VaHebheru 5
5
1Nokuti mupristi mukuru mumwe nomumwe, akatorwa kuvanhu, anogadzwa nokuda kwavanhu pazvinhu zvaMwari, kuti abayire zvipo nezvibayiro pamusoro pezvivi; 2iye anogona kunzwira tsitsi avo vasingazivi navakatsauka, nokuti naiyewo amene akakomberedzwa noutera. 3Nemhaka iyo iye amene anofanira kuzvibayira pamusoro pezvivi zvake, sezvaanobayira zvavanhu. 4Hakuna munhu angazvitorera basa iri rinokudzwa, asi kana achidanwa naMwari saiye Aroni. 5Saizvozvowo Kristu haana kuzvikudza iye, achiitwa mupristi mukuru, asi akakudzwa naiye, akati kwaari,
“Ndiwe Mwanakomana wangu,
Nhasi ndakakubereka;”
6Sezvaanorevawo pane imwe nzvimbo, achiti,
“Ndiwe Mupristi nokusingaperi
Unorudzi naMerekizedheki.”
7Iye, pamazuva enyama yake, akauya kuna iye akanga achigona kumurwira parufu, neminyengetero nemikumbiro, achichema nokuchema kukuru nemisodzi, akanzwika nokuda kwokutya kwake Mwari; 8kunyange aiva Mwanakomana, akadzidza kuteerera nezvaakatambudzika; 9akati akwaniswa, akazova muvambi wokuponeswa kusingaperi kuna vose vanomuteerera; 10akanzi naMwari Mupristi mukuru unorudzi naMerekizedheki.
Vatendi vanofanira kupfuurira mberi pakutenda
11Tina mashoko mazhinji atingataura pamusoro pake, anorema kududzira, zvamava vanhu vasingagoni kunzwisisa kwazvo. 12Nokuti, kunyange maifanira kuva vadzidzisi zvino, kana tichitarira nguva, mofanirazve kuti muve nomumwe anokudzidzisai dzidzo dzokutanga dzokuvamba kwezvirevo zvaMwari; mava vanhu vanofanira kupiwazve mukaka, vasingapiwi zvokudya zvikukutu. 13Nokuti mumwe nomumwe anodya mukaka haanzwisisi shoko rokururama, nokuti mucheche hake.
14Asi zvokudya zvikukutu ndezvavakuru, vanokuziva kwakadzidziswa, nenzira yokurovedzwa, kuzivisisa zvakanaka nezvakaipa.
Zvasarudzwa nguva ino
VaHebheru 5: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002

: