nguva ino
VaHebheru 11: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002

: